Enda pane zvauri kuda

Mhuri

Uri kutadza kunzwanana nevabereki vako here? Zviri kukuomera kuwirirana nevamwe vana vemumba menyu here? Bhaibheri rinogona kukubatsira panyaya idzi nedzimwewo dzinobata-bata mhuri.

Relationship With Parents

Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nevabereki Vangu?

Verenga unzwe mazano 5 anogona kukubatsira kuti musanyanya kunetsana.

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

Zvinogona kutokubatsira kupfuura zvaungafunga.

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?

Ungaita sei kana uchinzwa kuti hausi kuda kutaura nevabereki vako?

Ndingataura Sei Nevabereki Vangu Nezvemitemo Yavanondipa?

Dzidza kutaura nevabereki vako zvakanaka. Kana ukadaro vabereki vako vachakunzwisisa.

Pamba Panombofanira Kuva Nemitemo Here?

Uri kutambudzika nemitemo yepamba yakaiswa nevabereki vako here? Heano mazano anogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka.

Kufunga Nezvemitemo

Funga nezvemitemo yauri kuona ichikuomera kuteerera.

Ndinofanira Kutaura Nevabereki Vangu Sei?

Mazano aya anogona kukubatsira pakutaura nevabereki vako.

Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu, Ndoita Sei?

Haukwanise kuchinja zvinenge zvaitika, asi unogona kuita kuti zvinhu zvisawedzere kuipa. Nyaya ino icharatidza kuti ungazviita sei.

Ndingaita Sei Kuti Vabereki Vangu Vavimbe Neni?

Zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsira kuti uwedzere kupiwa rusununguko.

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakati Wedzerei?

Iwewe unoona sekuti wava kufanirawo kubatwa semunhu akura, asi vabereki vako vangasabvumirana nazvo. Zvii zvaungaita kuti vavimbe newe?

Nei Vabereki Vangu Vasingandipiwo Nguva Yokumbofara?

Ndinofanira kusvova kuti ndiende kunofara nevamwe here, kana kuti ndinofanira kutanga ndaudza vabereki vangu?

Ko Kana Mubereki Wangu Achirwara?

Hausi iwe wega wechiduku ari kusangana nedambudziko rakadaro. Inzwa zvakabatsirawo vechiduku vaviri kutsungirira dambudziko racho.

Mubereki Paanenge Achirwara

Pepa iri rinogona kukubatsira pakuchengeta mubereki anenge achirwara​—nepakuzvichengetawo iwewe wacho.

Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vava Kuda Kurambana?

Ungaita sei kuti usaramba uchishushikana uye uine chigumbu?

Home Life

Nei Ndichifanira Kuita Kuti Tiwirirane Nevana Vemumba Medu?

Unovada, asi dzimwe nguva vanombokusvota zvekusvota zviya.

Kuwirirana Nevana Vemumba Medu

Shandisa pepa rino rezvandakaronga kuita kuti uone, ufungisise uye ugadzirise zvinetso pakati pako nemumwe mwana wemumba menyu.

Ndingaita Sei Kuti Ndisaongororwa Zvese Zvese Zvandinoita?

Unoona sekuti vabereki vako vanoda kungoziva zvese zvese nezvisinei navo here? Pane zvaungaita here kuti usafunga kudaro?

Ungaita Sei Kana Vamwe Vachida Kungoongorora Zvese Zvaunoita?

Ona kuti zvii zvaungaita kuti vabereki vako vawedzere kuvimba newe.

Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?

Zvii zvaunofanira kutanga wafunga usati wasarudza kunogara wega?

Paunenge Wava Kufanira Kudzoka Kumba

Wakambobva here pamba uchiedza kuzviraramira asi ndokuzoomerwa neupenyu? Shandisa mazano aya kuti ukwanise kuzviriritira zvakare.