Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?

Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?

 Uchakunda muedzo wacho here?

 Kana uchishandisa Indaneti, ziva kuti rimwe zuva uchatoti usanganidzane nezvinonyadzisira. “Mukore uno hauchaiti zvokuzvitsvaka asi kuti izvo ndizvo zvinokutsvaka,” anodaro musikana ane makore 17 anonzi Hayley.

 Kuona zvinonyadzisira muedzo chaiwo kunyange kune vaya vanoti handifi ndakaona zvinonyadzisira. “Ndaizviudza kuti handifi ndakatarisa zvinonyadzisira, asi zvakazoenda nepamwe rimwe zuva,” anodaro Greg, ane makore 18. “Usambofa wakati hazviitiki kwandiri.”

 Mazuva ano zvinonyadzisira zvazara kwose kwose. Kubva pakangotanga vanhu kutumirana mameseji anonyadzisira pamafoni, vechiduku vakawanda vava kuzvitora mifananidzo vachiita zvinonyadzisira vobva vazvitumira vamwe.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Muedzo uyu wakakura chaizvo kudarika yakasangana nevabereki vako kunyange nanambuya nanasekuru vako pavaiva pazera rako. Asi mubvunzo ndewekuti, Uchakunda muedzo wokuona zvinonyadzisira here?​—Pisarema 97:10

 Kana uchida, unogona kukunda muedzo wacho. Asi chokutanga ndechokuti iwe pachako unobvuma here kuti kuona zvinonyadzisira kwakaipa? Ngatimbotaurai kuti nyaya iyi yakamira sei.

 Inhema here kana kuti ichokwadi?

 Nhema: Kuona zvinonyadzisira hakundikuvadzi.

 Chokwadi: Kuona zvinonyadzisira kunokanganisa pfungwa dzako sokukanganiswa kunoitwa mapapu kana ukasvuta fodya. Kunoita kuti uone wanano sechinhu chisina basa nepo Mwari akaita kuti ibatanidze murume nomudzimai kweupenyu hwose. (Genesisi 2:​24) Nokufamba kwenguva unogona kupedzisira usingachaoni musiyano wezvakaipa nezvakanaka. Somuenzaniso, vanhu vanoongorora nyaya idzi vanoti, varume vanogara vachiona zvinonyadzisira kakawanda kacho havaoni chakaipa nokuitirwa utsinye kwevanhukadzi.

Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu ‘vasisina tsika zvachose.’ (VaEfeso 4:19) Hana dzavo dzatindivara zvokuti havachatombooni chakaipa nokuita zvakashata.

 Nhema: Kuona zvinonyadzisira kunokudzidzisa maitirwo ebonde.

 Chokwadi: Kuona zvinonyadzisira kunokudzidzisa kuti uve nemakaro. Unenge wava kuona vanhu sezvinhu uye wava kufunga kuti basa ravo nderokukufadza pabonde. Ndokusaka imwe ongororo yakaitwa yakabudisa kuti, kashoma kuti vanhu vane tsika yokuona zvinonyadzisira vazonakidzwa nebonde pavanoroorana.

Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti vasiyane “nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora” izvo zvinova zvinhu zvinokonzerwa nokuona zvinonyadzisira.​—VaKorose 3:5.

 Nhema: Vanhu vasingaoni zvinonyadzisira hapana chavanoziva panyaya dzebonde.

 Chokwadi: Vanhu vasingaoni zvinonyadzisira ndivo vanoziva kuti bonde chinhu chinoremekedzwa kwete chokutamba nacho. Vanoziva kuti bonde chipo chaMwari chinoita kuti murume nomudzimai vakaroorana vawedzere kudanana uye kusimbisa imba yavo. Vanhu vane mafungiro aya kazhinji ndivo vanonakidzwa nebonde pavanenge varoorana.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka nezvebonde. Somuenzaniso rinoudza varume kuti: “Fara nomudzimai wouduku hwako . . . Fadzwa norudo rwake nguva dzose.”​—Zvirevo 5:18, 19.

 Kukunda muedzo wokuona zvinonyadzisira

 Ko kana uchiona sokuti muedzo wokuona zvinonyadzisira wakakura zvakanyanya zvokuti haugoni kuukunda? Pepa rakanzi “Kukunda Muedzo Wokuona Zvinonyadzisira” rinogona kukubatsira.

 Kutaura chokwadi unogona kukunda muedzo wokuona zvinonyadzisira. Kunyange wanga wava netsika yokuzviona unogona kudzidzira kuti uchirega tsika yacho. Pane zvikonzero zvakawanda nei usingafaniri kuona zvinonyadzisira.

 Funga zvakaitika kuna Calvin, uyo anoti akatanga kuona zvinonyadzisira paaiva nemakore 13. “Ndaizviziva kuti zvakaipa,” anodaro Calvin, “asi ndaitadza kukunda muedzo wacho. Hana yangu yaitanga kunetseka pandaipedza kuzviona. Baba vangu vakazozviziva, uye kutaura chokwadi ndakanzwa kurerukirwa nokuti ndakanga ndava kuwana rubatsiro rwandaida.”

 Calvin akazokunda muedzo wokuona zvinonyadzisira. Anoti: “Ndakaita chikanganiso chikuru nokuona zvinonyadzisira, zvokuti nanhasi zvichiri kunditambudza nokuti mifananidzo yandaiona haidzimiki mupfungwa dzangu. Pane dzimwe nguva ndinonzwa ndichida kufungidzira kuti ko kana ndikaonazve zvinonyadzisira chii chinoitika. Asi ndinofunga nezvekufara kwandinoita, kuva nehana yakachena uye ramangwana rangu rakanaka kana ndikaita zvinhu zvinofadza Jehovha.”