Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?

Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kubhabhatidzwa kunyatsonyudzwa mumvura. a Bhaibheri rinotiudza nezvevanhu vakawanda vakabhabhatidzwa. (Mabasa 2:41) Mumwe wacho ndiJesu, uyo akabhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani. (Mateu 3:13, 16) Makore akazotevera, mumwe murume wekuItiopiya akabhabhatidzwa ‘mumvura zhinji’ yaiva parutivi pemugwagwa waaifamba nawo.—Mabasa 8:36-40.

 Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake vanofanira kubhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20) Muapostora Petro akatsigirawo dzidziso iyoyo.—1 Petro 3:21.

Zviri munyaya ino

 Kubhabhatidzwa kunorevei?

 Munhu paanobhabhatidzwa anenge achiratidza vanhu kuti akapfidza zvivi zvake uye kuti akavimbisa Mwari kuti achamuteerera chero zvodii. Izvi zvinorevawo kuti anenge ava kuteerera Mwari naJesu pazvese zvaanoita muupenyu hwake. Vanhu pavanobhabhatidzwa vanenge vatanga kufamba munzira inovasvitsa kuupenyu husingaperi.

 Kunyudzwa mumvura kunomiririra kuti munhu anenge achinja mararamiro ake. Nei tichidaro? Bhaibheri rinofananidza kubhabhatidzwa nekuvigwa kunoitwa munhu anenge afa. (VaRoma 6:4; VaKorose 2:12) Munhu paanonyudzwa mumvura anenge achiratidza kuti afa pamararamiro aaiita. Paanobuda mumvura anenge atanga upenyu hutsva semuKristu akazvitsaurira.

 Bhaibheri rinodzidzisa kuti vana vacheche vanofanira kubhabhatidzwa here?

 Kwete, haridzidzisi izvozvo. Mamwe machechi anobhabhatidza vana vacheche achiita zvekuvamwaya kana kuvadira mvura mumusoro uye vanovapa mazita pazviitiko izvozvo.

 Dzidziso yekubhabhatidza vana vacheche haiwanike muBhaibheri. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kana munhu achida kubhabhatidzwa, ane zvaanofanira kutanga aita. Anofanira kunge ava kunzwisisa dzimwe dzidziso dzinokosha dziri muShoko raMwari uye ava kurarama maererano nadzo. Anenge atopfidza zvivi zvake uye anyengetera kuna Mwari achimuvimbisa kuti achamuteerera nekusingaperi. (Mabasa 2:38, 41; 8:12) Vana vacheche havagone kuita zvese izvi.

 Zvinorevei kubhabhatidzwa muzita raBaba, reMwanakomana uye remweya mutsvene?

 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Mashoko ekuti “muzita ra. . . ” anoreva kuti munhu anenge achibhabhatidzwa anobvuma chinzvimbo nesimba zvina Baba neMwanakomana uyewo basa remweya mutsvene waMwari. Semuenzaniso, muapostora Petro akaudza mumwe murume akaberekwa akaremara kuti: “Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe!” (Mabasa 3:6) Mashoko aya anoratidza kuti Petro ainzwisisa uye aibvuma simba rina Kristu uye akatoti Kristu ndiye akaporesa murume wacho.

  •   “Baba” ndiJehovha b Mwari. Jehovha ndiye ane simba risingagumi nekuti ndiye Musiki, Mupi Weupenyu, uye Mwari Wemasimbaose.—Genesisi 17:1; Zvakazarurwa 4:11.

  •   “Mwanakomana” ndiJesu Kristu uyo akatifira. (VaRoma 6:23) Kana tikasanzwisisa uye kubvuma basa rinokosha raJesu pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari chaakasikira vanhu, hatigoni kuponeswa.—Johani 14:6; 20:31; Mabasa 4:8-12.

  •   “Mweya mutsvene” isimba raMwari raanoshandisa. c Mwari akashandisa mweya wake mutsvene kusika zvinhu, kupa upenyu, kusvitsa mashoko ake kuvaprofita vake nevamwewo vanhu, uye kupa vanhu vake simba rekuti vaite zvaaida. (Genesisi 1:2; Jobho 33:4; VaRoma 15:18, 19) Mwari akashandisawo mweya mutsvene kufemera vanyori veBhaibheri kuti vanyore pfungwa dzake.—2 Petro 1:21.

 Kubhabhatidzwa kanopfuura kamwe chete chivi here?

 Vanhu vakawanda vanochinja zvitendero zvavo. Asi ko kana vakambobhabhatidzwa mumachechi avaipinda vanenge vachiita chivi here kana vakabhabhatidzwa zvakare? Vamwe vanoti hungu, zvimwe vachizvitorera pana VaEfeso 4:5 iyo inoti: “Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete.” Asi vhesi iyi hairevi kuti munhu haagoni kubhabhatidzwa zvakare. Nei tichidaro?

 Mashoko akapoteredza vhesi yacho. Chitsauko 4 chaVaEfeso chinoratidza kuti muapostora Pauro akasimbisa pfungwa yekuti vaKristu vechokwadi vanofanira kuva nekutenda kwakafanana. (VaEfeso 4:1-3, 16) ) Izvi zvaizongoitika chete kana vachitevera Ishe mumwe chete, Jesu Kristu; vaine kutenda kumwe chete kana kuti vachinzwisisa dzidziso dzeBhaibheri zvakafanana; uye vaine manzwisisiro mamwe chete anotaurwa muBhaibheri ezvinotarisirwa kuti munhu azobhabhatidzwa.

 Muapostora Pauro akakurudzira vamwe vakanga vatombobhabhatidzwa kuti vabhabhatidzwe zvakare. Izvi akazviita nekuti vakanga vambobhabhatidzwa vasati vava kunyatsonzwisisa dzidziso dzechiKristu.—Mabasa 19:1-5.

 Kubhabhatidzwa kunogamuchirwa naMwari. Kuti kubhabhatidzwa kugamuchirwe naMwari, munhu anofanira kunge achiziva chokwadi chiri muBhaibheri. (1 Timoti 2:3, 4) Kana munhu akabhabhatidzwa asi achitevedzera dzidziso dzezvitendero dzinopesana neBhaibheri, Mwari haagamuchiri kubhabhatidzwa kwakadaro. (Johani 4:23, 24) Munhu wacho anogona kunge akaita nemwoyo wese, asi haana kubhabhatidzwa ‘achinyatsoziva Mwari zvakarurama.’ (VaRoma 10:2) Kuti afarirwe naMwari, anofanira kudzidza chokwadi chiri muBhaibheri, oita zvaanenge adzidza, onyengetera kuna Mwari achimuvimbisa kuti achamuteerera nekusingaperi obva azobhabhatidzwa zvakare. Pakadai anenge asina kuita chivi. Ndizvo chaizvo zvaanenge achifanira kutoita.

 Kumwe kubhabhatidzwa kunotaurwa muBhaibheri

 Bhaibheri rinotaura nezvekumwe kubhabhatidzwa kwakasiyana nekunyudzwa mumvura kunoitwa vateveri vaKristu. Ngatimboonai mimwe mienzaniso yacho

 Kubhabhatidza kwaiitwa naJohani Mubhabhatidzi. d VaJudha nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vakabhabhatidzwa naJohani vachiratidza kupfidza zvivi zvavakanga vaita vachityora Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari achishandisa Mozisi. Kubhabhatidza kwaiitwa naJohani kwakabatsira vanhu kuti vakwanise kuziva uye vagadzirire kugamuchira Mesiya, Jesu wekuNazareta.—Ruka 1:13-17; 3:2, 3; Mabasa 19:4.

 Kubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu. Kubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu naJohani Mubhabhatidzi kwakasiyana nekumwe kwese. Jesu akanga asina chivi uye haana kumbobvira atadza. (1 Petro 2:21, 22) Saka kubhabhatidzwa kwake kwaisareva kuti akanga apfidza kana kuti akanga ari ‘kukumbira hana yakanaka kuna Mwari.’ (1 Petro 3:21) Asi kwairatidza kuti aida kuita kuda kwaMwari saMesiya, kana kuti Kristu akanga agara ataurwa. Izvi zvaisanganisira kutifira.—VaHebheru 10:7-10.

 Kubhabhatidzwa nemweya mutsvene. Johani Mubhabhatidzi naJesu Kristu vakataura nezvekubhabhatidzwa nemweya mutsvene. (Mateu 3:11; Ruka 3:16; Mabasa 1:1-5) Kubhabhatidzwa ikoko kwakasiyana nekubhabhatidzwa muzita remweya mutsvene. (Mateu 28:19) Nei tichidaro?

 Vateveri vashoma chete vaJesu ndivo vanobhabhatidzwa nemweya mutsvene. Vateveri ivavo vakazodzwa nemweya mutsvene nekuti vanoenda kudenga kuti vanoshumira naKristu semadzimambo uye vapristi vachitonga nyika. e (1 Petro 1:3, 4; Zvakazarurwa 5:9, 10) Vachange vachitonga mamiriyoni evateveri vaJesu avo vane tariro yekurarama nekusingaperi muParadhiso panyika.—Mateu 5:5; Ruka 23:43.

 Kubhabhatidzwa muna Kristu Jesu uye murufu rwake. Vaya vanobhabhatidzwa nemweya mutsvene, ‘vanobhabhatidzwawo muna Kristu Jesu.’ (VaRoma 6:3) Saka vateveri vaJesu vakazodzwa, avo vachatonga naye kudenga ndivo vanobhabhatidzwa nenzira iyi. Pavanobhabhatidzwa muna Jesu, vanobva vava nhengo dzeungano yake yevakazodzwa. Iye ndiye Musoro, uye ivo muviri.—1 VaKorinde 12:12, 13, 27; VaKorose 1:18.

 VaKristu vakazodzwa ‘vanobhabhatidzwawo murufu rwaJesu.’ (VaRoma 6:3, 4) Vachitevedzera Jesu, vanoisa pfungwa pakuteerera Mwari muupenyu hwavo pane kuda kuzvifadza uyewo vanoziva kuti tariro yavo haisi yekurarama nekusingaperi panyika. Vanopedzisa kubhabhatidzwa uku kwekufananidzira pavanofa vobva vamutsirwa kudenga sezvisikwa zvemweya.—VaRoma 6:5; 1 VaKorinde 15:42-44.

 Kubhabhatidzwa nemoto. Johani Mubhabhatidzi akaudza vanhu vaimuteerera kuti: “Iyeye [Jesu] achakubhabhatidzai nemweya mutsvene uye nemoto. Mudziyo wake wekuurutsisa uri muruoko rwake, uye achanyatsochenesa buriro rake, ounganidza gorosi rake achiisa mudura, asi achapisa hundi nemoto usingagoni kudzimwa.” (Mateu 3:11, 12) Ona kuti kubhabhatidzwa nemoto kwakasiyana nekubhabhatidzwa nemweya mutsvene. Johani airevei nemufananidzo uyu?

 Gorosi rinomiririra vaya vachanzwa zvinotaurwa naJesu, vomuteerera. Vanhu ivavo vanogona kubhabhatidzwa nemweya mutsvene. Hundi inomiririra vaya vasingateereri Jesu. Mugumo wavo uchava kubhabhatidzwa nemoto, izvo zvinoreva kuti vachaparadzwa nekusingaperi.—Mateu 3:7-12; Ruka 3:16, 17.

a Maererano neduramanzwi rinonzi Vine’s Complete Expository Dictionary of Old and New Testament Words, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kubhabhatidzwa” rinoreva “kunyatsonyudzwa mumvura uye kubuda mumvura.”

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?

c Ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?

d Ona nyaya yakanzi “Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?

e Ona nyaya yakanzi “Ndivanaani Vanoenda Kudenga?

f Bhaibheri rinoshandisawo shoko rekuti ‘kubhabhatidza’ richitaura nezvedzimwe nzira dzekuchenesa zvinhu zvaishandiswa pakunamata, dzakadai sekudira mvura pamidziyo. (Mako 7:4; VaHebheru 9:10) Kubhabhatidzwa kuri kutaurwa apa kwakasiyana nekunyatsonyudzwa mumvura kwakaitwa Jesu nevateveri vake.