Tsamba kuvaKorose 3:1-25

  • Unhu hwekare uye unhu hutsva (1-17)

    • Urayai nhengo dzemiviri (5)

    • Rudo, chisungo chakakwana chekubatana (14)

  • Zano kumhuri dzechiKristu (18-25)

3  Asi kana makamutswa pamwe chete naKristu,+ rambai muchitsvaga zvinhu zviri kumusoro, kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.+  Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro,+ kwete pazvinhu zviri panyika.+  Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavanzwa pamwe chete naKristu muri pamwe naMwari.  Kristu, anova ndiye upenyu hwedu,+ paanoratidzwa pachena, imiwo mucharatidzwa pachena pamwe chete naye mukubwinya.+  Saka urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika+ pazvinhu zvakadai seupombwe,* kusachena, chishuwo chisingadzorwi chekuda zvebonde,+ kushuva zvakaipa, uye kuva nemakaro, kunova kunamata zvidhori.  Hasha dzaMwari dziri kuuya pamusana pezvinhu izvi.  Imi maimbozvibatawo saizvozvo* mumararamiro enyu ekare.+  Asi iye zvino munofanira kubvisa pamuri zvese zvinoti: hasha, kutsamwa, uipi,+ kutuka,+ uye kutaura nemiromo yenyu mashoko anonyadzisira.+  Musareverana nhema.+ Pfekenurai unhu hwekare*+ nemabasa ahwo, 10  mupfeke unhu hutsva,+ huri kuitwa hutsva kuburikidza neruzivo rwakarurama maererano nemufananidzo weuya akahusika,+ 11  pasina kuti kune muGiriki kana muJudha, kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa, mutorwa, muSitiya,* muranda, kana munhu akasununguka; asi Kristu ndiye zvinhu zvese uye ari mavari vese.+ 12  Saka sevanhu vaMwari vakasarudzwa,+ vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rwakadzama muchinzwirana tsitsi,+ mutsa, kuzvininipisa,*+ unyoro,+ nemwoyo murefu.+ 13  Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese*+ kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.+ Sezvo Jehovha* akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.+ 14  Asi kuwedzera pazvinhu izvi, pfekai rudo,+ nekuti irwo chisungo chakakwana chekubatana.+ 15  Uyewo, rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo menyu,+ nekuti makashevedzerwa rugare irworwo mumuviri mumwe chete. Uye ratidzai kuti muri vanhu vanoonga. 16  Shoko raKristu ngarinyatsogara mamuri muuchenjeri hwese. Rambai muchidzidzisana uye muchikurudzirana* nemapisarema,+ nenziyo dzekurumbidza Mwari, nenziyo dzemweya dzinoimbwa muchionga, muchiimbira Jehovha* mumwoyo menyu.+ 17  Zvese zvamunotaura kana kuita, zviitei zvese muzita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba nekwaari.+ 18  Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu,+ sezvo zviri izvo zvakakodzera munaShe. 19  Imi varume, rambai muchida madzimai enyu+ uye musaashatirirwa.*+ 20  Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese,+ nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru. 21  Imi vanababa, musashungurudza* vana venyu,+ kuti varege kuora mwoyo. 22  Imi varanda, teererai vanatenzi venyu panyama nguva dzese,+ kwete chete pavanenge vachikuonai, muchingoitira kufadza vanhu, asi nemwoyo wese, muchitya Jehovha.* 23  Zvese zvamunoita, zviitei nemweya* wese sekunge muri kuitira Jehovha,*+ kwete vanhu, 24  nekuti munoziva kuti Jehovha* ndiye achakupai nhaka semubayiro.+ Shandirai Tenzi, iye Kristu. 25  Uya anoita zvakaipa achatowana mubayiro wake wezvakaipa zvaakaita,+ uye hapana rusarura.+

Mashoko Emuzasi

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Aya ndiwo mafambiro amaimboitawo.”
ChiGir., “munhu wekare.”
Shoko rekuti “muSitiya” raishandiswa kuvanhu vaionekwa sevakasaririra.
Kana kuti “kuzvirereka.”
Kana kuti “muchingoregererana.”
Kana kuti “muchirayirana.”
Kana kuti “musaabata nehasha.”
Kana kuti “musatsamwisa.”