Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?​—Chikamu 4: Ndingatsanangura Sei Kuti Zvinhu Zvakaita Zvokusikwa?

Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?​—Chikamu 4: Ndingatsanangura Sei Kuti Zvinhu Zvakaita Zvokusikwa?

Unobvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa, asi unozeza kuzvitaura kuchikoro. Zvimwe mabhuku okuchikoro anotsigira pfungwa yokuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka uye unotya kuti maticha nevaunodzidza navo vangangokuseka. Ungatsanangura sei nyaya iyi uine chivimbo?

 Unozvigona!

 Ungafunga kuti: ‘Ini hangu zvokutsanangura nyaya idzi zvinondinetsa.’ Danielle aimbofungawo saizvozvo. Akati, “Ndaisada kupikisana naticha wangu uye nevandinodzidza navo.” Diana akatiwo, “Ndaibva ndavhiringika pavaitaura vachishandisa mavhoko esayenzi.”

 Yeuka kuti chinangwa chako hachisi chokuti uratidze kuti unoziva kupfuura vamwe. Uyewo haufaniri hako kuva shasha yesayenzi kuti uratidze kuti nei zviine musoro kwauri kuti uti zvinhu zvakaita zvokusikwa.

 Zvaungaita: Shandisa pfungwa iri nyore kutsanangura inotaurwa muBhaibheri pana VaHebheru 3:4 yokuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.”

 Mumwe musikana anonzi Carol anotsanangura pfungwa iri pana VaHebheru 3:4 seizvi: “Ngatitii uri kufamba musango. Hapana chinoratidza kuti ungangosangana nemunhu. Asi unobva waona rin’i yakadonhera pasi. Waizofungei? Vakawanda vaizoti, ‘Pane munhu akambopfuura nomuno.’ Kana chinhu chiduku-duku chakadai serin’i chichiratidza kuti hachina kungoerekana chavapo, ko kuzoti nyika nezvose zviri mairi!”

 Kana mumwe munhu akati: “Kana chiri chokwadi kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa, ko akasika Mwari ndiani?”

 Ungapindura kuti: “Kunyange zvazvo tisinganzwisisi zvose nezvoMusiki hazvirevi kuti haako. Somuenzaniso, ungasaziva zvose nezvomunhu akagadzira foni yako asi handizvo here kuti unobvuma kuti pane akaigadzira? [Rega apindure.] Tinogona kuziva zvakawanda nezvoMusiki. Kana uchida, ndinogona kukuudzawo zvimwe zvacho.”

 Gadzirira

 Bhaibheri rinoti unofanira kugara ‘wakagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunza chikonzero chetariro iri mauri, asi uchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.’ (1 Petro 3:15) Saka funga nezvezvinhu izvi zviviri​—zvauchataura uye matauriro auchazviita.

  1.   Zvauchataura. Kuda Mwari ndiko kuchaita kuti utaure nyaya iyi. Asi kungoudza vamwe kuti unoda Mwari hakusi iko kwoga kungaita kuti vamwe vabvumewo kuti ndiye akasika zvinhu zvose. Saka ungatofanira kushandisa mienzaniso yezvinhu zvakasikwa kuti uratidze vamwe kuti nei zviine musoro kubvuma kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa.

  2.   Matauriro auchazviita. Taura nechivimbo asi usavashora. Kana ukaremekedza zvinofungwa nevamwe usingavamanikidzi kubvuma mafungiro ako, kazhinji vanoteerera zvaunotaura.

     “Ndinofunga kuti zvakakosha chaizvo kuti usashora vamwe kana kuzviita mazivazvose, nokuti ukadaro hakuna munhu waunogona kubatsira.”​—Elaine.

 Zvimwe zvingakubatsira kutsanangura zvaunotenda

Kugadzirira mapinduriro auchaita kwakafanana nokugara wakagadzirira kuitira mamiriro okunze akachinja

 Mumwe musikana anonzi Alicia akati, “Kana usina kugadzirira, hapana chaunokwanisa kutaura nokuti unenge uchinyara kuzosekwa.” Zvakataurwa naAlicia zvinoratidza kuti kugadzirira kunokosha. Jenna akatiwo, “Ndinoona zviri nyore kutaura nezvenyaya yokusikwa kwezvinhu kana ndakagadzirira muenzaniso wandinonyatsonzwisisa kuti nditsigire zvandinotenda.”

 Ungawana kupi mienzaniso yakadaro? Vechiduku vakawanda vakabudirira pavakashandisa zviri pasi apa:

 Unogonawo kudzokorora nyaya dzinotevedzana dzinoti, “Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?”

  1.  Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?

  2.  Chikamu 2: Nei Zviine Musoro Kuti Titi Hatina Kubva Kumhuka?

  3.  Chikamu 3: Nei Kubvuma Kuti Zvinhu Zvakasikwa Kuine Musoro?

 Zvaungaita: Sarudza mienzaniso inoita kuti iwe pachako unyatsoti chokwadi Mwari ariko. Mienzaniso yakadaro hauzoikanganwi uye uchakwanisa kuitaura nechivimbo. Dzidzira matsananguriro auchazviita.