Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Pane Zvarinotaura Here Nezvekuroorana Kwengochani?

Bhaibheri Pane Zvarinotaura Here Nezvekuroorana Kwengochani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Musiki wedu ane mitemo ine chokuita nokuroorana yaakagadza kare-kare hurumende dzisati dzisati dzagadzawo yadzo. Bhuku rokutanga muBhaibheri rinotiudza kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:​24) Shoko rechiHebheru rinoreva kuti “mudzimai,” maererano neduramanzwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Biblical Words rinoreva “munhukadzi.” Jesu akasimbisa kuti vaya vanobatanidzwa muwanano vanofanira kunge vari “munhurume nomunhukadzi.”​—Mateu 19:4.

 Ndokusaka Mwari akati wanano inofanira kuva youpenyu hwose, mubatanidzwa wemurume nomudzimai vanodanana. Varume nemadzimai vakasikwa nenzira inoita kuti vararame pamwe chete vachifara uye vachifadzana pabonde uye vachibereka vana.