Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kudanana—Chikamu 2: Zvii Zvandinofanira Kuziva Kana Ndiri Kudanana Nemumwe Munhu?

Kudanana—Chikamu 2: Zvii Zvandinofanira Kuziva Kana Ndiri Kudanana Nemumwe Munhu?

 Kana uine munhu wawafarira mobva masarudza kudanana kuti muone kana zvichiita kuti muroorane, zvii zvaunofanira kuziva pamunenge muchidanana?

Zviri munyaya ino

 Ziva kuti muchafanira kubudirana pachena

 Iwe nemumwe wako muchawedzera kuzivana pamuchaita nguva yakawanda muri mese. Uchawedzera kuziva zvakawanda nezvemumwe wako pauchaona zvaanoita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

 Asi pane zvimwe zvamuchafanira kukurukura muchibudirana pachena. Pamunenge muchikurukura, edza kuona zvinhu sezvazviri; usaita zvisarudzo zvichibva pakuti uri kunzwa sei nezvemumwe wako.

 Dzimwe nyaya dzamunofanira kukurukura pamwe chete:

  •   Mari. Une chikwereti here? Zvinokuomera here kushandisa mari zvakanaka? Kana mukazochata, muchasarudza sei mashandisiro amuchaita mari yenyu?

  •   Utano. Une utano hwakanaka here? Wakamborwara zvakaipisisa here?

  •   Zvinangwa. Ndezvipi zvauri kuda kuita muupenyu? Zvinangwa zvako zvinoenderana nezvemumwe wako here? Pashure pekunge machata, ucharamba uchifara here kana mamiriro ezvinhu akakutadzisai kuzadzisa zvinangwa zvenyu?

  •   Mhuri. Une vanhu vemumhuri menyu vauri kuchengeta here? Pane vangazoda kuchengetwa newe here mune ramangwana? Unoda kuzova nevana here? Kana zvakadaro, vangani?

 Pamunokurukura nyaya idzodzo, budiranai pachena. Usavanza zvimwe zvinhu kana kunyepera mumwe wako uchiitira kuti arambe achikuda.—VaHebheru 13:18.

 Zvekufunga nezvazvo: Unofanira kuzivei nezvemunhu wauri kudanana naye? Zvii zvaanofanira kuzivawo nezvako? Kubudirana pachena pamunenge muchidanana kuchakubatsirai sei kana mazochata?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nomumwe ngaataure chokwadi kuno mumwe wake.”—VaEfeso 4:25, BHAIBHERI (rine Apokirifa) muNdimi yeUnion Shona.

 “Musikana anogona kufunga kuti, ‘Panozopera mwedzi 6 tinenge tava kuronga zvekuchata,’ asi mukomana anogona kunge achifunga kuti vachazoronga nezvazvo papera gore. Pakadaro musikana anogona kurwadziwa kana kuvhiringidzika nekuti anenge ari kutarisira kuti mukomana achakurumidza kumuroora. Zvakanaka kuti mumwe nemumwe azive zvinofungwa nemumwe panyaya iyi.”—Ariana, ava negore ari muwanano.

 Ziva kuti pane pamuchava nemaonero akasiyana

 Hakuna vanhu vaviri vane maonero akanyatsofanana. Saka usafunga kuti iwe nemumwe wako muchabvumirana pane zvese kana kuti muchava nemaonero akafanana pazvinhu zvese. Semuenzaniso, marererwo amakaitwa anogona kuita kuti muve nemaonero akasiyana.

 Zvekufunga nezvazvo: Kana mukava nemaonero akasiyana pazvinhu zvisinganyanyi kukosha, mese muri vaviri munobvuma here kuita zvinodiwa nemumwe kuitira kuti pave nerugare, kana zvisingapesani neShoko raMwari?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

 “Kunyange kana uchiona sekuti munowirirana pazvinhu zvakawanda, pachava nepamwe pamunova nemaonero akasiyana. Kunyange zvazvo zvichikosha kuti muwirirane, zvinoitwa nemumwe wako pamunova nemaonero akasiyana ndizvo zvinotonyanya kukosha.”—Matthew, ava nemakore 5 ari muwanano.

 Ziva kuti kudanana kwenyu kunogona kuita kuti usare waneta

 Chokwadi ndechekuti kudanana kwenyu kuchakutorerawo nguva yekuita zvimwe zvinhu uye kunogona kuita kuti usare waneta. Chii chingakubatsira?

 Ziva pekugumira. Usazoita kuti kudanana kwenyu kukudyire nguva yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha kana kuti yekuvawo neshamwari dzako. Alana uyo ava nemakore 5 ari muwanano, anoti: “Shamwari dzinodiwa mukurarama kunyange pashure pekunge machata, uye idzo dzichakudawo muupenyu. Usabva watorasa shamwari dzako nekuti wava murudo.”

 Yeuka kuti pashure pekunge machata, uchafanira kuwana nguva yekuita zvinhu zvese zvinofanira kuitwa muupenyu. Wadii kubva watotanga kuita izvozvo iye zvino musati machata?

 Zvekufunga nezvazvo: Unoshayisa munhu wauri kudanana naye nguva yekuita zvimwe zvinhu here? Unofunga kuti iye ari kukushayisa nguva yekuita zvimwe zvinhu here? Mungaitei kuti mese muri vaviri murambe muchiwana nguva yekuita zvimwe zvinhu uye murambe muchifara?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.”—Muparidzi 3:1.

 “Kana mukomana nemusikana vari kudanana vachingoonana pavanenge vachitandara chete, zvinogona kuzovaomera pavanenge vachata. Zvakanaka kuti vanhu vari kudanana vaite zvinhu zvakadai sekunotenga zvinhu vese, kuita mabasa epamba, uye kuita zvinhu zvekunamata pamwe chete. Izvi zvinovabatsira kuti vadzidze kuita zvinhu pamwe chete sezvavachazoita kana vachata.”—Daniel, ava nemakore maviri ari muwanano.

 Yeuka kuti kudanana kuchakubatsirai kuti muone kuti munokwanisa kuroorana here kana kuti munofanira kurambana. Chikamu 3 chenyaya ino chichataura zvinhu zvaunofanira kufunga nezvazvo panyaya yekuti morambana here kana kuti moroorana.