Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?

Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?

“Mumwe musi ndinenge ndichifara zvekuti asi mumwe musi ndinenge ndakasuwa. Zvinhu zvandaimbotora sezvisina basa, ndozvinenge zvava kundishayisa mufaro.”​—Carissa.

Manzwiro aunoita akaita semugwagwa une mabhambo here wekuti pamwe wakakwirira pamwe wakadzikira? a Kana izvozvo zvichimboitika kwauri, nyaya ino inogona kukubatsira!

 Zvinokonzerwa nei?

 Kana uchiri kuyaruka, zvinowanzoitika kuti unogona kungoerekana wasuruvara, asi iwe wambenge uchifara. Kunyange paunenge wava kuda kusvika makore 20, izvi zvinogona kunge zvichiri kutoitika.

 Kana uri kunetseka nekuti chii chinomboita kuti zvidaro, unofanira kuziva kuti izvozvo zvinowanzokonzerwa nekuchinja kwemahomoni. Chimwewo chinoita kuti zvidaro inyaya yekunetseka kunowanzoita munhu paanenge achiyaruka nekuti anenge asingazivi kuti zvichazonyatsofamba sei. Asi unogona kuziva zvinoita kuti unzwe saizvozvo wokwanisa kudzora manzwiro ako.

 Chokwadi ndechekuti: Kudzidza kudzora manzwiro ako uchiri mudiki kunozokubatsira paunenge wakura.

Kunzwa wakasuruvara kwakafanana nemakomba ari mumugwagwa. Ukashandisa unyanzvi unogona kunzvenga akanyanya kukura acho kuitira kuti ufambe zvakanaka

 Zvinhu zvitatu zvaunogona kuita

 Udza mumwe munhu. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”​—Zvirevo 17:17.

 “Kumba kwedu tine mumwe sahwira wedu wandinoona satete vangu. Vanonditeerera pandinenge ndichitaura, uye ndinonzwa ndakasununguka kuvaudza zvinenge zvichindinetsa. Kana zvandinenge ndichitaura zviine musoro, vanondirumbidza, asi kana ndiri kurasika vanobva vandidzoreredza zvakanaka.”​—Yolanda.

 Zano: Pane kungoudza vezera rako vanenge vachinzwa sezvaunenge uchiita, unogona kutaura nevabereki vako kana kuti nemunhu mukuru waunovimba naye.

 Nyora. Bhaibheri rinoratidza kuti Jobho paakanga achirwadziwa akati: “Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 10:1) Pane kungoudza mumwe munhu nezvemanzwiro ako, unogona kuita zvekunyora pasi.

 “Pese pandinenge ndiri ndinenge ndiine kabhuku kekunyorera. Pakangoitika zvinhu zvinondigumbura ndinobva ndazvinyora pasi. Kuzvinyora kunoita kuti ndinzwe zviri nani.”​—Iliana.

 Zano: Iva nepaunonyorera manzwiro aunenge uchiita, zvinenge zvaita kuti unzwe saizvozvo uye zvaungaita kuti udzore manzwiro iwayo. Pepa rezvandakaronga kuita rinoenderana nenyaya ino rinogona kukubatsira kuti uite izvozvo.

 Nyengetera. Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”​—Pisarema 55:22

 “Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha kana ndiine zvinenge zvichindinetsa. Pese pandinomuudza zvinenge zviri pasi pemwoyo wangu ndinobva ndanzwa kurerukirwa.”​—Jasmine.

 Zano: Pasinei nekuti uri kunetseka zvakanyanya, funga zvinhu zvitatu zvaunotenda muupenyu hwako. Paunonyengetera kuna Jehovha, mukumbire kuti akubatsire uye mutendewo nezvaakakuitira.

a Nyaya ino ichataura nezvedambudziko iri rinosangana nevechidiki vakawanda. Kana uine bipolar disorder kana chimwe chirwere chedepression, ona nyaya yakanzi “Ndingaita Sei Kana Ndiine Depression?