Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?

Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?

“Wati chii? Hauna mukomana?”

Kana uchida kupindura munhu anenge akubvunza uye uchida kuti ehe, ungada here kupindura usingatyi? Nyaya ino ichakubatsira kuti ungazviita sei!

Chii chinonzi mhandara?

  Mhandara musikana asati apinda pabonde.

 Kupinda pabonde hakungogumiri pakurara nemunhu. Vamwe vangazviti vachiri mhandara vachiti havasati vambopinda pabonde asi ivo vaine zvinhu zvavanenge vachiita zvinoitwa nevanhu pabonde.

 Shoko rokuti “bonde” rinogona kureva bonde rinoitwa nomumuromo, bonde rinoitwa nokunobuda netsvina kana kuti kubatabata sikarudzi yomumwe munhu.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Vanhu vakamboita zvepabonde kusanganisira kuita zvepabonde nomumukanwa kana nokunobuda netsvina, kana kuitisa bonhora mumwe munhu, havagoni kutaura kuti imhandara.

Bhaibheri rinoti chii nezvebonde?

  Bhaibheri rinoti murume nomukadzi vakaroorana chete ndivo vanofanira kupinda pabonde. (Zvirevo 5:18) Saka munhu anoda kufadza Mwari haafaniri kupinda pabonde kana kuita zvinhu zvinoitwa pabonde kusvikira aroora kana kuroorwa.—1 VaTesaronika 4:3-5.

 Vamwe vanoti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechinyakare uye hazvichaenderani nenguva yatiri. Asi yeuka kuti mazuva ano ndiko kwazara vanhu vari kurambana, vanhu vari kubata pamuviri vasingatarisiri, uye zvirwere zvinopomeranwa pabonde. Izvi zvinoratidza kuti nyika haina mazano aingapa panyaya dzokuzvibata!—1 Johani 2:15-17.

 Ukada kunyatsofungisisa, uchaona kuti Bhaibheri rine mitemo ine musoro panyaya yokuzvibata. Ngatitii mumwe munhu akupa chipo chemari inokwana $1 000. Ungakwira here pamusoro pemba wotanga kuikandira pasi kuti anoda hake anhonge?

 Unewo chisarudzo chaunofanira kuita panyaya yebonde. “Handidi kurasa umhandara hwangu ndichipa mumwe munhu wokuti ndinozokanganwa zita rake makore anozotevera,” anodaro musikana anonzi Sierra ane makore 14. Tammy, ane makore 17, anotiwo “Bonde chipo chinokosha chisingafaniri kutambiswa.”

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Bhaibheri rinotsigira umhandara uye kuzvibata kune vasati varoorwa kana kuroora.—1 VaKorinde 6:18; 7:8, 9.

Iwe unoti kudii?

  •    Unofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzebonde zvine musoro kana kuti ndezvokuda kuomesera munhu?

  •   Unofunga kuti zvakanaka here kuti vanhu vaviri vanenge vachidanana vapinde pabonde vasati varoorana?

 Pashure pokuongorora nyaya iyi, vechiduku vakawanda vakaona kuti kuchengetedza umhandara uye kuramba wakazvibata chisarudzo chakanaka. Havambozvidembi nechisarudzo chavakaita kana kunzwa sokuti vane chavari kurasikirwa nacho. Ona zvakataurwa nevamwe:

  •  “Ndinofara kuti ndichiri mhandara! Handishungurudziki kana kurwadziwa izvo zvinoitika kune vanopinda pabonde vasati varoorwa.”—Emily.

  •  “Ndinofara kuti handina kumborara nemumwe munhu, uye kuti handityi kuti ndingangova ndiine chirwere chinopomeranwa pabonde.”—Elaine.

  •  “Ndinonzwa vasikana vakawanda vezera rangu nevakuru kwandiri vachiti vanozvidemba kuti chavakapindira pabonde chii uye vanozvidemba kuti dai havo vakangomirira. Ini handidi kuzozvidemba saizvozvo.”—Vera.

  •  “Ndinoona vanhu vakawanda vachishungurudzika nemhaka yokurasa umhandara hwavo kana kuti kurara nevanhu vakawanda. Zvinosuwisa kurarama upenyu hwakadaro.”—Deanne.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kuti ukwanise kukunda muedzo wokupinda pabonde unofanira kuziva zvaunotenda.—Jakobho 1:14, 15.

Ungatsanangurira sei vamwe zvaunotenda?

  Kana mumwe munhu akakubvunza zvaunofunga panyaya dzebonde ungati kudii? Kakawanda kacho zvinobva pakuti chii chaita kuti abvunze.

 “Ndikaona kuti munhu ari kundibvunza ari kuzviita kuti andiseke handimupinduri. Ndinogona kumuti, ‘Hazvinei newe,’ ndobva ndabvapo.”—Corinne.

 “Kuchikoro vamwe vanonakidzwa nekushungurudza vamwe. Kana ndikaona kuti ndozvavari kuda pakundibvunza kwavari kuita, ndinogona kuramba ndakanyarara.”—David.

 Waizviziva here? Pane imwe nguva Jesu akaramba akanyarara paaibvunzwa nevanhu vaimuseka.—Mateu 26:62, 63.

 Asi ko kana munhu ari kukubvunza achirevesa uye achiratidza kuti anoda kuziva? Kana uchifunga kuti munhu wacho anogona kuremekedza zvinotaurwa neBhaibheri, unogona kumuudza nezverugwaro rwakadai sa1 VaKorinde 6:18, urwo rwunoti munhu anopinda pabonde asati aroorwa kana kuroora ari kutadzira muviri wake kana kuti kuukuvadza.

 Kunyange ukashandisa Bhaibheri kana kuti ukasarishandisa zvinokosha kuti utaure uchiratidza kuti hausi kutya. Yeuka kuti une kodzero yokudada nechisarudzo chako chokuramba wakazvibata.—1 Petro 3:16.

 “Kupindura uchiratidza kuti hausi kutya kucharatidza kuti une chokwadi chokuti zvaunoita ndizvo zvakarurama kwete kuti ndizvo zvawakaudzwa nemumwe munhu kuti uite.”—Jill.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uine chokwadi chokuti zvauri kuita panyaya yokuzvibata panyaya dzebonde ndizvo zvakarurama zvichakuitira nyore kuzvitsanangurirawo vamwe. Uye unogona kushamisika nezvavachazoita. “Vanhu vandinoshanda navo vanondirumbidza nemhaka yokuzvibata kwandinoita,” anodaro musikana ane makore 21 anonzi Melinda. Havashamisiki nokuzvibata kwandinoita. “Vanozviona sechiratidzo chokuti ndinozvidzora.”

 Zano! Kana uchida rubatsiro rwokuti uve noushingi hwokuudza vanenge vakubvunza nezvebonde, dhaunirodha pepa rinonzi “Ungatsanangurira Sei Vamwe Zvaunotenda Panyaya Dzebonde?” Uyewo, tarisa bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

 “Ndinonakidzwa nemazano anotaurwa mumabhuku a‘Vechiduku Vanobvunza Kuti.’ Somuenzaniso, papeji  187 muBhuku 1 pane mufananidzo unoratidza kuti kupinda pabonde usati waroora kana kuroorwa kwakafanana nokupa mumwe munhu nekiresi inodhura mahara. Unenge wazvidzikisira pasi. Papeji 177 panoratidza kuti kupinda pabonde usati waroora kana kuroorwa kwakafanana nokutora mufananidzo wakanaka chaizvo woushandisa semeti yokutsikira padhoo. Asi ndinonyanya kufarira mufananidzo uri papeji 54 muBhuku 2. Mashoko anotsanangura mufananidzo wacho anoti: ‘Kuita zvepabonde usati waroora kana kuroorwa kwakafanana nokuvhura chipo usati wachipiwa.’ Zvakangofanana nokuti uri kubira munhu wauchazoroorana naye chimwe chinhu.”—Victoria.