Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Chii Chandinofanira Kuziva Nezvekuisa Mapikicha paSocial Network?

Chii Chandinofanira Kuziva Nezvekuisa Mapikicha paSocial Network?

 Kune kwawamboenda hako kunofurwa nemhepo, uye uri kuda kuti shamwari dzako dzizive nezvazvo. Ungaita sei kuti dzizvizive?

  1.   Unotumira mumwe nemumwe kadhi here?

  2.   Unodzinyorera e-mail here?

  3.   Unoisa mapikicha ako pasocial network here?

 Mbuya nasekuru vako pavaiva pazera rako vanogona kunge vaingoshandisa zviri paA chete.

 Vabereki vako pavaiva pazera rako vanogona kunge vaingoshandisa zviri paB chete.

 Vechidiki vakawanda avo vanobvumidzwa kuisa mapikicha pasocial network vanoita zviri paC. Unoitawo zviri paC here? Kana zvakadaro, nyaya ino ichakubatsira kuti usaita zvinhu zvaunozodemba.

Kuisa mapikicha pasocial network kwakanakirei?

 Uchingoisa mapikicha, vamwe vanobva vatomaona. “Pandinenge ndabva kunofurwa nemhepo, kana kuti kutandara neshamwari dzangu, ndinogona kubva ndangovaratidza mapikicha acho pasocial network ndichiri kufara.”​—Melanie.

 Zviri nyore. “Zvinova nyore kuona mapikicha anenge achangobva kutumirwa neshamwari dzangu pane kuti ndishandise e-mail kuti ndizive kuti upenyu huri kuvafambira sei.”​—Jordan.

  Unogara uchiziva zviri kuitika. “Dzimwe shamwari dzangu uye vamwe vemumhuri vanogara kure chaizvo. Kana vakagara vachiisa mapikicha, zvinoita sekuti ndiri kuonana navo zuva nezuva!”​—Karen

Zvaunofanira kuziva

 Unogona kuisa upenyu hwako pangozi. Kana kamera yako ichiita inonzi geotagging, mapikicha aunenge waisa pasocial network anogona kuita kuti vanhu vazive kuti akatorerwa kupi. “Kuisa mapikicha kana kuti mavhidhiyo anenge achiratidza kuti akatorerwa kupi, zvinoita kuti vamwe vanhu vanenge vachida kukuitira zvakashata, vanenge vaine purogiramu yepakombiyuta inokwanisa kuratidza nzvimbo yakatorerwa mapikicha acho vazive kwauri,” inodaro website inonzi Digital Trends.

 Asi dzimwe mbavha dzinonyanya kuda kuziva kwaunenge wasiya kusina munhu. Digital Trends yakambotaura kuti mbavha nhatu dzakapaza dzimba 18 vanhu vacho pavakanga vasipo. Dzakazviziva sei kuti pakanga pasina vanhu? Dzakaenda paindaneti dzichibva dzaongorora mafambiro akanga achiita vanhu vacho uye dzakaba zvinhu zvinokosha mari inopfuura US$100 000.

 Unogona kuona zvinhu zvisingaite. Vamwe vanhu havatombonyari kuisa zvese zvese kuti nyika yese ione. Sarah ane makore 18 anoti: “Paunenge uchingovhura vhura maakaundi evanhu vausingazivi ndipo paunosangana nazvo. Zvakangofanana nekufamba muguta rausinganyatsozivi usina mepu. Kazhinji kacho unopedzisira warasika.”

 Zvinogona kukupedzera nguva. “Zviri nyore kuti upedzisire wava kuda kungoona kuti ndezvipi zvichangobva kuiswa uye kuda kungoverenga zvese zvinenge zvanyorwa nevanhu. Unozosvika pekuti unenge wava kungoti padiki padiki watarisa foni kuti uone zvitsva zvinenge zvaiswa,” anodaro musikana anonzi Yolanda.

Kana uine akaundi yesocial network, unofanira kuzvidzora

  Mumwe musikana anonzi Samantha anotaura zvakada kufanana neizvi achiti, “Ndinotofanira kuchenjerera kuti ndisaita nguva yakawanda ndiri pamasocial network. Kana uchida kuzova neakaundi yesocial network, unotofanira kuzozvidzora.”

Zvaunogona kuita

  •   Usambotarisa zvinhu zvinonyadzisa. Bhaibheri rinoti: “Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.”​—Pisarema 101:3.

     “Ndinogara ndichitarisa mapikicha evanhu vandinenge ndichitevera. Kana ndikaona kuti vava kuisa zvinhu zvisingaite ndinobva ndarega kuvatevera.”​—Steven.

  •   Siyana nevanhu vasingatendi dzidziso dzaunotenda, nekuti vanogona kukukanganisa. Bhaibheri rinoti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”​—1 VaKorinde 15:33.

     “Usangotevera mapikicha nekuti vanhu varipo vanozivikanwa chaizvo. Kazhinji kacho ndopaunozoona vanhu vanenge vasina kupfeka nezvimwewo zvisingaiti.”​—Jessica.

  •   Gara wakaronga kuti uchatora nguva yakareba sei uri pasocial network, uye kuti unoisa mapikicha kakawanda sei. Bhaibheri rinoti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera.”​—VaEfeso 5:15, 16.

     “Ndakarega kutevera vanhu vanonyanyisa kuisa mapikicha pasocial network. Semuenzaniso, mumwe munhu anogona kuenda kumahombekombe egungwa, obva aisa pasocial network mapikicha ake 20 akafanana aakatorwa ikoko. Mungati kuitawo here? Zvinotora nguva yakawanda kuti utarise mapikicha ese iwayo!”​—Rebekah.

  •   Iva nechokwadi chekuti mapikicha aunoisa haazoiti kuti vamwe vaone sekuti ndiwe wega uripo pasocial network. Pauro munyori weBhaibheri akati: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.” (VaRoma 12:3) Usafunga kuti shamwari dzako dzichafarira mapikicha ako.

      “Vamwe vanogara vachingoisa mapikicha avanenge vachizvitora. Kana uri shamwari yangu, ndinoziva zvawakaita, saka haufaniri hako kuramba uchingondiratidza zvauri!”​—Allison.