Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Pfungwa Dzangu Dzirambe Dziri Pachinhu Chimwe Chete?

Ndingaita Sei Kuti Pfungwa Dzangu Dzirambe Dziri Pachinhu Chimwe Chete?

 Chii chinonditadzisa kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete?

 “Mazuva ano, handichaverengi mabhuku sezvandaimboita kare. Kana ndima dzacho dzikareba, ndinobva ndatoneta nazvo.”—Elaine.

 “Kana ndikaona kuti vhidhiyo yandiri kuona iri kundinonokera, ndinobva ndaifambisa kuti ikurumidze kupera.”—Miranda.

 “Kana foni yangu ikarira ndiri pakati pekuita chimwe chinhu chinokosha, ndinenge ndava kungofunga kuti, ‘Ndiani anditumira meseji?’”—Jane.

 Kushandisa zvinhu zvakadai semafoni kunogona kutadzisa munhu kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete here? Vamwe vanoti ichokwadi. Mumwe anopa mazano kumakambani anonzi Nicholas Carr akanyora kuti: “Patinonyanya kushandisa Indaneti, tinoita kuti pfungwa dzedu dzitadze kuramba dziri pachinhu chimwe chete nekuti tinenge tichidzidzidzisa kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete asi dzisiri pane zvinhu izvozvo.” a

 Ndepapi paunogona kutadziswa kuisa pfungwa dzako pachinhu chimwe chete nezvinhu zvakadai semafoni? Ngationei pamwe pacho.

  •   Paunenge uchitaura nemumwe munhu. Mumwe musikana anonzi Maria anoti, “Vanhu pavanenge vachitaura vese, vanenge vachitopindura mameseji pamafoni avo, kutamba magemhu, kana kuti vari paIndaneti. Pfungwa dzavo dzinenge dzisiri pamunhu wavari kutaura naye.”

  •   Paunenge uri mukirasi. Bhuku rinonzi Digital Kids rinoti: “Vana vakawanda vanoti pavanenge vari mukirasi vanoshandisa mafoni avo kutumira mameseji, kuenda paIndaneti, uye kuita zvinhu zvisinei nechikoro.”

  •   Paunenge uchiverenga. Chris ane makore 22 anoti: “Zvakandiomera chaizvo kuti ndisatarisa foni yangu pese painorira.” Kana uri mwana wechikoro, ukabvumira kumbokanganiswa nezvinhu zvakaita semafoni, unogona kupedzisira wava kuita maawa 3 kana kupfuura uchiita homuweki yawaigona kupedza neawa imwe chete.

 Pfungwa inokosha: Kana ukarega zvinhu zvakaita semafoni zvichikukanganisa, zvichakuomera kuisa pfungwa pane zvaunenge uchiita.

Pfungwa kana dzisiri panzvimbo imwe chete dzinenge dzakafanana nebhiza risina kudzidziswa rinoita zvarinoda newe

 Zvaungaita kuti uise pfungwa pachinhu chimwe chete

  •   Paunenge uchitaura nemumwe munhu. Bhaibheri rinoti: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’ (VaFiripi 2:4) Ratidza kuti une hanya nevamwe nekunyatsovateerera pavanenge vachitaura. Nyatsotarisa munhu wacho, uye usarega zvinhu zvakadai semafoni zvichikuvhiringidza.

     “Paunenge uchitaura nemumwe munhu, imbomira kutarisa foni yako. Ratidza kuti unoremekedza munhu wauri kutaura naye nekusaita zvimwe zvinhu.”—Thomas.

     ZANO: Paunenge uchitaura nemumwe munhu, unogona kuisa foni yako paunenge usingaioni. Vamwe vaongorori vanoti paunenge uchitaura nemumwe munhu kana ukangoona foni yako zvinogona kuita kuti usaisa pfungwa pamunhu wauri kutaura naye.

  •   Paunenge uri mukirasi. Bhaibheri rinoti: “Nyatsongwarirai kuti munoteerera sei.” (Ruka 8:18) Saka kana kuchikoro kwenyu muchibvumidzwa kushandisa Indaneti mukirasi, usatarisa mameseji, kutamba magemhu, kana kuenda pasocial media panguva yaunenge uchifanira kuita zvechikoro.

     “Edza kunyatsoteerera paunenge uri mukirasi. Nyora manotsi. Kana zvichiita, gara nechekumberi kuitira kuti usavhiringidzwa nezvakawanda.”—Karen.

     ZANO: Nyora manotsi mubhuku pane kushandisa kombiyuta. Vanoongorora vakaona kuti kunyora mubhuku kunobatsira kuti uise pfungwa pane zvaunenge uchiita uye uzokurumidza kuyeuka zvaunenge wadzidza.

  •   Paunenge uchiverenga. Bhaibheri rinoti: “Wana uchenjeri, wana mwoyo unonzwisisa.” (Zvirevo 4:5) Izvozvo zvinoreva kufungisisa zvaunenge waverenga kwete kungoverenga uchimhanya-mhanya kuti upase bvunzo.

     “Pandinenge ndichiverenga, ndinomboita kuti foni yangu isapinda mameseji kuitira kuti ndiise pfungwa pane zvandinenge ndichiita. Kana ndikayeuka kuti pane chimwe chinhu chandinofanira kuita, ndinochinyora pasi.”—Chris.

     ZANO: Ita kuti paunenge uchiverengera pasava nechimwe chinhu chinogona kukuvhiringidza. Nzvimbo yacho ngaigare yakachena uye zvinhu zvakarongeka.

a Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi The Shallows—What the Internet Is Doing to Our Brains.