Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichifanira Kunyengetera?

Nei Ndichifanira Kunyengetera?

 Imwe ongororo yakaratidza kuti pavanhu 100 vechidiki vekuAmerica, 80 vacho vanonyengetera, asi 40 chete ndivo vanonyengetera zuva nezuva. Zviri pachena kuti vamwe vavo vanobvunza kuti: ‘Munyengetero inongova nzira yekuti munhu anzwe zviri nani here, kana kuti pane zvimwe zvaunoita?’

 Chii chinonzi munyengetero?

 Munyengetero inzira yekutaura nayo neMusiki wezvinhu zvese. Ichi chikomborero chakakura chaizvo! Jehovha mukuru chaizvo kupfuura vanhu vese, asi ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Bhaibheri rinototikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”​—Jakobho 4:8.

 Ungaswedera sei pedyo naMwari?

  •   Imwe nzira ndeyekunyengetera. Paunonyengetera unenge uchitaura naMwari.

  •   Imwe ndeyekudzidza Bhaibheri. Paunoriverenga, Mwari anenge achiita seari kutaurawo newe.

  •  Kunyengetera uye kuverenga Bhaibheri zvichaita kuti uve neushamwari hwakasimba naMwari.

 “Kutaura neWemasimbaose, Jehovha, chikomborero chakakura chaizvo chakapiwa vanhu.”​—Jeremy.

 “Kutaura zviri pasi pemwoyo wangu kuna Jehovha pandinonyengetera kunoita kuti ndive pedyo naye.”​—Miranda.

 Mwari anondinzwa here?

 Kunyange kana uchitenda kuti Mwari ariko uye uchinyengetera kwaari, zvinogona kukuomera kuti ubvume kuti anokunzwa paunonyengetera. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti Jehovha “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Bhaibheri rinotiwo, ‘Kanda zvese zvinokudya paari.’ Nei richidaro? ‘Nekuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

 Zvekufunga nezvazvo: Unowana here nguva yekugara uchitaura neshamwari yako yepedyo? Unogona kuitawo izvozvo naMwari. Gara uchinyengetera kwaari uye nyengetera uchishandisa zita rake. (Pisarema 86:5-7; 88:9) Bhaibheri rinotokukurudzira kuti ‘urambe uchinyengetera.’—1 VaTesaronika 5:17.

 “Pandinonyengetera ndinenge ndichitaura naBaba vangu vekudenga uye ndinonyatsotaura zvese zvinenge zviri mumwoyo.”​—Moises.

 “Ndinonyatsotora nguva yangu pandinenge ndichitaura naJehovha, sezvandinoita pandinenge ndichitaura naamai vangu kana kuti neshamwari yepedyo.”​—Karen.

 Ndinganyengetera nezvei?

 Bhaibheri rinoti: “Panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”​—VaFiripi 4:6.

 Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kunyengetera nezvematambudziko edu? Ehe! Bhaibheri rinototi: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”​—Pisarema 55:22.

 Asi paunenge uchinyengetera haufaniri kungotaura matambudziko ako chete. Mumwe musikana anonzi Chantelle anoti, “Hunenge husiri ushamwari hwakanaka kana ndichingogara ndichikumbira kuti Jehovha andibatsire. Ndinofunga kuti ndinofanira kutanga nekumutenda ndichitaura zvinhu zvakawanda zvaanondiitira.”

 Zvekufunga nezvazvo: Muupenyu hwako zvinhu zvipi zvawakaitirwa zvaunotenda? Fungawo zvinhu zvitatu zvaungada kutenda Jehovha.

 “Tinogona kunyengetera kuna Jehovha tichimutenda kunyange pazvinhu zvidiki, semuenzaniso patinoona ruva rakanaka zvinofanira kuita kuti timutende.”​—Anita.

 “Nyatsofunga nezvechimwe chinhu chakasikwa naMwari chaunoyemura kana kuti vhesi yemuBhaibheri inokubaya mwoyo wobva wanyengetera uchitenda Jehovha.”​—Brian.