Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?

Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?

 Mibvunzo nezvemavideo game

 MuUnited States bhizimisi remavideo game rinounza mabhiriyoni emadhora. Munyika iyi . . .

  1.   Izera ripi rinonyanya kutamba mavideo game?

    1.   18

    2.   30

  2.   Ndevapi vanonyanya kuatamba?

    1.   Pavanhu 100 voga voga 55 varume; 45 vakadzi

    2.   Pavanhu 100 voga voga 15 varume; 85 vakadzi

  3.   Izera ripi rine vakawanda vanotamba?

    1.   Vakadzi vane makore 18 zvichikwira

    2.   Varume vane makore 17 zvichidzika

 Mhinduro (dzatorwa patsvakurudzo yakaitwa muna 2013):

  1.   B.

  2.   A.

  3.   A.

 Nhamba idzi dzinongokuudza nezvezera uye nezvevanhu vanotamba mavideo game asi hadziratidzi zvazvakanakira kana kuti zvazvakaipira kuatamba.

 Zvaakanakira

 Pane zviri kutaurwa pasi apa nezvemavideo game, unobvumirana nezvipi?

  •  “Kuatamba kunonakidza uye kunoita kuti uwirirane nevomumhuri uye neshamwari dzako.”​—Irene.

  •  “Anobatsira kuti umbokanganwa nhamo dzako.”​—Annette.

  •  “Anoita kuti ukurumidze kufunga.”​—Christopher.

  •  “Anoita kuti ugone kugadzirisa matambudziko.”​—Amy.

  •  “Anoita kuti ushandise pfungwa wobva waziva zvokuita.”​—Anthony.

  •  “Mamwe magame anoita kuti muite zvinhu pamwe chete seshamwari.”​—Thomas.

  •  “Mamwe magame anokuitisa maekisesaizi.”​—Jael.

 Unobvumirana here nezvose zvataurwa pamusoro apa? Mavideo game anogona kukubatsira kuti uve noutano hwakanaka uye uwedzere kushandisa pfungwa. Hapana chakaipa nokuatamba kunyange zvazvo mamwe acho ari okungovaraidza nguva uye ‘achibatsira kuti umbokanganwa nhamo dzako’ sokutaura kwaAnnette.

 ● Bhaibheri rinoti “zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo,” kusanganisira nguva yokutamba.​—Muparidzi 3:1-4.

 Zvaakaipira

 Mavideo game ari kukudyira nguva here?

 “Kana ndangotanga kutamba, zvinondiomera kurega. Ndinoramba ndichingoti, ‘rega ndimbotambazve kokupedzisira!’ Ndinozokaruka kwakutoona kuti ko inga nguva zvayafamba ndichingotamba!”​—Annette.

 “Mavideo game anogona kukudyira nguva yakawanda. Unotamba kwemaawa uye wonzwa sokuti pane zvine musoro zvawaita nokuti wahwinha magame 5, nepo chaizvoizvo pasina chawaita.”​—Serena.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana ukarasa mari, unogona kuzowana imwe asi kana iri nguva, kana yaenda yaenda. Chazvinoreva ndechokuti nguva yakakosha kupfuura mari. Ngwarira kuti usatambisa nguva!

 ● Bhaibheri rinoti: ‘Shandisai uchenjeri pamashandisiro amunoita nguva yenyu.’​—VaKorose 4:5.

 Mavideo game ari kukanganisa mafungiro ako here?

 “Mhosva dzaizoita kuti upinzwe mujeri kana kuti utongerwe rufu dziri kuparwa mumavideo game pasina kana kufunga kaviri.”​—Seth.

 “Mumagame akawanda kuti unzi wahwinha unofanira kukunda vavengi vako uye kazhinji kacho unenge uchifanira kuvauraya uchishandisa nzira dzoutsinye.”​—Annette.

 “Dzimwe nguva paunenge uchitamba neshamwari dzako, unogona kutaura mashoko anotyisa okuti waisazoataura kuri kuti hamusi kutamba game. Unogona kutaura mashoko akadai sokuti ‘Uraya’ kana kuti ‘Nhasi ndiri kuda kukuuraya!’”​—Nathan.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Usatambe magame anoda kuti uite zvinovengwa naMwari zvakadai sokurwa, unzenza, uye kuita zvemidzimu.​—VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 5:10; 1 Johani 2:15, 16.

 ● Bhaibheri haringotauri kuti Jehovha anovenga munhu anorwa nevamwe asi rinoti, ‘anovenga munhu wose anofarira zvokurwa.’ (Pisarema 11:5) Kunyange zvazvo mavideo game aunotamba asingarevi kuti ndizvo zvauchazoita, anogona kuratidza kuti uri munhu akaita sei.

 Funga nezveizvi: Bhuku rinonzi Getting to Calm, rinoti “mavideo game okurwa anokanganisa pfungwa dzevana kudarika zvinoitwa neTV nokuti mumavideo game acho vana ndivo vanenge vatori gamba racho. Mavideo game anokudzidzisa zvokuita sezvinongoita ticha mukirasi saka vana pavanotamba magame aya vanenge vachidzidziswa kufarira zvokurwa.”​—Enzanisa naIsaya 2:4.

 Zvaunofanira kuita

 Vana vakawanda vava kugona kutamba magame zviri pakati nepakati. Pane mienzaniso miviri iyi.

 “Ndaisitamba magame kusvikira pakati pousiku, ndichingozviudza kuti: ‘Handiti ndinongoda kurara kwemaawa 5 chete? Rega ndimboti tambei.’ Iye zvino handichadaro. Ndava kuziva kuti hapana chakaipa nokutamba mavideo game asi chinodiwa kusanyanyisa.”​—Joseph.

 “Handichanyanyi kutamba mavideo game, saka ndava nenguva yakawanda yokuita zvimwe zvinhu! Ndava kugona kubatsira vamwe kuti vanzwisise Bhaibheri uye kubatsirawo vandinonamata navo, uye ndakatodzidzawo kuridza piyano. Pane zvakawanda zvaunogona kuita panzvimbo pokutamba mavideo game!”​—David.

 ● Bhaibheri rinoti pazvinhu zvatinoita tinofanira kuziva pokugumira. (1 Timoti 3:2, 11) Izvi zvichaita kuti tiwane nguva yokumboita zvinovaraidza asi tichiziva pokugumira.​—VaEfeso 5:10.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kutamba mavideo game kunonakidza kana uchiziva pokugumira. Saka usaite kuti akudyire nguva yako kana kuti kukutadzisa kuita zvinhu zvinokosha muupenyu. Hazvisi nani here kuti panzvimbo pokupedza nguva uchitamba mavideo game ushandise nguva iyoyo pakuita zvinhu zvinokosha zvichazokubatsira muupenyu?