Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?

Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?

 “Dzimwe nguva ndinogona kudzora zvandinotaura, asi pamwe pacho ndinongoerekana ndataura ndisina kufunga!”—James.

 “Kana ndichitya ndinotaura ndisina kufunga, uye kana ndakadzikama ndinosununguka zvekubva ndataura nezvinhu zvandisingafaniri kutaura. Saka ndinogara ndichirasika pakutaura.”—Marie.

 Bhaibheri rinoti: “Rurimi . . . moto” uye, “Moto muduku [unogona] kupisa sango guru kwazvo!” (Jakobho 3:5, 6) Unowanzotaura zvinhu zvinokupinza pakaoma here? Kana zvakadaro, nyaya ino inogona kukubatsira.

 Nei ndichirasika pakutaura?

 Chivi. Bhaibheri rinoti: “Tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana.” (Jakobho 3:2) Chivi chatinacho chinoita kuti tikanganise pazvinhu zvakawanda kusanganisira pazvinhu zvatinotaura.

 “Sezvo pfungwa dzangu nerurimi rwangu zvichikanganiswa nechivi, handigoni kutaura kuti ndinokwanisa kuzvidzora.”—Anna.

 Kutaurisa. Bhaibheri rinoti: “Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika.” (Zvirevo 10:19) Vanhu vanotaurisa uye vasingateereri vamwe vachitaura, kakawanda kacho ndivo vanorwadzisa vamwe nekurasika kwavanoita pakutaura.

 “Kana munhu achinyanya kutaura hazvirevi kuti ndiye akangwara kupfuura vese. Jesu paaiva panyika, dzimwe nguva aisarudza kunyarara asi hapana munhu angaenzaniswa naye pakungwara.”—Julia.

 Kutsvinya. Bhaibheri rinoti: “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18) Kutaura usingafungi kunosanganisira kutaura mashoko ekutsvinya nechinangwa chekudzikisira vamwe. Vanhu vanotsvinyira vamwe vanogona kuti, “Ndanga ndichitamba!” Asi kunyadzisa vamwe hakuna kunaka. Bhaibheri rinoti: “Kutuka [ngakubviswe] kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.”—VaEfeso 4:31.

 “Ndinowanzoda zvekusetsa vanhu, izvo zvinoita kuti ndipedzisire ndava kutsvinyira vamwe, uye izvozvo zvinowanzondipinza pakaoma.”—Oksana.

Kana wataura chinhu watotaura, haukwanisi kuzodzora mashoko ako—sezvazvinongoita kuti haukwanisi kudzosera mushonga wemazino muchigaba kana watobuda

 Kudzora rurimi

 Kudzidzira kudzora rurimi hakusi nyore, asi zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kubatsira. Chimbofunga zvinotevera.

 “Taurai mumwoyo menyu, . . . murambe makanyarara.”—Pisarema 4:4.

 Dzimwe nguva kunyarara kuri nani. “Zvandinenge ndichinzwa kana ndakagumbuka zvinogona kuchinja nekufamba kwenguva,” anodaro mumwe musikana anonzi Laura. “Kana ndazodzikama, ndinofara kuti handina kutaura zvandanga ndichida kutaura.” Kumbonyarara kunogona kuita kuti usarasika pakutaura.

 “Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?”—Jobho 12:11.

 Kufunga nezvemibvunzo inotevera kunogona kukubatsira kuti usataura zvinhu zvinozokupinza panguva yakaoma:

  •   Ichokwadi here? Zvakanaka here? Ndinofanira kuzvitaura here?—VaRoma 14:19.

  •   Dai mumwe munhu aizotaura izvozvo kwandiri ndaizonzwa sei?—Mateu 7:12.

  •   Ndinenge ndaratidza kuti ndinoremekedzawo here mafungiro emunhu wacho?—VaRoma 12:10.

  •   Ndiyo nguva yekuti ndizvitaure here?—Muparidzi 3:7.

 ‘Ivai nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.’—VaFiripi 2:3.

 Mazano aya anokubatsira kuti uremekedze vamwe, uye ndizvo zvichaita kuti udzore rurimi rwako, wofunga usati wataura. Kunyange kana watotaura zvinhu zvinorwadza, kuzvininipisa kuchakubatsira kuti ukumbire ruregerero nekukurumidza! (Mateu 5:23, 24) Zvadaro, chiedza nepese paunogona kudzora rurimi rwako.