Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?

Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?

 Kutaura muchionana kwakanakirei?

 Vamwe vanoona sekuti kutaura muchionana kwakaoma uye kunonetsa kana vachienzanisa nekutaura muchiita zvekutumirana mameseji.

 “Kana uchitumirana nemunhu mameseji unokwanisa kudzima kana kugadzirisa mashoko ako, asi kana kwava kutaura muchionana zvaunenge watotaura unenge wataura.”—Anna.

 “Kutumirana mameseji kwakafanana nekuratidza vanhu vhidhiyo yawakarekodhwa uchiekita, asi kutaura muchionana kwakafanana nekutoekita wakatariswa nevanhu. Pandinenge ndichitaura nevanhu, ndinenge ndichingofunga kuti, ‘Dai ndikasataura zvisirizvo!’”—Jean.

 Muupenyu, pane pauchazofanira kutaura nevanhu muchionana. Semuenzaniso, kugona kutanga kutaura nevanhu kuchakubatsira kuti ukwanise kutanga ushamwari, kuwana basa uye kurichengetedza, uye kana wava pazera rekutsvaga munhu wekuroorana naye zvichakubatsirawo kuti ukwanise kutanga kutaura nemunhu wacho.

 Haufaniri hako kutya kutaura nevanhu muchionana. Unogona kudzidzira kuzviita, kunyange uri munhu anonyara.

 “Tese zvedu tinombotaura zvisirizvo zvatinombonyara nazvo. Unofanira kuziva kuti uchatombokanganisa.”—Neal.

 Ungatanga sei kutaura nemunhu?

  •   Bvunza mibvunzo. Funga nezvenyaya inogona kungofarirwa nevanhu wobva watanga kutaura nezvenyaya yacho. Unogona kubvunza kuti:

     “Waiitei paholiday?”

     “Vhidhiyo iyi inonakidza. Wakamboiona here?”

     “Ko wakanzwa here zvakaitika ku. . . ?”

     Kana kuti, unogona kufunga nezvechimwe chinhu chamunoita mese kana kuti chamunoziva. Semuenzaniso, munodzidza pachikoro chimwe chete kana kuti munoshanda mese here? Chibvunza mibvunzo inoenderana nezvinhu izvozvo.

     “Funga nezvenyaya dzaunofarira dzaunoda kunzwa kuti vamwe vanotii nezvadzo.”—Maritza.

     Zvaunofanira kungwarira: Usazoramba uchingobvunza mibvunzo yakawanda zvekuti munhu wacho anopedzisira ava kutonetseka. Uye usazobvunza mibvunzo inoita kuti munhu wacho anyare kutaura. Mibvunzo yakadai seyekuti “Une munhu wauri kudanana naye here?” kana kuti “Sei uchigara wakangopfeka hembe dzebhuruu?” inogona kuita kuti munhu anetseke kupindura. Mubvunzo wechipiri unogona kuita kuti munhu aone sekuti wava kumushora!

     Kuti usaite seuri kumubvunzurudza, unogona kutaura maonero ako pamubvunzo waunenge wamubvunza. Unogona kuita izvozvo iye asati apindura kana kuti atopindura kare. Itai zvekukurukura, kwete kuti iwe ungobvunza mibvunzo iye achipindura.

    Mibvunzo yako inoita kuti munhu anzwe sekuti ari kubvunzurudzwa here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.”—Zvirevo 20:5.

  •   Nyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura. Kuti ubudirire kutaura nevamwe, chinonyanya kukosha ndechekuti uve munhu anoteerera vamwe pavanenge vachitaura kwete kuti uve munhu anogona kutaura.

     “Ndinoedza kubata chimwe chinhu pandinenge ndichitaura nemunhu zvekuti ndinogona kuzotangira ipapo patinoonana zvakare.”—Tamara.

     Zvaunofanira kungwarira: Usanetseka kuti uchati kudii kana apedza kutaura. Kana ukanyatsoteerera, uchawana zvekutaura kubva pane zvaanenge ataura.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidza kuteerera, unonoke kutaura.’—Jakobho 1:19.

  •    Ratidza kuti unonyatsofarira munhu wacho. Kana uchifarira munhu wauri kutaura naye, uchanakidzwa nenyaya dzamunenge muchitaura.

     “Kana ukaratidza munhu wacho kuti uri kuda kunzwa zvaari kutaura, muchanakidzwa, kunyange kana paine dzimwe nguva dzamunombopererwa nenyaya.”—Marie.

     Zvaunofanira kungwarira: Usazonyanya kubvunzisisa. Mashoko akadai sekuti “Hembe yako yakanaka. Wakaitenga marii?” anogona kuita kuti munhu anzwe sekuti wava kumubvunza zvinhu zvisinei newe.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Usangofunga zvakakunakira chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.

 Ungapedzisa sei nyaya yamunenge muchitaura? Mumwe mukomana anonzi Jordan anoti: “Edza kupedzisa nyaya nekutaura chinhu chinonakidza. Kutaura mashoko akadai seekuti, ‘ndafara kutaura newe’ kana kuti ‘woswera zvakanaka’ kunogona kuita kuti zvizova nyore kutaura naye pane imwe nguva.”