Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?—Chikamu 3: Nyatsobatsirwa Nekuverenga Bhaibheri

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?—Chikamu 3: Nyatsobatsirwa Nekuverenga Bhaibheri

 Paunotarisa muBhaibheri, uchaona kuti mune mashoko akawanda chaizvo. Izvozvo ngazvisaita kuti utye kuverenga Bhaibheri. Ona Bhaibheri sechitoro chine zvekudya zvakawanda. Haukwanisi kudya zvese zvinotengeswa imomo panguva imwe chete. Asi unogona kusarudza zvaunoda kudya zvinokugutsa.

 Kuti unyatsobatsirwa nezvaunoverenga muBhaibheri, unofanira kuisa pfungwa pane zvauri kuverenga. Nyaya ino ichakubatsira kuita izvozvo.

Zviri munyaya ino

 Nei uchifanira kuisa pfungwa pane zvaunenge uchiverenga muBhaibheri?

 Kana ukashanda nesimba paunenge uchiverenga Bhaibheri, uchadzidzawo zvakawanda chaizvo. Chimbofunga zvinotevera: Unogona kuisa masamba mumvura yakapisa kwenguva shomanana wobva watonzwa kuti yatova tii paunoinwa. Asi kana ukasiya masamba acho mumvura yakapisa kwenguva yakati kuti unonyatsonzwa kunaka kwetii yacho.

 Ndozvazvinoitawo nekuverenga Bhaibheri. Pane kungoverenga uchimhanya, wana nguva yekunyatsofunga zvauri kuverenga. Ndizvo zvakaitwa nemunyori wePisarema 119. Achitaura nezvemutemo waMwari akati: “Ndinoswera ndichiufungisisa.”—Pisarema 119:97.

 Izvi hazvirevi hazvo kuti unofanira kuswera zuva rese uchiverenga uye uchifungisisa zviri muBhaibheri. Pfungwa iri apa ndeyekuti: Munyori wepisarema iri aiwana nguva yekufunga zvaaiverenga muShoko raMwari. Izvi zvakaita kuti aite zvisarudzo zvakanaka.—Pisarema 119:98-100.

 “Amai vangu vakambondiudza kuti, ‘Une mazuva 7 pasvondo, uye pasvondo iroro unoita zvinhu zvako zvakawanda. Wadii kupawo Jehovha imwe nguva yacho? Chitori chinhu chakanaka!’”—Melanie.

 Kana ukagara uchifunga mazano eBhaibheri, uchakwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka. Semuenzaniso zvichakubatsira pakutsvaga shamwari uye paunoedzwa kuti uite zvakaipa.

 Ungaitei kuti unyatsobatsirwa nezvaunoverenga muBhaibheri?

  •   Ronga zvinhu zvako. Julia uyo ane makore 15 anoti: “Iva nepurogiramu yekuverenga Bhaibheri. Ziva zvauchaverenga, zuva nenguva yauchaverenga, uye kwauchaverengera.

  •   Ita kuti pasava nezvinokuvhiringidza. Mumwe musikana anonzi Gianna uyo ane makore 22 anoti: “Tsvaga nzvimbo yakanyarara. Uyewo ita kuti vamwe vemumhuri menyu vazive purogiramu yako yekuverenga Bhaibheri kuti vasakuvhiringidze.”

     Kana uchishandisa foni, ita kuti isapinde mameseji. Unogona kutoshandisa Bhaibheri rakaprindwa. Vamwe vatsvakurudzi vanototi kuverenga pabhuku rakaprindwa kunoita kuti zvive nyore kunzwisisa zvauri kuverenga. Asi kuverengera pafoni kana pakombiyuta kunogona kuita kuti zviome kudzamisa pfungwa pane zvauri kuverenga.

     “Kuverengera pafoni kunonditsausa. Panogona kupinda mameseji kana kuti bhatiri rinogona kupera uye indaneti inogona kungoerekana isisipo. Asi kana riri bhuku rakaprindwa, ndinongoda chiedza chete.”—Elena.

  •   Tanga wanyengetera. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti unzwisise, uyeuke, uye ubatsirwe nechikamu cheBhaibheri chaunenge uchida kuverenga.—Jakobho 1:5.

     Kuti uratidze Jehovha kuti uri kuda zvawakumbira, tsvakurudza kuti unyatsonzwisisa ndima yauri kuverenga. Ungaita sei izvozvo? Kana uchishandisa JW Library kana kuti uchiverenga Bhaibheri repaIndaneti, unogona kubaya pamavhesi kuti uwane dzimwe tsanangudzo uye zvinyorwa zvinotsanangura mavhesi acho.

  •   Bvunza mibvunzo. Unogona kubvunza kuti: ‘Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha? Pane here unhu hwairi kundibatsira kuti nditevedzere?’ (VaEfeso 5:1) ‘Chidzidzo chipi chandiri kuwana panyaya iyi chandinogona kushandisa muupenyu hwangu?’ (Pisarema 119:105) ‘Ndingashandisa sei zvandiri kudzidza kubatsira vamwe?’—VaRoma 1:11.

     Uyewo zvibvunze kuti, ‘Zvandaverenga zvinobatana sei nedingindira reBhaibheri?’ Mubvunzo iwoyo unokosha chaizvo. Nemhaka yei? Nekuti zvese zviri muBhaibheri, kubvira kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa, zvinobatana nedingindira reBhaibheri: Kutsvenesa kuchaita Jehovha zita rake achishandisa hurumende yake yekudenga, oratidza kuti ane kodzero yekutonga uye kuti matongero ake ndiwo akanakisisa.