Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingakunda Sei Miedzo?

Ndingakunda Sei Miedzo?

 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaRoma 7:21) Wakambonzwa saizvozvo here? Kana wakambonzwa saizvozvo, nyaya ino ichakubatsira kukunda miedzo yekuita zvinhu zvakaipa.

 Zvaunofanira kuziva

 Miedzo inowanzobva pakuda kutevedzera zvinoitwa nevamwe. Bhaibheri rinototi “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Zvinoitwa nevamwe kana kuti zvatinoona paTV zvinogona kuita kuti tinzwe tichida kuita zvakaipa, uye zvinogona kutoita kuti utevedzere zvinoitwa nevakawanda.—Eksodho 23:2.

 “Kuda kufarirwa kunogona kuita kuti upedzisire waita zvese zvinenge zvichiitwa nevamwe kuti ungokwana-kwanawo pane vamwe.”—Jeremy.

 Funga izvi: Zviri nyore kuti ukundwe nemuedzo kana ukanyanya kufadza munhu wese.—Zvirevo 29:25.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Usabvuma kufurirwa kuita zvinhu zvaunoziva kuti hazvina kunaka.

 Zvaunogona kuita

 Ziva zvaunotenda. Kana usingazivi zvaunotenda, vanhu vanokuita chidhori chavo. Zvitori nani kuti uteerere zano reBhaibheri rekuti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” (1 VaTesaronika 5:21) Kana ukanyatsonzwisisa zvaunotenda, zvichaita kuti usafurirwa kuita zvinhu zvaunoziva kuti zvakaipa.

 Funga izvi: Nei uchifunga kuti kuteerera mitemo yaMwari kwakanaka?

 “Ndakaona kuti kana ndikaramba ndichiita zvinhu zvandinotenda ndorega kukundwa nemiedzo, vanhu vanotowedzera kundiremekedza.”—Kimberly.

 Munhu wemuBhaibheri wekutevedzera: Dhanieri. Paakanga achiri kuyaruka “akatsunga mumwoyo make” kuti aizoteerera mitemo yaMwari.—Dhanieri 1:8.

Kana usingazivi zvaunotenda, vanhu vanokuita chidhori chavo

 Ziva kuti ndeupi muedzo unogona kukukunda. Bhaibheri rinotaura ‘nezvekuchiva kweudiki,’ kureva zvido zvinenge zvakasimba kana uri mudiki. (2 Timoti 2:22) Izvi zvinosanganisira chido chekuita zvepabonde, kuda kufarirwa nevamwe uye kuda kuita zvemumusoro mako asi usati wakura.

 Funga izvi: Bhaibheri rinoti “mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.” (Jakobho 1:14) Muedzo upi unonyanya kukuomera?

 “Ziva miedzo inokuomera kukunda. Tsvakurudza kuti ungaikunda sei, wonyora zvauchaita. Ukadaro, pauchasangana nemiedzo iyoyo, unenge wava kuziva zvekuita.”—Sylvia.

 Munhu wemuBhaibheri wekutevedzera: Dhavhidhi. Pane dzimwe nguva akambofurirwa nevamwe uye akaita zvinhu zvakaipa zvaidiwa nemwoyo wake. Asi Dhavhidhi akadzidza kubva pane zvaakakanganisa uye akashanda nesimba kuti achinje. Akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Sikai mwoyo wakachena mandiri. . . muise mafungiro matsva mandiri.”—Pisarema 51:10.

 Zvidzore. Bhaibheri rinoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa.” (VaRoma 12:21) Izvi zvinoreva kuti haufaniri kukundwa nemuedzo. Zviri kwauri kuti wosarudza kuita zvakanaka here kana zvakaipa.

 Funga izvi: Zvii zvaungaita kuti usakundwa nemuedzo?

 “Ndinofunga kuti ndichanzwa sei kana ndikakundwa nemuedzo. Ndichafara here? Kana kuti mufaro wacho unenge ungori wenguva pfupi. Kana uri wenguva pfupi, zviri nani kusiyana nazvo.”—Sophia.

 Munhu wemuBhaibheri wekutevedzera: Pauro. Kunyange zvazvo aibvuma kuti aiva nezvido zvakaipa, aiedza kuzvidzora. Akanyora kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda.”—1 VaKorinde 9:27.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Ndiwe unosarudza zvekuita kuti ukunde miedzo.

 Yeuka kuti miedzo inopera. Melissa ane makore 20 anoti, “Zvinhu zvandaiti miedzo mikuru pandaiva kuchikoro, iye zvino zvava zvinhu zvidiki. Izvi zvinoita kuti ndizive kuti kunyange ndikasangana nemiedzo iye zvino, miedzo iyoyo ichapera. Nekufamba kwenguva ndinozoona kuti ndakagona nekukunda kwandakaita miedzo yacho.”