Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?

 Nei uchifanira kushandisa nguva yako zvakanaka?

  •   Nguva yakaita semari. Kana ukasaishandisa zvakanaka, paunozoida unenge usisina. Asi kana ukaronga nguva yako zvakanaka, unosara uine imwe yekuita zvinhu zvaunofarira!

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Simbe inopanga, asi mweya wayo hauna chinhu. Zvisinei, mweya yevanoshingaira ichakodzwa.”​—Zvirevo 13:4.

     Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kuronga nguva yako zvakanaka kunotoita kuti uve nerusununguko rwekuita zvaunoda.

  •   Kugona kuronga nguva kuchakubatsira kana wakura. Kunogona kutokubatsira kuti uzochengetedza basa. Kudai waiva nebhizinesi, waizoda kuramba uchishandirwa nemunhu anogara achinonoka kubasa here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru.”​—Ruka 16:10.

     Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Marongero aunoita nguva yako anoratidza kuti uri munhu akaita sei.

 Asi kuronga nguva kwakaoma. Ngatimboonai zvimwe zvinoita kuti zviome.

 1: Shamwari

 “Kana shamwari dzangu dzikandikumbira kuti timbonotandara, kakawanda kacho ndinobvuma kunyange ndisina nguva yacho. Ndinozviudza kuti, ‘Pandinozodzoka kumba ndinozongokurumidza kuita mabasa angu.’ Asi kakawanda kacho hazvishandi, zvinhu zvinopedzisira zvaenda mudondo.”​—Cynthia.

 2: Zvinhu zvinodya nguva

 “TV inokudyira nguva. Mamwe mapurogiramu anobudapo anonakidza zvekuti hauzodi kubva.”​—Ivy.

 “Ndinogona kupedza nguva yakawanda ndiri patablet yangu. Ndinotozobvapo kana ichinge yadzima, yapera moto ndochitanga kuzvidemba.”​—Marie.

 3: Kuverengera

 “Ndinoverengera kuita homuweki nezvimwe zvinhu zvandinofanira kuita. Ndinopedza nguva ndichiita zvinhu zvisina basa ndotozoita homuweki ndatoona kuti yava kufanira kuitwa.Hakusi kuronga nguva zvakanaka ikoko.”​—Beth.

Kuronga nguva yako zvakanaka kunotoita kuti uve nerusununguko rwekuita zvaunoda

 Zvaunogona kuita

  1.   Nyora pasi zvinhu zvaunofanira kuita. Izvi zvinosanganisira mabasa epamba uye homuweki. Nyora pasi kuti chimwe nechimwe chinowanzotora nguva yakaita sei uchichiita.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’​—VaFiripi 1:10.

  2.   Nyora pasi zvinhu zvaunofarira kuita paunenge wapedza mabasa. Izvi zvinogona kusanganisira zvinhu zvakadai sekushandisa social network uye kuona TV. Chinyorazve kuti unowanzotora nguva yakaita sei uchizviita.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai muchifamba nokuchenjera . . . , muchizvitengera nguva yakakodzera.”​—VaKorose 4:5.

  3.   Ronga zvauchaita. Tarisa zvese zvawanyora. Pane nguva yakakwana yekuita zvinhu zvinokosha here? Pane paungada kuchinja here pazvinhu zvinokuvaraidza kuti ushandise imwe nguva yacho pakuita zvinhu zvinokosha?

     Zano: Zuva rega rega, nyora pasi zvaunoda kuita, woita uchimaka chaunenge wapedza kuita.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”​—Zvirevo 21:5.

  4.   Ita sezvawaronga. Dzimwe nguva ungatofanira kurega kunotandara nevamwe kuti uite zvinhu zvinokosha. Asi uchatozoona kuti unosara uine nguva yekuti uite zvaunoda.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musava nousimbe pabasa renyu.”​—VaRoma 12:11.

  5.   Tanga waita zvinokosha wozozvivaraidza hako wapedza. Mumwe musikana anonzi Tara anoti, “Dzimwe nguva kana ndikapedza zvinhu zviviri pane zvandinenge ndichida kuita, ndinobva ndati, ‘Rega ndimboona TV kwemaminitsi 15 ndozotangazve basa.’ Maminitsi 15 iwayo anozoita 30, ozoita awa, uye ndinotozopedzisira ndaita kana maawa maviri ndiri paTV!”

     Ungagadzirisa sei dambudziko racho? Kuzvivaraidza kunofanira kuita semubayiro waunowana kana wapedza mabasa ako, kwete kuita sechinhu chinotofanira kuitwa.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti afadzwe nebasa rake rakaoma.’​—Muparidzi 2:24.