Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaitei Kuti Ndisaramba Ndichingofunga Kuti Pane Zvakaipa Zvichaitika?

Ndingaitei Kuti Ndisaramba Ndichingofunga Kuti Pane Zvakaipa Zvichaitika?

 Unofunga kuti uri munhu akaita sei?

  •   Anongofunga zvakanaka chete

     “Ndinoedza zvandinogona kuti ndigare ndichifara, ndakasununguka zvangu. Ko chii chinganditadzisa zvangu kunyemwerera mazuva ese?”—Valerie.

  •   Anongofunga zvakaipa chete

     “Pese panoitika zvinhu zvakanaka ndinongoti kunyepa chete, hachingambovi chokwadi.”—Rebecca.

  •   Anoona zvinhu sezvazviri

     “Kugara uchingofunga kuti zvinhu zvese zvichafamba zvakanaka kunogona kuita kuti uzoora mwoyo, uye kufunga zvakaipa chete kunoita kuti ugare wakasuruvara. Asi chinondibatsira kuona zvinhu sezvazviri.”—Anna.

 Zvine basa here?

 Bhaibheri rinoti, “munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.” (Zvirevo 15:15) Zviri pachena kuti vanhu vanoedza kubvisa pfungwa dzavo pane zvakaipa, vogara vachiisa pfungwa dzavo pazvinhu zvakanaka, ndivo vanowanzofara muupenyu. Havanetseki nekuwana shamwari dzakawanda. Kana ndiwewo, ndiani anoda kugara nemunhu anogara akangoti kwindi?

 Asi kunyange munhu uya anongofunga zvakanaka chete anotombotarisanawo nematambudziko eupenyu. Semuenzaniso:

  •   Unogona kunzwa munhau muchibuda nyaya dzehondo, ugandanga, kana dzimwe mhosva dzakakura.

  •   Pamwe mune matambudziko amuri kutarisana nawo mumhuri menyu.

  •   Hapana mubvunzo kuti pane zvaunombokanganisawo zvauri kurwisa kuti ukurire.

  •   Pamwe shamwari yako yakakurwadzisa.

 Pane kuita seusiri kuzviona, kana kuramba uchingofunga nezvazvo zvekuti unobva wasuruvara, edza kuva nemaonero akanaka. Kuona zvinhu sezvazviri kuchakubatsira kuti usangofunga zvakaipa uye kuti ugamuchire zviripo usinganyanyi kuodzwa mwoyo nazvo.

Unogona kutarisana nematambudziko eupenyu uine chivimbo chekuti mangwana zvichanaka

 Zvaungaita

  •   Usaore mwoyo paunokanganisa.

     Bhaibheri rinoti: “Hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Kukanganisa kwaunomboita hakurevi kuti haubatsiri, asi kunoratidza kuti uri munhu.

     Zvaungaita kuti uone zvinhu sezvazviri: Shanda kuti ugadzirise zvikanganiso zvako, asi usatarisire kuva munhu akakwana. Mumwe mukomana anonzi Caleb anoti: “Ndinoedza kuti ndisaramba ndichingofunga zvandinokanganisa. Panzvimbo pezvo, ndinoedza kudzidza pazviri kuti ndione zvandinofanira kugadzirisa.”

  •   Usazvienzanisa nevamwe.

     Bhaibheri rinoti: “Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” (VaGaratiya 5:26) Kutarisa mifananidzo inoiswa pamasocial media yezvakaitika kwausina kukokwa kunogona kuita kuti urwadziwe. Zvinogona kuita kuti shamwari dzako dziite sevavengi vako.

     Zvaungaita kuti uone zvinhu sezvazviri: Hazviiti kuti ugare uchingokokwa nguva dzese. Usakanganwawo kuti mapikicha epamasocial media haaratidzi zvese zvinenge zvichiitika muupenyu hwemunhu wacho. Mumwe musikana anonzi Alexis anoti: “Vanhu vanowanzoisa pamasocial media mapikicha ezvinhu zvakavanakidza chete. Havawanzoratidzi vanhu zvinoitika mazuva ese.”

  •   Gara uchiita kuti pave nerugare, kunyanya mumhuri menyu.

     Bhaibheri rinoti: ‘Kana zvichiita, ita zvese zvaunogona kuti uve nerugare nevanhu vese.’ (VaRoma 12:18) Haukwanisi kuita kuti vanhu vachinje zvavanoita, asi unogona kusarudza kuti woita sei nezvavanenge vaita. Unogona kusarudza kuva nerugare.

     Zvaungaita kuti uone zvinhu sezvazviri: Shinga kuti usakuchidzira kusawirirana kungavapo mumhuri asi iva nerugare, sezvaunongoita kushamwari dzako. Musikana anonzi Melinda anoti: “Hapana munhu akakwana, tese zvedu tinombokanganisirana. Tinotofanira kusarudza kuti toita kuti pave nerugare here kana kwete.”

  •   Dzidza kutenda vamwe.

     Bhaibheri rinoti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” (VaKorose 3:15) Kana uri munhu anotenda, pfungwa dzako dzichagara dziri pazvinhu zviri kufamba zvakanaka muupenyu hwako kwete pazvinhu zvinoita sezvisiri kufamba zvakanaka.

     Zvaungaita kuti uone zvinhu sezvazviri: Bvuma matambudziko ako, asi tarisawo zvinhu zvakanaka zviri kuitika muupenyu hwako. Rebecca anoti, “Zuva rega rega ndinonyora chinhu chimwe chete chakanaka mukabhuku kangu. Ndinoda kuzviyeuchidza kuti pasinei nematambudziko, ndine zvakanaka zvakawanda zvekufunga nezvazvo.”

  •   Ongorora shamwari dzaunosarudza.

     Bhaibheri rinoti: “Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.” (1 VaKorinde 15:33) Kana vanhu vaunotamba navo vari vanhu vanogara vachingoshora vamwe, vanotsvinya, kana vanogara vakatsamwa, uchapedzisira wava kuitawo izvozvo.

     Zvaungaita kuti uone zvinhu sezvazviri: Shamwari dzako dzinogona kumboora mwoyo padzinosangana nematambudziko muupenyu. Vatsigire asi usabva waita kuti matambudziko avo akushayise mufaro. Michelle anoti: “Hatifaniri kushamwaridzana nevanhu vanongogara vachifunga kuti pane zvakaipa zvichaitika.”

 Verenga zvimwe zvinoita kuti ufunge zvinhu zvakanaka

 Tiri kurarama munguva dzinonzi neBhaibheri “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1) Zvinokuomera here kuramba uchifunga zvinhu zvakanaka munyika izere nematambudziko kudai? Verenga nyaya inoti, “Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?