Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?—Chikamu 3: Chii Chiri Kunditadzisa?

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?—Chikamu 3: Chii Chiri Kunditadzisa?

 Kufunga nyaya yekuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa kunoita kuti utye here? Kana uchitya, nyaya ino ichakubatsira kuti ukurire kutya ikoko.

Zviri munyaya ino

 Ko kana ndikazoita chivi chakakura ndabhabhatidzwa?

 Chingaita kuti ufunge kudaro: Pamwe unoziva mumwe munhu akaita chivi chakakura achibva adzingwa muungano. (1 VaKorinde 5:11-13) Unogona kutyira kuti zvinogona kuzoitikawo kwauri.

 “Pandakatanga kufunga nezvekubhabhatidzwa, ndaitya kuti ndaigona kuzoita chivi chakakura. Ndaibva ndafunga kuti zvaizonyadzisa sei vabereki vangu.”—Rebekah.

 Vhesi yeBhaibheri inokosha: “Munhu akaipa ngaasiye nzira yake . . . Ngaadzokere kuna Jehovha, uyo achamunzwira tsitsi, kuna Mwari wedu, nekuti achamukanganwira zvikuru.”—Isaya 55:7.

 Nyatsofunga nezveizvi: Kunyange zvazvo vatadzi vasingapfidzi vachidzingwa muungano, Jehovha anonzwira tsitsi vaya vanopfidza uye vanobvuma kururamiswa.—Pisarema 103:13, 14; 2 VaKorinde 7:11.

 Uyewo, yeuka kuti kunyange zvazvo uri munhu anokanganisa, unogona kukunda miedzo uchibatsirwa naMwari. (1 VaKorinde 10:13) Fungawo nezvekuti pane anokusarudzira zvauchaita here kana kuti unozvisarudzira wega?

 “Ndaitya kuti ndaizoita chivi chakakura kana ndabhabhatidzwa, asi ndakazoona kuti kuramba ndichizeza kubhabhatidzwa kwaitova kukanganisa. Ndakaona kuti handifaniri kurega kutyira zvingazoitika mune ramangwana kuchinditadzisa kuita zvandinofanira kuita.”—Karen.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uchida, unogona kukunda miedzo yekuita zvivi zvakakura sezvinongoitawo vashumiri vaJehovha vakawanda.—VaFiripi 2:12.

 Unoda rumwe rubatsiro here? Ona nyaya yakanzi “Ndingakunda Sei Miedzo?

 Ko kana ndichitya kuzoita mamwe mabasa anoitwa nevakabhabhatidzwa?

 Chingaita kuti ufunge kudaro: Unogona kunge uchiziva vechidiki vakatamira kure nehama neshamwari dzavo kuti vaite zvakawanda pakushumira Jehovha. Saka unogona kunge uchinetseka uchifunga kuti vanhu vachatarisirawo kuti uzoitawo izvozvo.

 “Kana muKristu akabhabhatidzwa anenge ava kukwanisa kuita mamwe mabasa pakushumira Jehovha, asi vamwe vanenge vasati vagadzirira kuti vazvipire kuaita kana kuti panewo zvimwe zvikonzero zvinoita kuti panguva yacho vasakwanisa kuita mabasa iwayo.”—Marie.

 Vhesi yeBhaibheri inokosha: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

 Nyatsofunga nezveizvi: Pane kuti uzvienzanise nevamwe, funga nezvemashoko ari pana Mako 12:30 anoti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese.”

 Cherechedza kuti unofanira kushumira Jehovha nemwoyo wako wese, kwete wemumwe munhu. Kana uchinyatsoda Jehovha, uchatsvaga nzira dzekumushumira nepese paunogona napo.

 “Kunyange zvazvo kubhabhatidzwa riri danho rakakura, hakuiti kuti upenyu hwako huome. Kana ukashamwaridzana nevanhu vakanaka, vachakubatsira. Kuita mamwe mabasa pakushumira Jehovha kuchatoita kuti uwedzere kufara. Kana ukarega kubhabhatidzwa, unenge uchitozvikuvadza.”—Julia.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Wedzera kuonga kwaunoita rudo rwawakaratidzwa naJehovha. Izvozvo zvichaita kuti ude kumupa zvakanakisisa zvako.—1 Johani 4:19.

 Unoda rumwe rubatsiro here? Ona nyaya yakanzi “Ndiri Munhu Anovimbwa Naye Here?

 Ko kana ndichinzwa sekuti handina kukodzera kushumira Jehovha?

 Chingaita kuti ufunge kudaro: Jehovha ndiye Changamire wezvinhu zvese uye kana tichienzaniswa naye, isu hatisi chinhu! Unogona kunetseka kana Jehovha achiziva kuti uriko.

 “Nenyaya yekuti vabereki vangu Zvapupu zvaJehovha, ndaiona sekuti ushamwari hwangu naJehovha hwaingobva pakuti vabereki vangu vaimushumira uye kuti iye pachake ainge asina kuita kuti ndive pedyo naye.”—Natalie.

 Vhesi yeBhaibheri inokosha: “Hapana munhu angauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasina kumuunza kwandiri.”—Johani 6:44.

 Nyatsofunga nezveizvi: Kutofunga kwauri kuita nezvekubhabhatidzwa kunogona kunge kuri kutokuratidza kuti Jehovha ari kukuunza pedyo naye. Unodawo here kuva pedyo naye?

 Yeukawo kuti, Jehovha, kwete iwe kana mumwe munhu, ndiye anotaura zvinofanira kuitwa nevanhu vaanoda kuunza pedyo naye. Uye Shoko rake rinokuvimbisa kuti kana ‘ukaswedera pedyo naMwari, . . . iye achaswedera pedyo newe.’—Jakobho 4:8.

 “Kuziva kwaunoita nezvaJehovha uye kuva pedyo naye kunoratidza kuti anokuda. Saka kana wava kufunga kuti hauna kukodzera kumushumira, yeuka kuti haakuoni saizvozvo. Uye maonero ake akarurama nguva dzese.”—Selina.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uri kuita zvinotaurwa neBhaibheri zvinoita kuti ukwanise kubhabhatidzwa, unokodzera kushumira Jehovha. Uye yeuka kuti ane kodzero yekuti umunamate.—Zvakazarurwa 4:11.

 Unoda rumwe rubatsiro here? Ona nyaya yakanzi “Nei Ndichifanira Kunyengetera?