Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndosiya Chikoro Here?

Ndosiya Chikoro Here?

 “Chikoro chava kundibhowa!” Kana ariwo manzwiro auri kuita, unogona kupindwa nepfungwa yekusiya chikoro. Nyaya ino ichakupa mazano anogona kukubatsira.

 Nei vamwe vachisiya chikoro?

 Zvimwe zvikonzero zvacho ndeizvi:

  •   Kuomerwa nechikoro. ‘Ndiri kuramba ndichingofoira.’

  •   Kusafarira chikoro. ‘Handioni chikonzero chekuendera kuchikoro.’

  •   Kushaya mari. ‘Ndiri kuda kusiya chikoro kuti nditsvage mari yekubatsira vanhu vekumba kwedu kuti vawane chekurarama nacho.’

 Tanga wafunga zvinogona kuzoitika

 Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” ( Zvirevo 14:15) Zvinorevei? Kana uchifunga kusiya chikoro, unofanira kuziva zvinogona kuzoitika.

 Zvibvunze kuti:

  •   ‘Kana ndikasiya chikoro ndichakwanisa kuzowana basa zviri nyore here?’

     “Ziva kuti zvichida rimwe zuva uchafanira kutsvaga basa kuti uzoriritirawo mhuri yako. Saka unozokwanisa kuwana basa here kana usina kupedza chikoro?”—Julia.

  •   ‘Ndikasiya chikoro ndinozokwanisa here kukunda matambudziko andinozosangana nawo?’

     “Chikoro chinokubatsira kuti ugadziririre ramangwana rako. Zvinhu zvakawanda zvauchasangana nazvo mune ramangwana, uchaona kuti zvakangofanana nezvawaisangana nazvo kuchikoro.”—Daniel.

  •   ‘Ndikasiya chikoro ndichazokwanisa here kuva neunyanzvi hunodiwa kana ndava munhu mukuru?’

     “Iye zvino ungaona sekuti chikoro hachina zvachinobatsira, asi uchazoona kuti paunenge wava nemakore 23, unenge waakufanira kuchizvibhajetera zvinhu zvako wega, uye ndipo pauchatenda kuti maths dzawaiita kuchikoro dzakakubatsira.’”—Anna.

 Zvaunogona kuita

  •   Tsvaga anogona kukubatsira. Bhaibheri rinoti: “Panova nekubudirira kana vanhu vanopa mazano vakawanda.” (Zvirevo 11:14) Kana uri kuona kuti uri kufoira, kumbira kubatsirwa nemubereki wako, kana kuti mudzidzisi wako, kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye.

     “Kumbira kubatsirwa nemudzidzisi wako. Dzimwe nguva unogona kufunga kuti ndiye ane dambudziko, asi ukataura naye anogona kutokupa mazano anokubatsira.”—Edward.

  •   Imbofunga kuti zvauri kudzidza kuchikoro zvichakubatsira sei mune ramangwana. Bhaibheri rinoti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.” (Muparidzi 7:8) Pauchapedza chikoro unenge wava neunhu uye unyanzvi hunodiwa muupenyu.

     “Paunenge wakura unenge usingachaiti homuweki kana kunyora mazamanishoni. Saka zvaunoita iye zvino paunosangana nezvinhu zvinokuomera kuchikoro, zvinenge zvichitokubatsira kuti ugokwanisa kukunda matambudziko auchazosangana nawo mune remangwana.”—Vera.

    Kusiya chikoro kwakafanana nekubuda muchikepe chisati chamira; unozozvidemba kuti dai wakapedza hako chikoro!

  •   Nyatsofunga zvimwe zvaungaita. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.” (Zvirevo 21:5) Usakurumidza kufunga kuti hapana zvekuita kunze kwekuti utosiya chikoro. Unogona kuverenga wega wozoenda kunonyora bvunzo chete.

     “Chikoro chinokudzidzisa kushanda nesimba, kugadzirisa matambudziko, uye kugona kushanda nevamwe zvakanaka. Zvaunodzidza kuchikoro zvinokubatsira muupenyu hwako hwese. Saka zviri nani chaizvo kuti upedze chikoro.”—Benjamin.

 Pfungwa inokosha: Pedza chikoro uye zvichakubatsira kuti ugadzirire ramangwana rako.