Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichingofunga Bonde?

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichingofunga Bonde?

 “Ndinoerekana ndava kungofunga nezvebonde uye ndizvo zvinenge zvangozara mupfungwa dzangu. Zvinoita sekuti pane mumwe munhu ava kutodzora pfungwa dzangu.”—Vera.

 “Zvakandiomera kuti ndirege kufunga nezvebonde. Zvakafanana sekuedza kubhururuka uchishandisa maoko ako semapapiro.”—John.

 Unonzwawo sezvinoita Vera naJohn here? Kana zvakadaro, nyaya ino ichakubatsira.

 Nei usingafaniri kugara uchingofunga bonde?

 Mumwe mukomana anonzi Alex anoti, “Sekuru vangu vakandiudza kuti kudai Mwari aisada kuti ndiite zvebonde angadai asina kundipa chido chacho.”

 Zvimwe zvakataurwa nasekuru vaAlex ndezvechokwadi. Mwari akatipa chido chebonde uye akazviita nechikonzero. Nhasi panyika pane vanhu nekuti tinokwanisa kuberekana. Saka nei uchifanira kudzivisa kugara uchingofunga nezvebonde? Ngationei zvikonzero zviviri:

  •   Bhaibheri rinodzidzisa kuti chinangwa chaMwari ndechekuti bonde riitwe nemurume nemukadzi vakaroorana chete.—Genesisi 1:28; 2:24.

     Kana uchiremekedza zvinotaurwa neBhaibheri, kuramba uchingofunga nezvebonde iwe usati waroora kana kuroorwa kunoita kuti ushungurudzike. Unogona kutopedzisira waita bonde nemumwe munhu uye vakawanda vakazozvidemba pavakaita izvozvo.

  •   Kana ukadzidza kubvisa pfungwa dzebonde mumusoro mako unenge uchitodzidza kuva munhu anozvidzora uye zvichakubatsira pane zvakawanda muupenyu.1 VaKorinde 9:25.

 Unhu ihwohwo huchakubatsira kuti ubudirire pane zvaunoita iye zvino kunyange mune ramangwana. Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti vana vanozvidzora havazonetseki neutano, kushushikana nekushaya mari kana kuti kupara mhosva pavanenge vakura. a

 Nei zvakaoma kuti urege kufunga zvebonde?

 Mahomoni anobudiswa nemuviri wako paunenge uchiyaruka, kwozotiwo nyika iri kuita kupenga nebonde, zvese izvi zvinoita kuti zviome kurega kufunga nezvebonde.

 “Mapurogiramu ese anobuda paTV anoita kuti zviite sekuti hapana chakaipa nekuita bonde musati maroorana uye kuti hapana ngozi dzinozovapo. Zviri nyore kuti pfungwa dzirambe dzichifunga zvebonde kana bonde richiratidzwa paTV sekuti harina charakaipira.”—Ruth.

 “Pandinenge ndiri kubasa, ndinonzwa vanhu vachitaura zvinyadzi nezvebonde uye zvinobva zvaita kuti ndide kuziva zvakawanda. Vanhu vakawanda vanoona pasina chakaipa nekuita unzenza uye zvakaoma kuti usatevedzera mafungiro iwayo.”—Nicole.

 “Zviri nyore chaizvo kuti uvarairwe paunenge uchitarisa mifananidzo pasocial media. Kana ukaona chinhu chisina kunaka chinogona kubva chapinda mupfungwa dzako zvekuti hauzombofi wakachikanganwa!”—Maria.

 Zvinhu zvakaita seizvi zvinogona kuita kuti unzwe sezvakaita muapostora Pauro. Akanyora kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VaRoma 7:21.

Usabvumira kuti pfungwa dzakaipa dzivake dendere mumusoro mako

 Zvaunogona kuita

 Funga zvimwe zvinhu. Edza kuisa pfungwa dzako pane zvimwe zvinhu zvisiri bonde. Izvi zvinogona kusanganisira zvinhu zvaunonakidzwa nekuita, mutambo, kuekisesaiza, kana kuti chimwe chinhu chinoita kuti utange kufunga zvinhu zvakanaka. Mumwe musikana anonzi Valerie anoti, “Kuverenga Bhaibheri kunobatsira. Paunoverenga Bhaibheri zvinoita kuti ufunge nezvaMwari, uye kana uchifunga nezvaMwari zvakaoma kuti uzotanga kufunga zvimwewo zvinhu.”

 Pfungwa dzebonde dzichatombouya. Asi nyaya iri pakuti uchaita sei kana zvaitika. Kana uchida hako unogona kudzidzivisa.

 “Kana ndikatanga kufunga zvisina basa, ndinozvimanikidza kuti nditange kufunga zvimwe zvinhu. Ndinotsvaga chinenge chakonzera kuti nditange kufunga zvisiri izvo, rungava rwiyo kana mufananidzo wandinofanira kudzima.”—Helena.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinhu zvese zvakarurama, zvinhu zvese zvakachena, . . . rambai muchifungisisa zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8.

 Sarudza shamwari dzakanaka. Kana shamwari dzako dzichingogara dzichitaura nezvebonde, zvichakuomera kuti ufunge zvinhu zvakachena.

 “Pandaiyaruka, ndainetseka chaizvo nezvandaifunga, uye chainyanya kuita kuti zvidaro dzaiva shamwari dzangu. Kana uchigara uine vanhu vanokukurudzira kuita zvakaipa, zvinoita kuti utadze kudzora manzwiro aunenge uinawo uye zvinobva zvaita sewadira peturu mumoto.”—Sarah.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.

 Usazvivaraidza nezvinhu zvisina kunaka. Zvinhu zvakawanda zvinovaraidza vanhu mazuva ano zvazara neunzenza. Nicole anoti, “Mimhanzi ndiyo inonyanya kundikanganisa, ndinopedzisira ndava kutotadza kudzora chido chandinenge ndava nacho.”

 “Ndakatanga kuona mafirimu nemapurogiramu epaTV aibuditsa zvinhu zvepabonde. Ndakazongoona ndava kungofunga zvinhu zvepabonde. Zvaiva nyore kuti ndione kuti pfungwa idzodzo dzakanga dzabva kupi. Pandakangorega kuona mafirimu nemapurogiramu epaTV iwayo, ndakanga ndisisanyanye kufunga nezvebonde. Kusangoona zvese zvese kunobatsira chaizvo pakukunda hondo yekudzivisa pfungwa dzakaipa.”—Joanne.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Upombwe nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kana kutombotaurwa nezvazvo pakati penyu.”—VaEfeso 5:23.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Vamwe vanhu vanofunga kuti havafaniri kudzora chido chavo chebonde uye vanotoona sezvisingagoneki kuti munhu adzore chido ichocho. Asi handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Rinoti tinokwanisa kudzora zvatinofunga, uye izvi zvinoratidza kuti Mwari anokoshesa zvatinoita.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munofanira kuramba muchiitwa vatsva pamafungiro enyu.”—VaEfeso 4:23.

a Vakaroorana vanofanirawo kuva vanhu vanozvidzora, saka zvakanaka kuti ugare wadzidza kuva neunhu uhwu usati waroora kana kuroorwa.