Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinozviona Semunhu Asingakanganisi Here?

Ndinozviona Semunhu Asingakanganisi Here?

 Kana

  •   uchitarisira kuwana maA chete pamatest ese aunonyora

  •   usingadi kuita zvinhu zvitsva uchityira kuti ungazotadza

  •   uchiti kana ukatsiurwa wobva wafunga kuti wakatovengwa

 . . . , zvinoreva kuti mhinduro yemubvunzo wabvunzwa pamusoro apa inogona kunge iri hongu. Asi izvozvo zvine basa here?

 Zvakaipirei kuzviona semunhu asingambokanganisi?

 Hapana chakamboipa nekushanda nesimba kuti uite zvinhu nemazvo. Bhuku rinonzi Perfectionism​—What’s Bad About Being Too Good? rinoti, “Kuedza kuita zvinhu nemazvo kwakasiyana chaizvo nekuda kuita zvinhu zvausingakwanisi.” Rinotiwo: “Kuda kuita zvinhu usingambokanganisi kuzviomesera, nekuti hapana munhu asingambokanganisi.”

 Ndozvinotaurawo Bhaibheri. Rinoti: “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Sezvo tiri vanhu vane chivi, dzimwe nguva tinogona kusaita zvinhu nemazvo.

 Zvakakuomera kubvuma here? Kana zvakakuomera, chimboona zvinhu 4 zvakaipira kuda kuita zvinhu usingakanganisi.

  1.   Maonero aunozviita. Vanhu vaya vanofunga kuti havafi vakakanganisa, vanozorwadziwa pavanoona kuti havagoni zvese. “Kutaura chokwadi, hatimbofi takava shasha pane zvese, asiwo kana tikaramba tichizvidzikisira, tinopedzisira tisisina chivimbo pane zvatinoita. Izvozvo zvinopedza simba.”​—Alicia.

  2.   Maonero aunoita mazano anobatsira aunopiwa. Vaya vanoda kuita zvinhu vasingakanganisi vanoona vanhu vanenge vavatsiura sevari kuda kusvibisa zita ravo. “Ndikatsiurwa, ndinorwadziwa zvisingaite,” anodaro Jeremy. Anotiwo, “Kuva munhu anoda kuita zvinhu asingambokanganisi kunoita kuti usabvuma kuti pane zvimwe zvausingakwanisi uye hauzoteereri mazano evamwe.”

  3.   Maonero aunoita vamwe. Vanhu vanoda kuita zvinhu vasingakanganisi vanowanzoshora vamwe uye zviri pachena kuti sei vachidaro. Anna ane makore 18 anoti, “Kana uchizviona semunhu asingambokanganisi, unenge wava kutarisira kuti vamwe vaite sezvaunoita. Kana vanhu vakasaita sezvaunenge uchitarisira, unoguma usisavafarire.”

  4.   Maonerwo aunoitwa nevamwe. Kana uchitarisira kuti vanhu vaite zvinopfuura zvavanokwanisa, usazoshamisika kuona vava kukutiza! Beth anoti, “Kuda kutevedzera zvinotaurwa nevanhu vanozviona sevasingambokanganisi kunopedza simba. Hapana anoda kutambira padhuze nevanhu akadaro!”

 Pane zvimwe zvaunogona kuita here?

 Bhaibheri rinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.” (VaFiripi 4:5) Vanhu vanonzwisisa havatarisiri kuita zvavasingakwanisi uye havatarisiri kuti vamwe vaite zvinopfuura zvavanokwanisa.

 “Pagara paine zvimwe zvinototemesa musoro. Saka hazvibatsiri kuzviomesera nekutarisira kuita zvinhu usingakanganisi? Unenge uchitozviremedza!”​—Nyla.

 Bhaibheri rinoti: ‘Iva nomwero pakufamba naMwari wako.’ (Mika 6:8) Vanhu vane mwero vanoziva kuti pane zvimwe zvavasingakwanisi. Havazviwanzire zvekuita; kana kupedzera nguva pachinhu chimwe chete ivo vaine zvimwe zvinhu zvavanofanira kuita.

 “Kuti ndiite mabasa angu nemazvo, ndinofanira kubvuma andinokwanisa kupedza. Handigoni kuita zvinopfuura zvandinokwanisa.”​—Hailey.

 Bhaibheri rinoti: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.” (Muparidzi 9:10) Saka mushonga wekupedza dambudziko rekuda kuita zvinhu usingambokanganisi, hakusi kuva simbe, asi kushanda nesimba, ukuwo uchiratidza kuti uri munhu anonzwisisa uye ane mwero.

 “Ndinoshanda nesimba kuti ndiite basa rangu nemazvo. Kunyange zvakadaro ndinotombokanganisa, asi chinondifadza ndechekuti ndinenge ndaitawo zvandinokwanisa.”​—Joshua.