Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 12:1-44

  • Mufananidzo wevarimi vakaponda vanhu vaitumwa (1-12)

  • Mwari naKesari (13-17)

  • Mubvunzo pamusoro perumuko (18-27)

  • Mirayiro miviri mikuru kune mimwe yese (28-34)

  • Kristu mwanakomana waDhavhidhi here? (35-37a)

  • Kunyeverwa nezvevanyori (37b-40)

  • Tumari twuviri twechirikadzi murombo (41-44)

12  Akabva atanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaupoteredza neruzhowa,*+ akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe; akabva ausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika.+  Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti anotora michero yemunda wacho wemizambiringa kwavari.  Asi vakamubata, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.  Akatumazve mumwe muranda kwavari, uye iyeye vakamurova musoro, vakamuzvidza.+  Akatuma mumwe, vakamuuraya, nevamwezve vakawanda, vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho.  Pakanga pasara mumwe chete, mwanakomana wake anodiwa.+ Akatuma iyeye pekupedzisira, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’  Asi varimi ivavo vakarangana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai timuuraye, nhaka yova yedu.’  Saka vakamubata, vakamuuraya, vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa.+  Muridzi wemunda wemizambiringa achaita sei? Achauya ouraya varimi vacho, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.+ 10  Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu: ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona.*+ 11  Iri rakabva kuna Jehovha,* uye rinoshamisa mumaziso edu’?”+ 12  Paakataura izvi, vaida kumubata,* asi vakatya vanhu, nekuti vaiziva kuti akataura mufananidzo wacho achifunga nezvavo. Saka vakamusiya, vakaenda.+ 13  Vakazomutumira vamwe vaFarisi nevateveri vebato raHerodhi, kuti vamuwanire mhosva pamashoko ake.+ 14  Pavakasvika vakati kwaari: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura chokwadi uye hamutsvagi kufadza munhu, nekuti hamutarisi zvakaita munhu nechekunze, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi. Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete? 15  Tinofanira kutera here, kana kuti hatifaniri?” Achiona unyengeri hwavo, akati kwavari: “Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari* ndione.” 16  Vakauya naro, uye akati kwavari: “Mufananidzo uyu nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Ivo vakati kwaari: “NdezvaKesari.” 17  Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari+ kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Vakashamiswa nazvo. 18  VaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya, vakamubvunza kuti:+ 19  “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana murume akafa achisiya mudzimai wake asina mwana, munin’ina wake anofanira kutora mudzimai wacho oberekera mukoma wake vana naye.+ 20  Kwaiva nevatevedzani vanomwe. Wekutanga akaroora mudzimai, asi akafa asina mwana. 21  Wechipiri akatora mudzimai wacho, asi akafa asina mwana, uye izvozvo ndizvo zvakaitikawo kune wechitatu. 22  Vese vari vanomwe vakafa vasina mwana. Uye mukadzi wacho akazofawo. 23  Parumuko achange ari mudzimai weupi wavo sezvo vese vari vanomwe vakambomuroora?” 24  Jesu akati kwavari: “Apa handipo pamakarasika here, pamusana pekusaziva kwenyu Magwaro kana simba raMwari?+ 25  Nekuti pavanomuka kuvakafa, varume havaroori uye vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kudenga.+ 26  Asi nezvekuti vakafa vachamutswa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, munyaya yegwenzi reminzwa, kuti Mwari akati kwaari: ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ 27  Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. Makarasika chaizvo.”+ 28  Mumwe munyori uyo akanga asvika ndokuvanzwa vachiita nharo, akaona kuti akanga avapindura zvakanaka, akamubvunza kuti: “Ndeupi murayiro wekutanga* pane yese?”+ 29  Jesu akapindura kuti: “Wekutanga ndeuyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha* Mwari wedu ndiJehovha* mumwe chete, 30  uye ida Jehovha* Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.’+ 31  Wechipiri ndeuyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.” 32  Munyori wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka uye mataura zvinoenderana nechokwadi chekuti, ‘Iye ndiye mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze kwake’;+ 33  uye kumuda nemwoyo wako wese, nekunzwisisa kwako kwese, nesimba rako rese uye kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura mipiro yese nezvibayiro zvese zvinopiswa.”+ 34  Jesu paakaona kuti apindura neungwaru, akati kwaari: “Hausi kure neUmambo hwaMwari.” Asi hapana munhu akanga achiine ushingi hwekumubvunzazve.+ 35  Asi Jesu paaidzidzisa mutemberi akati: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36  Achitungamirirwa nemweya mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37  Kana Dhavhidhi pachake achimuti Ishe, anozova mwanakomana wake pakudii?”+ Vanhu vakawanda vakanga vachimuteerera vachifara. 38  Uye akaenderera mberi achidzidzisa achiti: “Chenjererai vanyori vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika+ 39  uye vanoda zvigaro zvepamberi* mumasinagogi uye kugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru.+ 40  Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu yekuda kuonekwa nevanhu. Ava vachawana mutongo wakaomarara kupfuura vamwe vese.” 41  Akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yekuisira mari,+ akatanga kucherechedza vanhu vachikanda mari mumidziyo yekuisira mari, uye vanhu vazhinji vakapfuma vaikanda mari yakawanda.+ 42  Imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikakanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha.*+ 43  Saka akashevedza vadzidzi vake, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura vamwe vese vaisa mari mumidziyo yekuisira mari.+ 44  Nekuti vese vakanda vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, akanda yese yaanga ainayo, yese yaizomuraramisa.”+

Mashoko Emuzasi

Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.
ChiGir., “musoro wekona.”
Kana kuti “kumusunga.”
Kana kuti “Zvakarurama.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
Kana kuti “unokosha.”
Kana kuti “zvakanakisisa.”
ChiGir., “mareputoni maviri, ayo akaenzana nekwadrani.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.