Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?

Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri harirambidzi vanhu kuti vaite bonde, rinototi chipo chinobva kuna Mwari chero bedzi richiitwa nevanhu vakaroorana. Akasika “munhurume nomunhukadzi” uye akaona zvaakanga aita kuti “zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:27, 31) Paakabatanidza murume nomukadzi vokutanga muwanano, akati “vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kubatanidzwa kwavakaitwa kwaisanganisirawo kuita bonde uye kuva pedyo nepedyo.

 Bhaibheri rinotsanangura mufaro unowanikwa nevarume muwanano nemashoko aya: “Tsime rako ngarikomborerwe, uye fara nomudzimai wouduku hwako . . . Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose. Fadzwa norudo rwake nguva dzose.” (Zvirevo 5:18, 19) Mwari anodawo kuti vakadzi vanakidzwe nebonde. Bhaibheri rinoti: “Varume nemadzimai vanofanira kugutsa zvido zvemumwe nemumwe zvebonde.”​—1 VaKorinde 7:3, God’s Word Bible.

Zvisingafaniri kuitwa panyaya dzebonde

 Mwari anongobvumira murume nomudzimai vakaroorana kuti vaite bonde sezvinotaurwa pana VaHebheru 13:4: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” Murume nomudzimai vanofanira kuva vanhu vakavimbika uye kuramba vachidanana sokutsidzirana kwavakaita. Chinoita kuti vanyanye kufara hakusi kuti munhu mumwe chete anenge achida kuzvigutsa asi kuita zvinotaurwa neBhaibheri: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.