Enda pane zvauri kuda

Ndiri Mukomana Asi Ndinonzwa Ndichida Vakomana—Zvinoreva Here Kuti Ndiri Ngochani?

Ndiri Mukomana Asi Ndinonzwa Ndichida Vakomana—Zvinoreva Here Kuti Ndiri Ngochani?

 Kwete!

 Zvazviri muupenyu: Kazhinji kacho kunzwa uchida mumwe mukomana iwe uri mukomana chinhu chinoitika pakukura asi zvinopera. Zvinoitikawo kunyange kuvasikana.

 Musikana anonzi Ruth ane makore 16 pane imwe nguva akambonzwa achidawo mumwe musikana. Anoti: “Pandaiita lesson yangu yebiology kuchikoro, ndakadzidza kuti munhu paanenge achiyaruka, muviri une makemikari aunogadzira anoita kuti pane imwe nguva unzwe uchida chimwe chinhu zvakanyanyisa kana kuti kuchivenga. Ndinofunga kuti kana vezera rangu vakawanda vakaziva kuti ndizvo zvinoitika kumiviri yavo pakukura, vachaziva kuti kunzwa uchida mumwe mukomana ndekwenguva pfupi uye havazopedzisiri vafunga kuti vatova ngochani.”

Vechiduku vose vanofanira kusarudza kuti vova nemafungiro enyika akaora ezvebonde here kana kuti vova netsika dzakanaka dzinotaurwa muShoko raMwari

 Ko kana ukaramba uchinzwa uchida mumwe mukomana? Mwari paanoti haafariri ungochani hunganzi utsinye here nepo iye munhu achinzwa achida mumwe munhu akaita saiye?

 Kana wapindura mubvunzo wokupedzisira kuti hungu, unofanira kuziva kuti mafungiro auinawo akavhiringidzwa nezvinofungwa nevanhu vachiti munhu ngaaite zvaada pakutsvaka wokudanana naye. Bhaibheri rinoita kuti vanhu vave nechiremerera nokuvavimbisa kuti vane simba rokusarudza zvinhu zvakanaka kwete kuitwa varanda nebonde.​—VaKorose 3:5.

 Zvinotaurwa neBhaibheri hakusi kuomeserana. Rinoti varume nevakadzi ‘ngavatize ufeve’ uye ndizvo zvimwe chete zvinoudzwawo vaya vanonzwa vachida kuita zvoungochani. (1 VaKorinde 6:18) Chokwadi chiripo ndechokuti vanhu vakawanda vasiri ngochani kana vachida kuita zvinotaurwa neBhaibheri vanofanira kuzvidzora pasinei nemiedzo yavanosangana nayo panyaya dzebonde. Vaya vanonzwa vachida zvoungochani vanogonawo kuzvidzora kana vachida kunyatsofadza Mwari.​—Dheuteronomio 30:19.