Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Munhu Uyu Ndiye Wangu Here?

Munhu Uyu Ndiye Wangu Here?

 Pane munhu wawaona here waunofungidzira kuti mungangomisa imba? Chii chinoita kuti ufunge kuti munhu wacho ndiye chaiye?

 Zvinokosha kuti usangogutsikana nezvauri kuona nemaziso. Nemhaka yekuti mhenya yemusikana inogona kunge isina kuvimbika kana kuti mukomana anofarirwa nevasikana vakawanda anogona kunge asina tsika dzakanaka. Unoda munhu waunonyatsonzwa wakasununguka kuva naye, anoenderana neunhu hwako uye ane zvinangwa zvakafanana nezvako.​—Genesisi 2:18; Mateu 19:4-6.

Usangogutsikana Nezvauri Kuona Nemaziso

 Nyatsoongorora munhu wacho. Asi ngwarira! Nokuti unogona kutsvaka zvinhu zvaunofarira pamunhu wacho wotadza kuona zvimwe zvinhu zvinokosha. Saka zvipe nguva. Edza kuona zvakanyatsoita munhu wacho.

 Vanhu vakawanda vanotsvaka munhu wokudanana naye havanyatsoongorora zvakaita munhu wacho. Vanongotsvaka zvinhu zvavanopindirana vachiti: “Nziyo dzatinofarira dzakafanana.” “Zvinhu zvatinofarira zvakafanana.” “Tinowirirana pane zvose!” Asi haufaniri kungogumira ipapo. Unofanira kunzwisisa “munhu akavanzika womwoyo.” (1 Petro 3:4; VaEfeso 3:16) Panzvimbo pokungofunga nezvezvinhu zvamunowirirana, zvingabatsira kuti uzvibvunze kuti munogadzirisa sei zvinhu kana matadza kuwirirana.

 Somuenzaniso ona zvinotevera:

  •   Munhu uyu anoita sei kana matadza kunzwisisana, anosimbirira kuti zvinhu zviitwe nenzira yaari kuda here, ‘achitofufutirwa nehasha’ kana kuti “kutuka”? (VaGaratiya 5:19, 20; VaKorose 3:8) Kana kuti anoratidza kuti anonzwisisa here, achibvumawo zvinodiwa nevamwe, kana zvisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri?​—Jakobho 3:17.

  •   Munhu uyu haadi kuti nditaure nevamwe vanhu, ane godo, kana kuti anoita zvose zvaanogona kuda kuti awane zvaari kuda here? Chose chauri kuita anoda kuchiziva here? “Ndinonzwa nezvevamwe vanenge vachidanana vanotonetsana nokuti mumwe wacho anenge asingaudzi mumwe wake kwaari kuenda” anodaro Nicole. “Ndinofunga kuti maitiro iwayo chiratidzo chokuti munozogara muchinetsana.”​—1 VaKorinde 13:4.

  •   Vanhu vanoti chii nezvake? Chinogona kukubatsira kutaura nevanhu vanonyanya kumuziva, vakadai sevechikuru vari muungano yake. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uzive kana vanhu ‘vachimupupurira zvakanaka.’​—Mabasa 16:1, 2.