Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaitei Kuti Ndisanyepedzera Kushumira Jehovha?

Ndingaitei Kuti Ndisanyepedzera Kushumira Jehovha?

 Dzimwe nguva, vamwe vashumiri vaJehovha vanombozvibvunza kuti kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri hakusi kutambisa nguva nesimba here. (Pisarema 73:2, 3) Vanogona kutotanga kuita zvisingaenderani nemitemo yaJehovha vachinyengedza vavanonamata navo nekuvanza zvakaipa zvavanenge vachiita.

 Nyaya ino yakanyorerwa vaya vanogona kunge vava nemaitiro akadaro asi vachida kusiya mararamiro avo eunyengeri.

Zviri munyaya ino

 Kunyepedzera kushumira Jehovha kuita sei?

 Kunyepedzera kushumira Jehovha kunoreva kuti paunenge uine vezera rako vasingateereri Jehovha, unoita zvinhu zvaunoziva kuti hazvina kunaka; asi woita seunoda kushumira Jehovha paunenge uine vamwe vemuungano. Zvinoita sekuti uri vanhu vaviri vakasiyana, pese paunenge uri unenge uchingovanza zvauri.

 “Kana uchinyepedzera kushumira Jehovha, unenge uchivanza zvauri saka hapana anonyatsokuziva. Chiripo ndechekuti kana uchinyepedzera kushumira Jehovha uri kunyengera munhu wese.”—Erin.

 Waizviziva here? Kunyepedzera kushumira Jehovha kunogona kuita kuti uite chimwe chinhu pachivande chaunoziva kuti Jehovha haachifariri.

 “Pandakanga ndava nemakore 14, ndakatanga kuona zvinhu zvinonyadzisira paindaneti. Pandaiva pane vamwe ndaiita sendaivenga zvinhu zvinonyadzisira, asi nechemumwoyo ndaiziva kuti ndaisazvivenga.”—Nolan.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nekuti anogona kuvenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti acharamba achida mumwe ozvidza mumwe wacho.”—Mateu 6:24.

 Kunyepedzera kushumira Jehovha kunoratidza kuti ndiri munhu akaipa here?

 Zvingasadaro hazvo. Ichokwadi kuti vamwe vakasarudza kuti havadi kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Asi iwe ndizvo zvawakasarudza here? Kana kuti pane zvikonzero zviri kuita kuti unyepedzere kushumira Jehovha, zvakadai sekuti:

  •   Unotya kuita zvakasiyana nezvinoitwa nevamwe vezera rako.

  •   Unoona sekuti unofarira zvinhu zvakafanana nezvinofarirwa nevaunodzidza navo asi zvaunofarira zvakatosiyana nezvinofarirwa nevari muungano yako.

  •   Unonzwa sekuti haukwanisi kutevedzera mitemo yese yaMwari.

 “Ndinofunga kuti vechidiki vanonyepedzera kushumira Jehovha vanonzwa vakasununguka kana vaine vanhu vasingatendi zvavanotenda nekuti vanenge vachida kungokwana-kwanawo pavanhu ivavo.”—David.

 Asi chokwadi ndechekuti pane zvese izvi hapana chatingati chikonzero chakanaka chekuti munhu anyepedzere kushumira Jehovha. Asi zvinotibatsira kunzwisisa kuti zvinofamba sei kuti kunyange vanhu vakanaka vabatwe nemusungo wacho. Kana izvozvo zviri kuitika kwauri, zvii zvaungaita?

 Ndingaitei kuti ndisanyepedzera kushumira Jehovha?

  1.  1. Ongorora mararamiro auri kuita iye zvino. Zvibvunze kuti: ‘Ndizvo zvandinoda kuva here izvi? Kana zvisiri izvo, zvandiri kuita zvichandisvitsa kupi?’

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi . . . , asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvirevo 27:12.

  2.  2. Buda pachena. Taura nevabereki vako kana kuti neshamwari inoremekedza mitemo yaJehovha. Vachafara kuti unenge wavakumbira kuti vakubatsire. Uye vachafara chaizvo kuziva kuti unoda kuita zvakanaka!

    Kana uri kunyepedzera kushumira Jehovha, kumbira kubatsirwa

     “Kutaura zvandaikanganisa kwakanga kwakandiomera chaizvo, asi pandakangozviita, ndakanzwa kurerukirwa chaizvo.”—Nolan.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri, asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.”—Zvirevo 28:13.

  3.  3. Bvuma kurangwa. Yeuka kuti kana wanga uchivanzira vabereki vako uye ungano zvimwe zvinhu, unenge waita kuti vasavimba newe. Izvi zvingaita kuti vabereki vako kana kuti vakuru vakupe chirango. Bvuma chirango chauchapiwa, uye iva nechido chakasimba chekuva ‘akatendeseka pazvinhu zvese zvaunoita’ kubva iye zvino zvichienda mberi.—VaHebheru 13:18.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Teerera zano uye bvuma kurayirwa, kuti uve akachenjera mune ramangwana.”—Zvirevo 19:20.

  4.  4. Wedzera kuvimba kwaunoita kuti Mwari anokuda. Jehovha anotida, saka anonyatsoona zvese zvatinoita. Saka anozviziva kana uchinyepedzera kumushumira, uye zvinomurwadza. Asi sezvo, ‘aine hanya newe,’ anoda kukubatsira kuti ugadzirise mararamiro ako.—1 Petro 5:7.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwaari.”—2 Makoronike 16:9.