Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kudanana—Chikamu 1: Ndagadzirira Kudanana Nemumwe Munhu Here?

Kudanana—Chikamu 1: Ndagadzirira Kudanana Nemumwe Munhu Here?

Kudanana kuita sei?

  Vamwe vanoti kudanana chinhu chinonakidza chinongoitwawo nevanhu. Asi munyaya ino, shoko rekuti “kudanana” riri kureva nguva inoitwa nemukomana nemusikana vachifambidzana kuti vaone kana vachikwanisa kuzoroorana. Saka vanhu vanenge vachidanana vanenge vaine chinangwa. Haisi nyaya yekungonakidzwa nekuva nemukomana kana kuti musikana.

 Nekufamba kwenguva, vanhu vanenge vachidanana vanofanira kuzoita chisarudzo chekuroorana kana kuti kurambana. Paunotanga kudanana nemumwe munhu, unofanira kunge wakagadzirira zvese zviri zviviri.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uchiona kuti wagadzirira kudanana nemumwe munhu, unofanira kunge watogadzirirawo kupinda muwanano.

Kudanana nemunhu usina chinangwa chekuroorana naye kwakafanana nekuenda kunotsvaga basa asi iwe usina chinangwa chekuwana basa

Wagadzirira kudanana nemumwe munhu here?

  Vanhu vari kudanana vanogona kuzopedzisira varoorana, saka unofanira kufunga nezveunhu hwako. Semuenzaniso, funga zvinotevera:

  •   Mabatiro aunoita vemumhuri. Mabatiro aunoita vanhu vemumhuri yako, kunyanya paunenge uine zvinhu zviri kukunetsa, anoratidza mabatiro auchaita waunenge waroorana naye.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Bvisai kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka, pamwe chete nezvinhu zvese zvakaipa.”—VaEfeso 4:31.

     Zvibvunze kuti: ‘Vanhu vemumhuri medu vangati ndinovaremekedza here? Kana tikatadza kuwirirana, ndinokwanisa kutaura ndakadzikama here kana kuti ndinoita hasha, ndotanga kupopota?’

    Kana uchitadza kugadzirisa kusawirirana kwaungaita nevabereki vako, unozokwanisa here kuzviita newaucharoorana naye?

  •   Kubvuma kuita zvinodiwawo nevamwe. Kana wava muwanano, unenge wava kufanira kufunga nezvezvinofarirwa nemumwe wako uye dzimwe nguva unenge uchitofanira kubvuma kuita zvaari kuda kunyange kana wanga usingade.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaKorinde 10:24.

     Zvibvunze kuti: ‘Nguva dzese ndinoda kuti zvinhu zviitwe nenzira yandinoda here? Vamwe vanondiona semunhu anonzwisisa here? Zvinhu zvandinoita zvinoratidza kuti ndiri munhu anotanga afunga zvinodiwawo nevamwe here?’

  •   Kuzvininipisa. Murume kana mukadzi akanaka anobvuma zvaanokanganisa uye anokumbira ruregerero nemwoyo wese.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tese tinokanganisa kazhinji.”—Jakobho 3:2.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinobvuma zvikanganiso zvangu nemwoyo wese here kana kuti ndinopa tuzvikonzero? Ndinotsamwa here pandinotsiurwa?’

  •   Mari. Nyaya dzemari ndidzo dzinowanzoita kuti vakaroorana vakawanda vanetsane. Saka hamuzonyanyi kunetsana nezvemari kana uchishandisa mari zvakanaka.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndiani wenyu asingatangi agara pasi kana achida kuvaka shongwe, kuti averenge zvaachashandisa, kuti aone kana aine zvinokwana kuzoipedza?”—Ruka 14:28.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinogona kushandisa mari zvakanaka here kana kuti ndinogara ndiine zvikwereti? Zvii zvandakaita zvinoratidza kuti ndinokwanisa kushandisa mari zvakanaka?’

  •   Purogiramu yako yekunamata. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unofanira kunge uine purogiramu yakarongeka yekudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—Mateu 5:3.

     Zvibvunze kuti: ‘Ndinoshanda nesimba kuti ndirambe ndiine kutenda kwakasimba here? Ndinokoshesa purogiramu yangu yekunamata here, kana kuti ndinorega zvimwe zvinhu zvichinditadzisa kuita zvekunamata?’

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Munhu waucharoorana naye ane kodzero yekuwana munhu akanaka wekugara naye. Kana uri kushanda nesimba kuti uve munhu akadaro, uchadiwawo nemunhu ari kutoshandawo nesimba kuti ave munhu akanaka.