Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vasingandibvumidze Kushandisa Social Media?

Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vasingandibvumidze Kushandisa Social Media?

 Zvimwe shamwari dzako dzese dzinoshandisa social media, uye dzinogara dzichingotaura nezvayo. Pamwe vanotokuseka nekuti hauende pasocial media. Zvii zvaunofanira kuziva nezvenyaya iyi uye zvii zvaungaita?

Zvaunofanira kuziva

 Hausi wega. Vabereki vakawanda havabvumidze vana vavo kushandisa social media. Zvimwe vanodaro nekuti vanoziva ngozi dzinogona kuvapo kana munhu achishandisa social media dzakadai sedzinotevera:

  •   chirwere chedepression nezvimwewo zvirwere zvepfungwa.

  •   kuona zvinonyadzisira, kutumira kana kutumirwa mapikicha anonyadzisira uye kushungurudzwa nevamwe paindaneti.

  •   kunetsana neshamwari nenyaya dzisina basa.

 Vechidiki vakawanda vakasarudza kusiyana nesocial media. Vakaona vega kuti social media yakanga iri kutovakanganisa. Funga nezvemienzaniso inotevera:

  •   Priscilla akaona kuti yaitomupedzera nguva yaaikwanisa kushandisa kuita zvinhu zvinokosha.

  •   Jeremy aisafarira kuti haana zvaaigona kuita nezvezvinhu zvisina kunaka zvinoiswa nevanhu pasocial media.

  •   Bethany akaona kuti akanga ava kunyanya kuisa pfungwa pazvinhu zvaiitwa nevamwe.

 “Ndakarega kushandisa social media, uye ndiri kufara nezvandakaita. Handisi kutomboisuwa, uye ndatove nenguva yakawanda yekuita zvinhu zvinokosha.”—Sierra.

 “Ndaisafarira kuti dzimwe nguva ndainetseka nezvaiitwa nevanhu kana ndaisa chimwe chinhu pasocial media. Ndaisafarirawo kuti social media inogona kutopinda muropa. Zvaisava nyore kuti ndiisiye, asi ndakasara ndarerukirwa. Kusiyana nesocial media kwakatondipa rugare.”—Kate.

Zvaunogona kuita

 Teerera zvaunoudzwa nevabereki vako. Varatidze kuti wakura zvekukwanisa kuvateerera usingagumbuki kana kugunun’una.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.”—Zvirevo 29:11.

 Vamwe vanogona kukukurudzira kushandisa social media pachivande, vabereki vako vasingazvizive. Izvozvo hazvina kunaka! Kuita zvinhu pachivande kuchaita kuti unetseke uye uzvipe mhosva. Hazvizokufambiri zvakanaka kana vakazozviziva uye zvichaita kuti vasavimbe newe.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “[Tinoda] kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VaHebheru 13:18.

 Sarudza wega zvekuita. Sezvakaita vechidiki vataurwa pamusoro apa, unogona kufunga zvikonzero zvakawanda zvekuti usashandisa social media. Kana ukaona kuti social media inogona kukukanganisa, isiye, kwete chete nekuti ndizvo zvawaudzwa nevabereki vako, asi nekuti ndizvo zvawasarudza. Kana ukasarudza wega kuisiya, kunyange kana shamwari dzako dzikakubvunza nezvazvo, hauzonyari uye kashoma kuti vazokuseka.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kurukura nevabereki vako, mowirirana panyaya yekushandisa social media. Kana ukadaro hazvizoiti sekuti vabereki vako ndivo vakusarudzira zvekuita. Asi iye zvino, unogona kurarama usingaishandisi.