Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?—Chikamu 1: Kubhabhatidzwa Kunorevei?

Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?—Chikamu 1: Kubhabhatidzwa Kunorevei?

 Gore negore, vechidiki vakawanda vanorerwa mumhuri dzeZvapupu zvaJehovha vanobhabhatidzwa. Uri kufunga nezvekutora danho iroro here? Kana zvakadaro, unofanira kutanga wanzwisisa kuti kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa zvinorevei.

 Chii chinonzi kubhabhatidzwa?

 Kubhabhatidzwa kunotaurwa muBhaibheri kunoreva kunyatsonyudzwa mumvura kwete kusaswa mvura uye kunomiririra chimwe chinhu chinokosha chaizvo.

  •   Kunyudzwa mumvura paunobhabhatidzwa kunoratidza pachena kuti hauchararamiri kuita zvaunoda chete.

  •   Kubudiswa mumvura kunoratidza kuti wava kurarama upenyu hutsva uchiita zvinofadza Mwari

 Paunobhabhatidzwa unoratidza pachena kuti unobvuma kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekutaura kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi, uye kuti wakamuvimbisa kuti ucharamba uchiita zvaanoda kuti uite.

 Zvekufunga nezvazvo: Nei uchifanira kuva nechido chekuratidza pachena kuti uchararama uchiteerera Jehovha kweupenyu hwako hwese? Ona 1 Johani 4:19 uye Zvakazarurwa 4:11.

 Chii chinonzi kuzvitsaurira?

 Usati wabhabhatidzwa, unofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha. Unozviita sei?

 Unonyengetera kuna Jehovha uchimuvimbisa kuti uchamushumira kweupenyu hwako hwese uye kuti uchaita zvaanoda pasinei nezvingaitika kana kuti zvingasarudza kuitwa nevamwe.

 Paunozobhabhatidzwa unenge wava kuratidza pachena kuti wakazvitsaurira. Vamwe vanobva vaziva kuti wakasarudza kuti hauchazviraramiri uye wava waJehovha.—Mateu 16:24.

 Zvekufunga nezvazvo: Nei upenyu hwako huchiita nani paunosarudza kuti wava waJehovha? Ona Isaya 48:17, 18 uye VaHebheru 11:6.

 Nei kubhabhatidzwa kuchikosha?

 Jesu akati vadzidzi vake vaifanira kubhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20) Saka, vaKristu vachiri kufanirawo kubhabhatidzwa. Bhaibheri rinototi munhu anofanira kubhabhatidzwa kuti aponeswe.—1 Petro 3:21.

 Asi unofanira kubhabhatidzwa nekuti unoda Jehovha uye unokoshesa ushamwari hwako naye. Unofanira kuva nemaonero akafanana neemunyori wepisarema uyo akati: “Ndicharipa Jehovha nechii nekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira? . . . Ndichadana zita raJehovha. Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha.”—Pisarema 116:12-14.

 Zvekufunga nezvazvo: Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha, uye ungamuripa sei? Ona Dheuteronomi 10:12, 13 uye VaRoma 12:1.