Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Pandinoudzwa Zvandinofanira Kugadzirisa?

Ndingaita Sei Pandinoudzwa Zvandinofanira Kugadzirisa?

 Zviongorore

 Dzimwe nguva, tese zvedu tinofanira kuudzwa zvatinofanira kugadzirisa uye zvinotibatsira pamafungiro edu kana zvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu. Uchifunga izvozvo, ona mienzaniso inotevera.

  1.  Mudzidzisi wako anokuudza kuti basa rekuchikoro rawakapedzisira kuita wakariita uchimhanya-mhanya. Anokuudza kuti: “Unofanira kuwana nguva yakakwana yekutsvakurudza.”

     Unoita sei paunoudzwa mashoko iwayo?

    1.   Ndinoramba kuteerera. (‘Mudzidzisi uyu akandivenga.’)

    2.   Ndinoteerera . (‘Ndizvo zvandichaita pandichapiwa rimwe basa rekuita kuchikoro.’)

  2.  Amai vako vanokuudza kuti mumba mako makasviba iwe uchangobva kumutsvaira.

     Unoita sei paunoudzwa mashoko iwayo?

    1.   Ndinoramba kuteerera. (‘Havambofi vakagutsikana nezvandinoita.’)

    2.   Ndinoteerera. (‘Ndinobvuma kuti ndingadai ndaita zviri nani kupfuura apa.’)

  3.  Munin’ina wako anokuudza kuti haafariri kaunhu kako kekungoudza vamwe zvekuita.

     Unoita sei paunoudzwa mashoko iwayo?

    1.   Ndinoramba kuteerera. (‘Ari kumbozviedza ani, ko iye wacho?’)

    2.   Ndinoteerera. (‘Pamwe ndingadai ndamubata zvine mutsa.’)

 Vamwe vechidiki vakaita segirazi rekunwira mvura. Vakangotsiurwa zvishomanana vanobva vaita sevatoputsika. Ndizvo zvauri here? Kana zviri izvo, uri kurasikirwa nemukana wakanaka! Nei tichidaro? Nekuti kudzidza kubvuma kuti pane zvaunofanira kugadzirisa hunotova unyanzvi hunokosha huchakubatsira iye zvino uye kana wakura.

Usaramba kuteerera zvaunofanira kunzwa nekungoti hausi kuda kuzvinzwa

 Nei ndichifanira kuudzwa zvandinofanira kugadzirisa?

  •   Nekuti unokanganisawo. Bhaibheri rinoti: “Nekuti tese tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Ndokusaka munhu wese achifanira kutsiurwa kuti agadzirise zvinhu.

     “Ndinoedza kuyeuka kuti tese tine chivi uye tinogara tichikanganisa muupenyu. Saka pandinotsiurwa, ndinoedza kudzidza chimwe chinhu pane zvandinenge ndakanganisa ndorega kudzokorora chikanganiso ichocho.”—David.

  •   Nekuti unokwanisa kuita zviri nani. Bhaibheri rinoti: “Ipa ruzivo kumunhu akachenjera, uye achawedzera kuchenjera.” (Zvirevo 9:9) Mazano aunopiwa anogona kukubatsira kana ukateerera.

     “Maonero andaiita nyaya yekuudzwa zvandinofanira kugadzirisa ainge asina kunaka. Ndaifunga kuti zvinoita kuti ndiite semunhu akaipa. Asi iye zvino ndinoteerera uye ndinotokumbira kuudzwa zvandinofanira kugadzirisa. Ndinoda kuziva zvandingaita kuti ndiite zviri nani.”—Selena.

 Ichokwadi kuti zviri nyore kuteerera zvinotaurwa nemumwe munhu kana wakumbira kuti akubatsire. Asi hazvisi nyore kana akangoerekana akuudza zvawakanganisa. Natalie akambopiwa kadhi rakanga rakanyorwa zvinhu zvaaifanira kugadzirisa raibva kumunhu waainge asina kumbokumbira kuti amubatsire. Akati: “Ndakarwadziwa uye zvakandiodza mwoyo. Ndakanga ndichiedza kuita zvese zvandaigona, asi chandakawana pazviri kwaiva kutsiurwa!”

 Izvi zvakamboitikawo kwauri here? Kana zvakadaro, ungaita sei?

 Ndingazvigamuchira sei?

  •   Teerera.

     Bhaibheri rinoti: “Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake, uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.” (Zvirevo 17:27) Usadimburira munhu anenge achitaura newe. Uye usapindura usati wafunga, ungataura zvaunozodemba!

     “Pandinoudzwa zvandinofanira kugadzirisa, ndinowanzokurumidza kuda kuratidza kuti hapana chandatadza. Pane kudaro, ndinofanira kudzidza pane zvandinoudzwa ndogadzirisa zvinhu.”—Sara.

  •   Isa pfungwa dzako pane zviri kutaurwa kwete pane ari kuzvitaura.

     Ungava pamuedzo wekutaura zvikanganiso zvemunhu ari kukuudza zvaunofanira kugadzirisa. Asi zviri nani kuteerera zano reBhaibheri rekuti ‘ukurumidze kuteerera, unonoke kutaura, uye unonoke kutsamwa.’ (Jakobho 1:19) Kazhinji panenge paine chokwadi pazvinhu zvaunoudzwa. Usatadze kunzwa zvaunofanira kunzwa nemhaka yekungoti hausi kuda kuzvinzwa.

     “Ndaimbokurumidza kugumbuka vabereki vangu pavainditsiura, ndotaura kuti, ‘Ndozviziva, ndozviziva.’ Asi kana ndikanyatsovateerera ndoshandisa zano ravanenge vandipa, zvinhu zvinondifambira zviri nani.”—Edward.

  •   Ziva zvauri.

     Kana ukaudzwa kuti une zvaunofanira kugadzirisa hazvirevi kuti hauna chaunogona. Zvinongoreva kuti unokanganisawo sezvinongoita munhu wese. Kunyange naiye wacho ari kukutsiura anotomboudzwawo zvaanokanganisa. Bhaibheri rinototi: Hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka asingatadzi.”—Muparidzi 7:20.

     “Shamwari yangu yakandiudza zvinhu zvandaifunga kuti hazvishandi kwandiri. Ndakamutenda nekundibudira pachena kwaakaita, asi zvakandisvota. Asi nekufamba kwenguva ndakazoona kuti aitaura chokwadi. Zvaakataura zvakandibatsira kuti ndione zvandaifanira kugadzirisa, zvandingadai ndisina kumboona.”—Sophia.

  •   Iva nechinangwa chekuvandudza.

     Bhaibheri rinoti “munhu ane njere anobvuma kururamiswa.” (Zvirevo 15:5) Kana ukateerera hauzopedzi nguva refu uchishungurudzika kuti ndatsiurirwei, asi uchabva wangogadzirisa zvaunenge waudzwa. Ronga zvauchaita kuti ugadzirise zvinhu uye ramba uchitarisa kuti wava papi mumwedzi inotevera.

     “Kuteerera zvaunoudzwa kuti ugadzirise kunoratidza kuti hausi munhu anozvinyepera nekuti unofanira kunge uchitobvuma zvauri kuti ubvumewo zvikanganiso zvako, wokumbira ruregerero, uye wodzidza kuti ungavandudza sei.”—Emma.

 Chokwadi ndeichi: Bhaibheri rinoti: “Simbi inorodza simbi, saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Zvinotaurwa nevamwe zvakaita seturusi rinokurodza, panguva ino uye paunenge wakura.