Enda pane zvauri kuda

Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vava Kuda Kurambana?

Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vava Kuda Kurambana?

Zvaunogona kuita

 Taura navo zviri kukunetsa. Ita kuti vabereki vako vazive kushushikana kana kuti kuvhiringidzika kwauri kuita. Vanogona kukutsanangurira zviri kuitika zvoita kuti usanyanya kunetseka.

 Kana vabereki vako vakatadza kukupa rubatsiro rwauri kuda, unogona kuudza munhu mukuru waunovimba naye.—Zvirevo 17:17.

 Chinokosha chaunogona kuita kunyengetera kuna Baba vako vekudenga, “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Vaudze zvose zviri pamwoyo pako ‘nokuti ivo vane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

Zvausingafaniri kuita

Kuzvigamuchira kuti vabereki vako varambana kunorwadza asi kunozopera, kungofanana nokupora kwaunoita kana watyoka ruoko

 Usaramba wakavagumbukira. “Vabereki vangu vaingozvifunga ivo,” anodaro Daniel, uyo ane vabereki vakarambana aine makore manomwe. “Vakanga vasingambofungi kana kufunga kuti zvavaiita zvaizotikanganisa sei.”

 Chii chaizoitika kuna Daniel kana aizoramba aine chigumbu?—Zvingangokubatsira: Verenga Zvirevo 29:22.

 Zvakanakirei kuti Daniel aregerere vabereki vake nokumurwadzisa kwavakaita?—Zvingangokubatsira: Verenga VaEfeso 4:31, 32.

 Usaita zvinhu zvinozokukanganisa. “Ndakarwadziwa uye ndakaora mwoyo vabereki vangu pavakarambana,” anoyeuka kudaro Denny. “Zvinhu zvakanga zvisingachafambi zvakanaka kuchikoro zvokuti gore rose ndakanga ndichidofora. Pashure peizvi... ndakanga ndava kuita zveupenzi uye ndakanga ndisingachabviri muzvibhakera.”

 Unofunga kuti nemhaka yei Denny aiita zveupenzi uye zvokuda kurwa nevamwe?

 Zvinotaurwa pana VaGaratiya 6:7 zvingabatsira sei vane tsika dzakaipa dzakaita sedzaDenny?

 Kuvhiringidzwa kwaunoitwa mupfungwa kunotora nguva kuti kupere. Nokufamba kwenguva pauchazozvigamuchira kuti ndozvazviri uchakwanisa kuenderera mberi noupenyu.