Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 2: Nakidzwa Nekuverenga Bhaibheri

Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 2: Nakidzwa Nekuverenga Bhaibheri

 “Bhaibheri rinogona kuita serinobhowa kuverenga kana usingazivi maverengerwo aro,” anodaro mumwe mukomana anonzi Will.

 Unoda here kuziva zvingakubatsira kuti unakidzwe nekuverenga Bhaibheri? Nyaya ino ichakubatsira.

 Ita seuri kutoona zvinhu zvauri kuverenga zvichiitika

 Nakidzwa nezvaunenge uchiverenga. Unogona kuedza kuita izvi:

  1.   Sarudza nyaya yemuBhaibheri yaunoda kudzidza. Unogona kusarudza nyaya yakaitika kana kuti imwe nyaya iri mumabhuku eEvhangeri, kana kuti unogona kusarudza imwe yenyaya dzemuBhaibheri dzinoverengwa sedziri kuitika dzinowanika pajw.org.

  2.   Verenga nyaya yacho. Unogona kuiverenga uri wega kana kuti uine vemumhuri mako kana kuti neshamwari. Mumwe anogona kuverenga pemurondedzeri vamwe vachiverenga mashoko evanhu vanenge vari munyaya yacho.

  3.   Edza zvimwe pane zvinotevera:

    •   Dhirowa mapikicha enyaya yacho. Kana kuti dhirowa mapikicha anoratidza maitikiro akaita zvinhu zvichitevedzana munyaya yacho. Papikicha imwe neimwe, nyora kuti chii chinenge chichiitika.

    •   Dhirowa madhayagiramu. Semuenzaniso, paunoverenga nezvemumwe munhu ainge akatendeka, dhirowa mitsara inobatanidza unhu hwemunhu iyeye uye zvaakaita nemakomborero aakazowana.

    •   Ita seuri kutaura nyaya yacho munhau. Taura nyaya yacho uchiratidza maonero akasiyana-siyana evanhu, woita seuri kubvunza vanhu vaiona zvaiitika.

    •   Kana munyaya macho muine munhu akaita chisarudzo chisina kunaka, edza kufungidzira zvaigona kuitika kudai akasarudza zvakanaka. Semuenzaniso, funga zvakaitika Petro paakaramba Jesu. (Mako 14:66-72) Petro aigona kunge akaita sei zvinhu pazvakanga zvamuomera?

    •   Kana uchida kuita zvimwe zvinopfuura ipapo, unogona kunyora mutambo wako wega unobva panyaya yemuBhaibheri. Nyora zvidzidzo zviri mumutambo wacho.—VaRoma 15:4.

      Unogona kuita seuri kutoona nyaya yemuBhaibheri ichitoitika!

 Tsvakurudza!

 Kana ukanyatsoongorora nyaya yaunenge uchiverenga, unogona kudzidza zvimwe zvinhu zvakawanda. Dzimwe nguva, shoko rimwe chete kana kuti maviri anenge ari munyaya yeBhaibheri anenge aine zvaanotidzidzisa.

 Semuenzaniso, enzanisa Mateu 28:7 naMako 16:7.

  •    Mako paakataura kuti Jesu aizozviratidza kuvadzidzi vake, nei akawedzera mashoko ekuti “naPetro”?

  •  Zvinotibatsira kuziva: Mako haana kuona zvinhu zvacho zvichiitika, saka anofanira kunge akaita zvekuudzwa naPetro.

  •  Zvatinodzidza: Petro paakaziva kuti Jesu aida kumuonazve, zvinogona kunge zvakamunyaradza. Nemhaka yei? (Mako 14:66-72) Jesu akaratidza sei kuti aiva shamwari chaiyo yaPetro? Ungatevedzerawo sei Jesu wova shamwari yechokwadi?

 Kana ukaita seuri kutoona zvinhu zvauri kuverenga zvichiitika, wotsvakurudza, uchanakidzwa nekuverenga Bhaibheri!