Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ko Kana Mubereki Wangu Achirwara?

Ko Kana Mubereki Wangu Achirwara?

 Vechiduku vakawanda havambofungi nezvekuchengeta vanorwara. Zvechokwadiwo, panogona kutopera makore chaiwo vabereki vavo vasati varwara.

 Asi zvakadini kana baba vako kana kuti amai vako vakatanga kurwara iwe uchiri kuyaruka? Chimbofunga nezvevechiduku vaviri vakawirwawo nedambudziko iroro.

 Nyaya yaEmmaline

 Mhamha vangu vane Ehlers-Danlos syndrome (EDS), chirwere chisingaperi, chinorwadza majoini, ganda netsinga dzeropa.

 Chirwere chacho hachirapiki, uye kurwara kwamhamha vangu kwakatowedzera mumakore gumi apfuura. Zvakatomboitika kanoverengeka kuti ropa ravo rakamboderera zvekuderera zviya zvekuti upenyu hwavo hwanga hwave pangozi, pamwe pacho vachirwadziwa zvekuti vaitoti kufa kuri nani.

 Mumhuri medu tese tiri Zvapupu zvaJehovha, uye ungano yedu iri kutinyaradza chaizvo! Semuenzaniso, mazuva achangopfuura aya, mumwe musikana akaenzana neni akatitumira kadhi achitiudza kuti anotida chaizvo uye achida kuti tizive kuti aripo kana tichida kubatsirwa. Iiii zvakangonakawo so kuva neshamwari yakadaro!

 Bhaibheri riri kundibatsira chaizvo. Semuenzaniso, imwe yemavhesi ari pamwoyo pangu ndiPisarema 34:18, iyo inoti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.” Imwe yacho ndiVaHebheru 13:6, inoti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi.”

 Sevhesi yandapedzisira kutaura iyo, yakandikoshera chaizvo. Ndinogara ndichityira kuti mhamha vangu vangangofa. Ndinovada zvikuru, uye ndinotenda zuva rega rega randinenge ndiinavo. Vhesi iyoyo yeBhaibheri inondibatsira kuona kuti ndinogona kutarisira ramangwana ndiine chivimbo, pasinei nekuti chii chingangoitika.

 Asi pane chimwewo chandinotya. Munoziva, EDS chirwere chemhuri. Mhamha vangu vakaiwana kubva kuna mhamha vavo, uye inini ndakaiwanawo kuna mhamha vanguwo. Ndizvozvo​—neniwo ndine EDS. Asi VaHebheru 13:6 inondipa chivimbo chekuti Jehovha achavawo “mubatsiri wangu” pakurwara kwangu.

 Panguva ino, ndinoedza kukoshesa zvandinazvo iye zvino, kwete kuramba ndichingofunga zvinhu zvekare​—kana kunetseka nezvezvichaitika mune ramangwana. Kana ndikatanga kuenzanisa zvinhu zvisingachakwanisi kuitwa namhamha vangu iye zvino, nezvavaimbogona kuita kare, izvozvo zvinogona kuita kuti ndipedzisire ndaora mwoyo. Bhaibheri rinoti miedzo yatinosangana nayo ‘ndeyenguva duku uye yakareruka’ kana ichienzaniswa netariro yekurarama upenyu husingaperi pasina kurwara.​—2 VaKorinde 4:​17; Zvakazarurwa 21:​1-4.

 Zvekufunga nezvazvo: Chii chinobatsira Emmaline kuti arambe aine maonero akanaka ezvinhu? Iwe ungaitei kuti urambe uine maonero akanaka zvinhu pazvinokuomera?

 Nyaya yaEmily

 Pandakanga ndiri kusekondari, baba vangu ndipo pavakatanga kurwara nechirwere chedepression. Zvakaita sekunge kuti baba vangu chaivo vakanyangarika, mumwe munhu ndokubva atora nzvimbo yavo. Kubvira ipapo, baba vangu vanogara vachitambudzwa nekusuruvara, kutya kuti pane zvinhu zvakaipa zvichaitika, asi pasina chikonzero, uye kupedzwa simba nekuzvidya mwoyo nekutya kusingadzoreki. Iye zvino, vava nemakore 15 vachisimbirirwa nechirwere ichocho. Zvinofanira kunge zvichivarwadza chaizvo kuti vanokurirwa nekusuruvara zvakadaro, kunyange zvazvo vachinyatsoziva kuti hapana chikonzero chine musoro chekuti vanzwe saizvozvo!

 Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye ungano yatinopinda nayo iri kutitsigira chaizvo. Hama dzatinonamata nadzo dzinonzwisisa chaizvo uye dzinotiitira zvakanaka, uye hapana kana munhu akamboita kuti vanzwe sekunge kuti hapana zvavanobatsira muungano. Kuona kutsungirira kuri kuita baba muedzo wavo, kunoita kuti ndinzwe ndichivada kupfuura zvandaiita nakare kwose.

 Ndinosuwa zvaiva zvakaita baba vangu kare​—pavakanga vasingakurirwi nekuzvidya mwoyo, vasingatamburi nekurwara uye vari munhu anofara. Mwoyo wangu unorwadziwa chaizvo kuti zuva nezuva baba vangu vanofanira kurwisana nezvinhu zvakadaro zvingori mupfungwa dzavo.

 Kunyange zvakadaro, baba vangu vanoshanda nesimba kuti varambe vane maonero akanaka eupenyu. Pavakamborwara chaizvo mazuva apera aya, vakaita zvese zvavaigona kuti vasatomborega kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kunyange zvaireva kungoverenga mavhesi mashomanana zvawo. Zvakavasimbisa chaizvo. Kunyange zvairatidzika sechinhu chidiki, kuti vagare vachiverenga saizvozvo, asi zvakatovabatsira zvakanyanya. Panguva iyoyo yakaoma, ndakanzwa ndichidada nababa vangu kupfuura zvandaiita kare.

 Ndinofarira rugwaro rwaNehemiya 8:​10, urwo rwunoti: “Mufaro waJehovha ndiyo nhare yenyu.” Ichocho ichokwadi. Ndinonzwa kufara pandinopinda misangano nevamwe, pandinopindurawo nekunyatsobatanidzwawo pakuita zvimwe zvinhu, uye izvi zvinoita kuti ndikanganwe kusuwa kwese kwandinomboita. Ndichibva ikoko, ndinoswera ndichifara zuva rese. Zvinoitwa nababa vangu zvandidzidzisa kuti pasinei nekuti hondo yako ndeyei, Jehovha anogara aripo kuti akutsigire.

 Zvekufunga nezvazvo: Emily anobatsira sei baba vake pakurwara kwavo kwese? Iwe ungabatsira sei mumwe munhu ari kutambura nechirwere chedepression?