Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?​—Chikamu 3: Nei Kubvuma Kuti Zvinhu Zvakasikwa Kuine Musoro?

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?​—Chikamu 3: Nei Kubvuma Kuti Zvinhu Zvakasikwa Kuine Musoro?

“Kana uchibvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa, vanhu vanogona kukuona sewakapusa, vachiti unongobvuma izvozvo nokuti ndozvawakaudzwa nevabereki vako uchiri mwana, kana kuti wakaputirwa pfungwa nechechi yaunopinda.”​—Jeanette.

 Unombosanganawo nezvinhu zvakadaro here? Kana zvakadaro, dzimwe nguva unotombopindwa nekapfungwa kekuti pamwe zvinhu hazvina kuita zvokusikwa. Chinoita kuti udaro ndechokuti hapana munhu anoda kunzi haazivi. Saka woita sei?

 Zvinotaurwa nevamwe nezvenyaya iyi

 1. Kana uchibvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa, vanhu vachafunga kuti unopikisana nesayenzi.

 “Ticha wangu anoti vanhu vanobvuma kuti zvinhu zvakasikwa nokuti vane usimbe hwokushandisa pfungwa.”​—Maria.

 Zvaunofanira kuziva: Vanhu vane mafungiro akadai havazivi chokwadi. Masayendisiti anonyanya kuzivikanwa akadai saGalileo naIsaac Newton vaibvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa. Ruzivo rwavo mune zvesayenzi haruna kuita kuti vafunge kuti hakuna Musiki. Mazuva anowo, mamwe masayendisiti ari kuona kuti zvinotaurwa nesayenzi zvinopindirana nedzidziso yokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa.

 Edza izvi: Enda paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower wonyora mashoko okuti “anotsanangura kutenda kwake” mukabhokisi kakanzi tsvaga uye uchaona mamwe masayendisiti anobvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa. Verenga unzwe kuti chii chakaita kuti vabvume izvozvo.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uchibvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa hazvirevi kuti unopikisana nesayenzi. Chokwadi ndechokuti, kudzidza zvakawanda nezvezvinhu zvisina kugadzirwa nevanhu kunoita kuti uwedzere kubvuma kuti Musiki ariko.​—VaRoma 1:20.

2. Kana uchibvuma zvinotaurwa neBhaibheri nezvekusikwa kwezvinhu, vanhu vachafunga kuti wakafonyorwa pfungwa nechechi.

 “Vanhu vakawanda vanofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa ingano.”​—Jasmine.

 Zvaunofanira kuziva: Vanhu vanofunga zvakasiyana-siyana pavanoverenga nyaya yokusikwa kwezvinhu inotaurwa muBhaibheri. Somuenzaniso vamwe vanoti, nyika haina makore akawanda yapera kusikwa, kana kuti zvose zviri panyika zvakasikwa mumazuva 6 akareba maawa 24. Bhaibheri haribvumirani nemafungiro iwayo.

  •   Genesisi 1:1 inoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” Izvi zvinonyatsoenderana nezvinotaurwa nesayenzi kuti nyika yava nemabhiriyoni emakore iripo.

  •   Shoko rokuti “zuva” rinoshandiswa muna Genesisi rinogona kureva nguva yakareba chaizvo. Pana Genesisi 2:4, shoko rokuti “zuva” rinoreva mazuva ose 6 akasikwa zvinhu.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Nyaya iri muBhaibheri yekusikwa inoenderana nezvinotaurwa nesayenzi.

 Ongorora zvaunotenda

 Kubvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa hakurevi kuti unofanira kuita gundamusaira. Panotova nezvikonzero zvine musoro zvinoita kuti titi zvinhu zvakasikwa. Funga izvi:

 Dzimwe nguva ukaona zvinhu zvakagadzirwa nevanhu nounyanzvi unopererwa. Ukaona kamera, ndege, kana kuti imba handiti unoti pane akazvigadzira. Zvino kana uchishamiswa nezvinhu zvakadai, ko paunofunga nezvemashandiro anoita ziso remunhu, kubhururuka kunoita shiri kana kuti magadzirirwo akaitwa nyika, ungazoramba here kuti pane akazvigadzira?

 Zvokufunga nezvazvo: Mainjiniya anowanzokopa mashandiro anoita zvimwe zvinhu zvakasikwa paanenge aine chinhu chaanoda kugadzira kana kunatsiridza uye anoda kuzivikanwa kuti ndiwo akachigadzira. Zvine musoro here kuti tide kuziva munhu akagadzira chinhu asi toramba kuti kune Musiki akasika zvinhu zvinoshamisa?

Tingati here ndege yakaita zvokugadzirwa asi toti shiri yakangoerekana yavapo?

 Zvimwe zvinoratidza kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa

 Kana ukaongorora zvinhu zvakasikwa uchawedzera kutenda kuti kune Musiki.

 Edza izvi: Enda paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower wonyora mashoko okuti “NdiMwari akasika here” mukabhokisi kakanzi tsvaga. Sarudza nyaya dzaunoda dzine musoro iwoyo dzinobudiswa muMukai! Panyaya imwe neimwe yauchaverenga, tsvaga kuti chii chinoshamisa pachisikwa ichocho uye kuti chinoratidza sei kuti Musiki ariko?

 Nyatsodzika-dzika nenyaya iyi: Verenga mabhuku ari pasi apa uone kuti sei chiri chokwadi kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa.

  •  Was Life Created?

    •   Nyika yakaiswa panzvimbo yakakodzera uye ine zvinhu zvinoita kuti upenyu hurambe huchienderera mberi.​—Verenga mapeji 4-​10.

    •   Vanhu vanogadzira zvinhu zvavo vachikopa pazvinhu zvakasikwa.​—Verenga mapeji 11-​17.

    •   Nyaya iri muBhaibheri inotaura nezvekusikwa inonyatsoenderana nezvinotaurwa nesayenzi.​—Verenga mapeji 24-​28.

  •  The Origin of Life​—Five Questions Worth Asking

    •   Hazviiti kuti titi pane chimwe chinhu chisina upenyu chakaputika zvichibva zvaita kuti pave nezvinhu zvinorarama.​—Verenga mapeji 4-7.

    •   Magadzirirwo akaitwa zvinhu zvinofema anoshamisa saka hazviiti kuti titi pane chinhu chisina upenyu chakangoerekana chaputika chichibva chaita kuti pave nezvinhu zvinorarama.​—Verenga mapeji 8-​12.

    •   Hapana kombiyuta kana chimwe chinhu chakagadzirwa nemunhu chinogona kuchengeta mashoko akawanda sezvinoita DNA.​—Verenga mapeji 13-​21.

    •   Zvinhu zvose zvinorarama hazvina kutangira pachinhu chimwe chete.​—Verenga mapeji 22-​29.

 “Ndikatarisa zvinhu zvisina kugadzirwa nemunhu zviri panyika uye muchadenga uye marongerwo azvakaitwa, ndinobva ndaona kuti Musiki ariko.”​—Thomas.