Mapisarema 65:1-13

  • Kuchengeta nyika kunoitwa naMwari

    • “Munzwi wemunyengetero” (2)

    • “Anofara munhu wamunosarudza” (4)

    • Zvinhu zvakawanda zvinoratidza kunaka kwaMwari (11)

Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. 65  Kurumbidzwa kwakakumirirai muZiyoni, haiwa Mwari;+Ticharipa mhiko dzedu kwamuri.+   Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.+   Zvitadzo zvangu zvandipedza simba,+Asi imi munofukidza kudarika kwedu.+   Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyoKuti agare muzvivanze zvenyu.+ Tichagutswa nekunaka kweimba yenyu,+Temberi yenyu tsvene.*+   Muchatipindura nemabasa enyu anoshamisa+ ekururama,Haiwa Mwari weruponeso rwedu;Vanhu vese vepanyika vanovimba nemi+Nevaya vari kure mhiri kwemakungwa.   Makasimbisa makomo nesimba renyu;Makapfeka simba guru.+   Munodzikamisa hasha dzegungwa,+Kurovera kunoita masaisai aro uye nyonganyonga yemarudzi.+   Vanogara kure kure vachashamiswa nezviratidzo zvenyu;+Muchaita kuti vaya vanogara kumabvazuva nekumavirira vapembere nemufaro.   Munochengeta nyika,Muchiita kuti ibereke zvakawanda* uye kuti ipfume.+ Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura;Munoita kuti vawane zviyo,*+Nekuti ndiwo magadziriro amakaita nyika. 10  Munozadza miforo yayo nemvura, moenzanisa ivhu rayo rakarimwa;Munoipfavisa nemvura inopfunha; munokomborera zvinokura pairi.+ 11  Munopedzisa gore nekuripfekedza korona yekunaka kwenyu;Makwara enyu anofashukira nezvinhu zvakawanda.*+ 12  Mafuro emusango anoramba achidonha mvura,+Uye zvikomo zvakapfekedzwa mufaro.+ 13  Mafuro akazara nezvipfuwo,Uye mapani akafukidzwa nezviyo.+ Zvinopemberera zvichifara, chokwadi, zvinoimba.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nzvimbo yenyu tsvene.”
ChiHeb., “muchiita kuti ifashukire.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “anoyerera nemafuta.”