Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 6:1-71

  • Jesu anopa vanhu 5 000 zvekudya (1-15)

  • Jesu anofamba pamusoro pemvura (16-21)

  • Jesu, “chingwa cheupenyu” (22-59)

  • Vakawanda vanogumburwa nemashoko aJesu (60-71)

6  Jesu akazoenda mhiri kweGungwa reGarireya, kana kuti reTibheriyasi.+  Uye vanhu vakawandisa vairamba vachimutevera,+ nekuti vaiona zvishamiso zvaaiita achiporesa vairwara.+  Saka Jesu akakwira mugomo, ndokugara pasi nevadzidzi vake.  Mutambo wevaJudha wePaseka+ wakanga waswedera.  Jesu paakasimudza maziso ake ndokuona kuti kwaiva nevanhu vakawandisa vaiuya kwaari, akati kuna Firipi: “Tichatenga kupi chingwa chekuti vanhu ava vadye?”+  Asi aitaura izvi kuti amuedze, nekuti aiziva zvaakanga ava kuda kuita.  Firipi akamupindura kuti: “Chingwa chemadhinari* 200 hachikwani kuti mumwe nemumwe awane kunyange chidikidiki.”  Mumwe wevadzidzi vake, Andreya munin’ina waSimoni Petro, akati kwaari:  “Pane kakomana aka kane zvingwa zvebhari zvishanu netuhove tuviri. Asi panei chiripo ipapa nekuwanda kwakaita vanhu uku?”+ 10  Jesu akati: “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Sezvo paiva neuswa hwakawanda panzvimbo iyoyo, vakagara pasi. Paiva nevarume vaigona kusvika 5 000.+ 11  Jesu akatora chingwa, akaonga, ndokuchipa vanhu vakanga vakagara pasi; akaitawo izvozvo netuhove twuya, uye vakadya vakaguta. 12  Asi pavakanga vaguta, akati kuvadzidzi vake: “Unganidzai zvasara, kuti parege kuva nezvinopambadzwa.” 13  Saka vakazviunganidza, vakazadza tswanda 12 nezvakanga zvasiyiwa nevanhu vakadya zvingwa zviya zvishanu zvebhari. 14  Vanhu pavakaona chiratidzo chaakaita, vakatanga kuti: “Zvechokwadi uyu ndiye Muprofita aitarisirwa kuuya munyika.”+ 15  Jesu paakaziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabva aenda+ zvakare mugomo ari ega.+ 16  Ava manheru, vadzidzi vake vakaenda kugungwa,+ 17  uye vakakwira chikepe ndokuyambuka gungwa vachienda kuKapenaume. Pari zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati auya kwavari.+ 18  Uyewo, gungwa rakanga rava kuita masaisai aityisa nekuti kwaiva nemhepo ine simba.+ 19  Asi pavakanga vafamba makiromita angasvika 5 kana 6,* vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiswedera pedyo nechikepe, vakatya. 20  Asi iye akati kwavari: “Ndini; musatya!”+ 21  Saka vakabva vamukwidza muchikepe, uye chikepe chakasvika munguva pfupi kwavaienda.+ 22  Mangwana acho, vanhu vaya vakasara mhiri kwegungwa vakaona kuti pakanga pangosara chikepe chimwe chete chidiki, uye kuti Jesu akanga asina kuenda nechikepe nevadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda vega. 23  Zvisinei, zvikepe zvaibva kuTibheriyasi zvakasvika pedyo nepaya pavakadyira chingwa pashure pekunge Ishe aonga. 24  Saka vanhu pavakaona kuti Jesu nevadzidzi vake vakanga vasisipo, vakakwira zvikepe zvacho vakasvika kuKapenaume kuti vatsvage Jesu. 25  Pavakamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: “Rabhi,+ masvika kuno riini?” 26  Jesu akavapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, hamusi kunditsvaga nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya chingwa mukaguta.+ 27  Musashandira zvekudya zvinoparara, asi shandirai zvekudya zvinoramba zviripo kweupenyu husingaperi,+ zvamuchapiwa neMwanakomana wemunhu; nekuti Baba, iye Mwari pachake, vakaisa paari chisimbiso chavo chekuratidza kufadzwa kwavo naye.”+ 28  Saka vakati kwaari: “Tinofanira kuita sei kuti tiite mabasa aMwari?” 29  Jesu akavapindura achiti: “Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende muna iye waakatuma.”+ 30  Vakabva vati kwaari: “Muri kuita chiratidzo chipi,+ kuti tichione titende mamuri? Muri kuita basa rei? 31  Madzitateguru edu akadya mana murenje,+ sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”+ 32  Jesu akabva ati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. 33  Nekuti chingwa chaMwari ndiye uya anoburuka achibva kudenga opa upenyu kunyika.” 34  Saka vakati kwaari: “Ishe, garai muchitipa chingwa ichi.” 35  Jesu akati kwavari: “Ndini chingwa cheupenyu. Wese anouya kwandiri haazombonzwi nzara, uye wese anotenda mandiri haazombonzwi nyota.+ 36  Asi sezvandakakuudzai, makatondiona asi hamutendi.+ 37  Vese vandinopiwa naBaba vachauya kwandiri, uye handizombodzingi munhu anouya kwandiri;+ 38  nekuti ndakabva kudenga+ kuzoita kuda kwaiye akandituma, kwete kuda kwangu.+ 39  Uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa nemumwe chete pavese vaakandipa, asi kuti ndinofanira kuvamutsa+ pazuva rekupedzisira. 40  Nekuti uku ndiko kuda kwaBaba vangu, kuti munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari ave neupenyu husingaperi,+ uye ini ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira.” 41  VaJudha vakabva vatanga kunyunyuta nezvake nekuti akanga ati: “Ndini chingwa chakabva kudenga.”+ 42  Uye vakatanga kuti: “Uyu haasi Jesu here mwanakomana waJosefa, ana baba naamai vatinoziva?+ Saka sei ava kuti, ‘Ndakabva kudenga’?” 43  Jesu akavapindura achiti: “Regai kunyunyuta. 44  Hapana munhu angauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasina kumuunza kwandiri,*+ uye ini ndichamumutsa pazuva rekupedzisira.+ 45  Muzvinyorwa zveVaprofita makanzi: ‘Vese vachadzidziswa naJehovha.’*+ Munhu wese anoteerera Baba odzidza, anouya kwandiri. 46  Hakusi kuti pane munhu akamboona Baba,+ kunze kweuya akabva kuna Mwari; iyeyu ndiye akaona Baba.+ 47  Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, wese anotenda ane upenyu husingaperi.+ 48  “Ndini chingwa cheupenyu.+ 49  Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi akafa.+ 50  Ichi ndicho chingwa chinobva kudenga, kuti munhu anoda achidye orega kufa. 51  Ndini chingwa chipenyu chakabva kudenga. Kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi; uye chokwadi ndechekuti chingwa chandichapa inyama yangu kuti nyika iwane upenyu.”+ 52  VaJudha vakabva vatanga kuitisana nharo, vachiti: “Munhu uyu angati sei anotipa nyama yake kuti tidye?” 53  Saka Jesu akati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana mukasadya nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.+ 54  Wese anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira; 55  nekuti nyama yangu kudya kwechokwadi uye ropa rangu chinwiwa chechokwadi. 56  Wese anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu anoramba ari pamwe neni, neni ndiri pamwe naye.+ 57  Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nekuda kwaBaba, uya anondidya achararamawo nekuda kwangu.+ 58  Ichi ndicho chingwa chakabva kudenga. Hazvina kuita sepaya pakadya madzitateguru enyu asi akafa. Wese anodya chingwa ichi achararama nekusingaperi.”+ 59  Akataura zvinhu izvi paakanga achidzidzisa mune rimwe sinagogi* muKapenaume. 60  Vakawanda vevadzidzi vake pavakanzwa izvi, vakati: “Mashoko aya anotyisa; ndiani angateerera zvakadaro?” 61  Asi Jesu, achiziva kuti vadzidzi vake vakanga vachinyunyuta nezvazvo, akati kwavari: “Zvakugumburai here? 62  Ko zvino mukazoona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga muchaita sei?+ 63  Mweya ndiwo unopa upenyu;+ nyama haina kana zvainobatsira. Mashoko andakuudzai ndeemweya uye anopa upenyu.+ 64  Asi pane vamwe venyu vasingatendi.” Nekuti Jesu aiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomutengesa.+ 65  Akaenderera mberi achiti: “Ndokusaka ndati kwamuri, hapana angauya kwandiri kana asina kubvumirwa naBaba.”+ 66  Nekuda kweizvi, vadzidzi vake vakawanda vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya+ uye vakanga vasingachafambizve naye. 67  Saka Jesu akati kune vane Gumi Nevaviri: “Ko imi hamudiwo kuenda?” 68  Simoni Petro akamupindura kuti: “Ishe, tingaenda kuna ani?+ Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.+ 69  Takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”+ 70  Jesu akavapindura kuti: “Handiti ndakakusarudzai imi vane gumi nevaviri?+ Asi mumwe wenyu ndidhiyabhorosi.”*+ 71  Akanga achitotaura nezvaJudhasi mwanakomana waSimoni Iskariyoti, nekuti iyeyu akanga achizomutengesa, kunyange zvazvo aiva mumwe wevane Gumi Nevaviri.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “masitadhiya 25 kana 30.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “kumukwevera kwandiri.”
Kana kuti “pakanga pakaungana vanhu.”
Shoko rechiGiriki rekuti “dhiyabhorosi” rinoreva munhu anosvibisa zita remumwe.