Genesisi 1:1-31

  • Kusikwa kwedenga nenyika (1, 2)

  • Mazuva matanhatu ekusikwa kwezvinhu (3-31)

    • Zuva rekutanga: chiedza; masikati neusiku (3-5)

    • Zuva rechipiri: nzvimbo huru inoparadzanisa mvura (6-8)

    • Zuva rechitatu: pasi pakaoma uye zvinomera (9-13)

    • Zuva rechina: zvinovheneka zvekudenga (14-19)

    • Zuva rechishanu: hove neshiri (20-23)

    • Zuva rechitanhatu: mhuka dzepanyika nevanhu (24-31)

1  Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.+  Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu, rima riri pamusoro pemvura yakadzika,+ uye simba raMwari raanoshandisa+ raitenderera riri pamusoro pemvura.*+  Uye Mwari akati: “Chiedza ngachivepo.” Chiedza chakabva chavapo.+  Pashure paizvozvo Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye Mwari akatanga kuparadzanisa chiedza nerima.  Mwari akatumidza chiedza kuti Masikati, asi rima akaritumidza kuti Usiku.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.  Mwari akabva ati: “Ngapave nenzvimbo huru+ inoparadzanisa mvura, uye ngapave nemuganhu pakati pemvura nemvura.”+  Mwari akatanga kugadzira nzvimbo huru uye akaparadzanisa mvura iri pasi penzvimbo huru nemvura iri pamusoro penzvimbo huru.+ Uye zvakaitika saizvozvo.  Mwari akatumidza nzvimbo yacho huru kuti Denga. Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechipiri.  Mwari akabva ati: “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane munzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaoneke.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 10  Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti Nyika,+ asi mvura yakaungana akaitumidza kuti Makungwa.+ Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.+ 11  Mwari akabva ati: “Nyika ngaimere uswa, zvinomera zvinobereka mbeu, nemiti yemichero maererano nemarudzi ayo, ichibereka michero nemhodzi dzayo panyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 12  Nyika yakatanga kumera uswa, zvinomera zvinobereka mbeu,+ nemiti inobereka michero nemhodzi dzayo, maererano nemarudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 13  Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitatu. 14  Mwari akabva ati: “Zvinovheneka+ ngazvive munzvimbo huru yekudenga kuti zviparadzanise masikati neusiku,+ uye zvichashanda sezviratidzo zvekuziva nazvo mwaka, mazuva, nemakore.+ 15  Zvichava zvinovheneka munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 16  Mwari akabva aita zvinovheneka zvikuru zviviri, chikuru chacho kuti chitonge masikati+ uye chidiki chacho kuti chitonge usiku, uye akaitawo nyeredzi.+ 17  Saka Mwari akazviisa munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika 18  uye kuti zvitonge masikati neusiku nekuparadzanisa chiedza nerima.+ Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 19  Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechina. 20  Mwari akabva ati: “Mvura ngaizare nezvisikwa zvipenyu,* uye zvisikwa zvinobhururuka ngazvibhururuke pamusoro penyika munzvimbo huru yekudenga.”+ 21  Uye Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvemugungwa, nezvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba* uye zvinogara zvakawanda mumvura, nezvisikwa zvese zvine mapapiro zvinobhururuka. Akazvisika zvese maererano nemarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 22  Mwari akabva azvikomborera, achiti: “Berekai muwande, muzadze mvura yemumakungwa,+ uye zvisikwa zvinobhururuka ngazviwande panyika.” 23  Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechishanu. 24  Mwari akabva ati: “Nyika ngaibudise zvisikwa zvipenyu maererano nemarudzi azvo, zvipfuwo nemhuka dzinokambaira uye mhuka dzemusango dzepanyika, zvese maererano nemarudzi azvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 25  Mwari akatanga kuita mhuka dzemusango panyika maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo, nemhuka dzese dzinokambaira panyika maererano nemarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 26  Mwari akabva ati: “Ngatiitei+ munhu nemufananidzo wedu,+ akafanana nesu,+ uye ngavave nesimba pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvipfuwo uye panyika yese nepamhuka dzese dzinokambaira dzinofamba panyika.”+ 27  Mwari akatanga kusika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari; akavasika munhurume nemunhukadzi.+ 28  Uyezve, Mwari akavakomborera, akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika,+ muitonge,+ muve nesimba+ pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.” 29  Mwari akabva ati: “Ndakupai zvinomera zvese zvinobereka mbeu zviri panyika yese, nemiti yese yemichero inoita mhodzi. Ngazvive zvekudya zvenyu.+ 30  Uye mhuka dzese dzemusango dzepanyika, nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, nezvinhu zvese zvinofamba panyika zvine upenyu mazviri, ndazvipa zvinomera zvese zvakasvibirira kuti zvive zvekudya zvazvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 31  Pashure pacho Mwari akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya mutsvene waMwari waitenderera uri pamusoro pemvura.”
Kana kuti “nemweya mipenyu.”
Kana kuti “nemweya yese mipenyu inofamba.”