Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichifanira Kubatsira Vamwe?

Nei Ndichifanira Kubatsira Vamwe?

Zvinhu zviviri zvisingazivikanwi nevakawanda

  1: Kana ukapa uchapiwawo!

 Vanhu vachazviona kuti une rupo uye zvichaita kuti vakupewo. Bhaibheri rinoti:

  •  “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. . . . Nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.”—Ruka 6:38.

  •  “Mabatiro aunoita vamwe ndiwo mabatirwo auchaitwawo.”​—Ruka 6:38, Contemporary English Version.

 2: Ukabatsira vamwe une zvauchawanawo!

 Kuitira vamwe zvinhu zvakanaka kunoita kuti unzwe uine chiremerera uye kunoita kuti unzwe kugutsikana mumwoyo. Bhaibheri rinoti:

  •  “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

  •  “Kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu; uye uchafara, nokuti havana chinhu chokukuripa nacho.”—Ruka 14:13, 14.

Mienzaniso yevechiduku vane hanya

  Kune vechiduku vakawanda vane hanya! Inzwa zvinotaurwa nevamwe vacho.

 “Dzimwe nguva pandinonzwa ndichida kugara pasi kuti ndione TV, ndinobva ndafunga mhamha nababa kuti pavachadzoka kubasa vachadzoka vaneta. Saka ndinobva ndaenda kunosuka ndiro, ndotsvaira nokugadzira mumba. Ndinobva ndafanovabikira tii nokuti vanoida chaizvo. Mhamha pavanopinda mumba unonzwa voti, ‘Haa kuchena here uku kwakaita mumba! Uye muri kunhuwirira. Waita hako mwanangu!’ Ndinonzwa kufara pandinoitira baba kana kuti mhamha vangu chimwe chinhu.”​—Casey.

 “Vabereki vangu vanogara vachindipa zvose zvandinoda. Gore rakapera mota yavo yakafa chinhu chikuru saka ndakabva ndavapa mari yangu yakawanda yandakanga ndachengeta kuti vaigadzirise. Pakutanga vakamboramba mari yacho asi ndakavamanikidza kuti vaitore. Mari yandakavapa hapana zviripo ndichienzanisa nezvavanondiitira. Ndakanzwa kufara kuti ndabatsirawo vabereki vangu.”​—Holly.

 Waizviziva here? Vechiduku vakawanda vesangano reZvapupu zvaJehovha vari kufara chaizvo nemhaka yokubatsira vamwe kudzidza Bhaibheri. Vamwe vakatotamira kune dzimwe nyika kuti vanodzidzisa vamwe Bhaibheri.

 “Ndakabva kuUnited States ndichienda kuMexico kuti ndinobatsira vamwe kudzidza Bhaibheri. Dzimwe nguva unotadza kubatsira vamwe nemari kana zvimwe zvinhu nokuti unenge usina chokupa. Asi ndakaona kuti vanhu vanotenda chaizvo pandinozvipira nguva yangu ndichiita basa rokuparidzira kupfuura kungovabatsira nezvinhu zvokurarama nazvo.”​—Evan.

Ndingabatsira sei vamwe?

  Unoda here kuona kuti zvinonakidza sei kubatsira vamwe? Ona zvimwe zvaungaita pasi apa.

 Kubatsira vanhu vokumba kwenyu:

  •  Tsvaira, suka ndiro kana kuti chenesa mumba usina kukumbirwa

  •  Bika zvokudya

  •  Nyora pakadhi mashoko okutenda vabereki vako

  •  Batsira munin’ina kana hanzvadzi yako basa raapiwa kuchikoro

 Kubatsira vanhu vasiri vokumba kwenyu:

  •  Tumira mumwe munhu ari kurwara kadhi rokumushuvira kuti apore

  •  Batsira muvakidzani wenyu akwegura nokumuitira mabasa epamba

  •  Shanyira mumwe munhu asingakwanisi kubva pamba nemhaka yokurwara kana zvimwe zvikonzero

  •  Ipa chipo kune mumwe munhu ari panguva yakaoma

 Zano: Edza kufungawo zvimwe zvaungaita. Chiedza kubatsira mumwe munhu vhiki rino. Uchaona kufara kwauchaita nemhaka yokubatsira kwaunenge waita!

 “Ukabatsira vamwe newe unonzwawo kufara. Unonyatsonzwa kuti waita chimwe chinhu uye vanhu vanozvitenda. Zvimwe unozoona kuti chinhu chauri kuita chinonakidza asi pakutanga wanga usingaoni kunakidza kwacho. Pakutanga ungaona sokuti kubatsira kwawaita hapana zviripo asi unozoona kuti zvawaita zvinokosha.”​—Alana.