Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Dzemitambo?

Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Dzemitambo?

 Kuita zvemitambo kunogona kukubatsira, kana kuti kukukanganisa. Zvinoenderana nemutambo wacho, matambire aunoita uye nguva yaunopedza uchiutamba.

 Mitambo yakanakirei?

 Kuita zvemitambo kunogona kuita kuti munhu ave neutano hwakanaka. Bhaibheri rinototaura kuti “kurovedza muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Mumwe mukomana anonzi Ryan anoti, “Kutamba mitambo kunobatsira chaizvo pakuita kuti muviri usangoramba wakagara. Zvitori nani pane kuswera wakagara mumba uchitamba mavhidhiyo gemhu.”

 Kutamba mitambo kunoita kuti munhu adzidze kuita zvinhu pamwe chete nevamwe uye kuti azvidzore. Bhaibheri rinoshandisa mufananidzo wezvinoitwa pamutambo kuti tidzidze chimwe chinhu. Rinoti: “Vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe chete ndiye anogamuchira mubayiro.” Rinobva razoti: “Munhu wose anopinda mumakundano anozvidzora muzvinhu zvose.” (1 VaKorinde 9:24, 25) Saka tinodzidzei ipapo? Munhu anofanira kuzvidzora uye kubatsirana nevamwe kuitira kuti atevedzere mitemo yemutambo waanenge achitamba. Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Abigail anobvumirana nazvo. Anoti, “Kutamba mitambo kwakandidzidzisa kubatsirana nevamwe uye kutaurirana nevamwe zvakanaka.”

 Kutamba mitambo kunoumba ushamwari. Mutambo unosanganisa vanhu. Mumwe mukomana anonzi Jordan anoti, “Handifungi kuti pane mutambo usingaitwi makwikwi. Asi kana muchingoitira henyu kunakidzwa, kutamba mutambo kunoita kuti muwane nguva yekufara muri pamwe chete seshamwari.”

 Mitambo yakaipirei?

 Mutambo werudzii? Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.”​—Pisarema 11:5.

 Mimwe mitambo inotoitwa zvechisimba. Semuenzaniso, mumwe musikana anonzi Lauren anoti: “Chinangwa chemutambo wetsiva ndechekuti urove mumwe munhu. SevaKristu, tinodzivisa kurovana nevanhu, saka tingadirei hedu kuvaraidzwa nekuona vanhu vachirohwa?”

 Zvekufunga nezvazvo: Unoona pasina chakaipa here nekutamba kana kuti kuona mitambo inoitwa zvechisimba, uchifunga kuti hazvizoiti kuti uitewo zvechisimba? Kana zvakadaro, yeuka kuti Pisarema 11:5 inoti Jehovha anovenga munhu “anoda zvechisimba,” kwete munhu anoita zvechisimba chete.

 Unoutamba sei? Bhaibheri rinoti: “Musingaiti chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.”​—VaFiripi 2:3.

 Ichokwadi kuti panotambwa mutambo chero upi zvawo nematimu akasiyana, panenge paine kakukwikwidzana. Asi kana vanhu vakatamba vaine pfungwa yekungoda kuhwina chero zvodini, zvinoita kuti mutambo wacho usanakidza. Mumwe mukomana achiri kuyaruka anonzi Brian anoti, “Unogona kuzopedzisira wangova munhu wemakwikwi, usingachadi kukundwa. Sezvaunowedzera kugona mutambo wacho, unotofanirawo kushanda nesimba kuti usazvikudza.”

 Zvekufunga nezvazvo: Mumwe mukomana anonzi Chris anoti, “Tinotamba bhora vhiki rega rega, uye pane vanokuvara.” Saka zvibvunze kuti, ‘Zvii zvinowanzoita kuti vanhu vakuvare? Chii chandingaita kuti ndisangogara ndichikuvara?’

 Unoutamba kwenguva yakawanda sei? Bhaibheri rinoti: “Muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.”​—VaFiripi 1:10.

 Unofanira kuziva zvekuisa pekutanga. Zvinhu zvekunamata ndizvo zvinofanira kuva pekutanga. Mitambo mizhinji inogona kutora nguva yakawanda uchiitamba kana kuti uchingoiona chete. Mumwe musikana anonzi Daria anoti, “Ndaimbonetsana namhamha vangu panyaya yenguva yandaipedza ndichiona mitambo paTV, panzvimbo pekushandisa nguva yacho kuita zvimwe zvinhu zvine musoro.”

Kunyanya kukoshesa zvemitambo kwakafanana nekuisa munyu wakawandisa muchikafu chako

 Zvekufunga nezvazvo: Vabereki vako vakakupa mazano ekuti ndezvipi zvaunofanira kuisa pekutanga, unovateerera here? Mumwe musikana anonzi Trina anoti: “Inini nevanin’ina vangu pataimbotadza kuita mamwe mabasa anokosha ataifanira kuita nemhaka yekuti tinenge tichiona mitambo, mhamha vangu vaibva vatiyeuchidza kuti vatambi vacho vachangobhadharwa chete pasinei nekuti taona mutambo wacho here kana kuti kwete. Vaibva vazotibvunza kuti, ‘Ko imi muchabhadharwawo naani?’ Zvavaireva ndezvekuti: Vatambi vacho vatori pabasa. Asi kana isu tikaita zvekutamba torega kuita homuweki yedu nemamwe mabasa atinofanira kuita, zvaizoita kuti titadze kuzviriritira kana takura. Zvavaitiudza ndezvekuti, kuona kana kuti kutamba mitambo hakufaniri kubva kwava iko kunonyanya kukosha muupenyu hwedu.”