Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvine Mitemo Here Panyaya Dzekupfimbana?

Zvapupu zvaJehovha Zvine Mitemo Here Panyaya Dzekupfimbana?

 Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinofadza Mwari uye zvakatinakira. (Isaya 48:17, 18) Hatisi isu takanyora zviri muBhaibheri, asi tinotorarama tichizvitevedzera. Ona kuti zvimwe zvarinotaura zvinobatsira sei panyaya dzekupfimbana. a

  •   Kuroorana kubatanidzwa kwevanhu vaviri kweupenyu hwese. (Mateu 19:6) Zvapupu zvaJehovha hazvioni nyaya dzekupfimbana sedzokutamba nadzo, nekuti iroro idanho rinoita kuti vaviri vazosvika pakuroorana.

  •   Vaya vanenge vava pazera rekuti vava kukwanisa kuroora kana kuroorwa ndivo chete vanofanira kupfimbana. Vanhu vakadaro vanenge ‘vayaruka’ kana kuti vanenge vapfuura zera riya rekuti munhu anenge aine chido chakanyanya chekuita zvepabonde.​—1 VaKorinde 7:36.

  •   Vaya vanosarudza kupfimbana nemumwe munhu vanofanira kunge vasina chinovatadzisa kuroora kana kuroorwa maererano neBhaibheri. Vamwe vangarambana zviri pamutemo asi pamberi paMwari vanenge vasina kusununguka kuroorazve kana kuroorwazve, sezvo Mwari achingoti vakaroorana vangasarudza chete kurambana kana mumwe wavo aita upombwe.​—Mateu 19:9.

  •   VaKristu vanenge vachida kuroora kana kuroorwa vanorayirwa kuti vasarudze munhu wavanonamata naye chete. (1 VaKorinde 7:39) Manzwisisiro atinoita murayiro uyu seZvapupu zvaJehovha ndeekuti, tinofanira kuroorana neChapupu chakabhabhatidzwa uye chinorarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, kwete nemunhu anongoremekedzawo zvatinotenda. (2 VaKorinde 6:14) Kubvira kare, Mwari airayira vanamati vake kuti vasaroorana nevanhu vaiva nemanamatiro akasiyana neavo. (Genesisi 24:3; Maraki 2:11) Vamwe vaongorori vemazuva ano vakatoonawo kuti murayiro uyu uchiri kushanda. b

  •   Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo. (Zvirevo 1:8; VaKorose 3:20) Kana vachiri kugara nevabereki vavo, zvinosanganisirawo kuteerera zvavanotaura panyaya dzekupfimbana. Izvi zvingasanganisirawo zera ringatanga munhu kupfimbana nemumwe munhu uye kuti ndezvipi zvavangabvumirwa kuita panguva yavanenge vava kudanana.

  •   Chapupu chimwe nechimwe chinofanira kutevedzera zvinotaurwa neMagwaro chozvisarudzira kuti chopfimbana nemumwe munhu here uye kuti nemunhu akaita sei. Izvi zvinoenderana nemashoko ekuti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.” (VaGaratiya 6:5) Kunyange zvakadaro, vakawanda vanoona zvichibatsira kutsvaka mazano kubva kune zvimwe Zvapupu zvakasimba pakunamata zvavanonyatsovimba nazvo.​—Zvirevo 1:5.

  •   Zvakawanda zvinoitwa nevanhu pavanenge vachidanana zvinenge zvitori zvivi zvakakura. Semuenzaniso, Bhaibheri rinorambidza unzenza. Izvi hazvingorevi kuita bonde chairo asiwo zvimwe zvinhu zvisina kuchena zvingaitwa nevanhu vanenge vasina kuroorana, zvakadai sekubatana-batana nhengo dzakavanzika kana kuita bonde nemumuromo kana kuti nekunobuda netsvina. (1 VaKorinde 6:9-11) Uyewo, zvinhu zvinoitwa nevasina kuroorana asi zvichimutsa chishuvo chebonde kunyange zvazvo vasingazoriiti, ‘hazvina kuchena’ uye zvinogumbura Mwari. (VaGaratiya 5:19-21) Bhaibheri rinoshorawo kungonakidzwa ‘nekutaura zvinonyadzisira.’​—VaKorose 3:8.

  •   Mwoyo unonyengera. (Jeremiya 17:9) Unogona kuita kuti munhu aite zvinhu zvaanoziva kuti zvakaipa. Kuti vasanyengerwa nemwoyo yavo, vanhu vaviri vanenge vachidanana vanodzivisa kuva panzvimbo yavanenge vari vega kuti vasazopinda pamuedzo. Saka vanosarudza kuti vave nemunhu wechitatu akakodzera kana kuti vanhu vanotya Mwari. (Zvirevo 28:26) VaKristu vanoziva kuti zvine njodzi kutsvaka munhu wokuroorana naye paIndaneti, nokuti munhu wacho unenge usinganyatsomuzivi.​—Pisarema 26:4.

a Nyaya dzekupfimbana dzinosiyana-siyana zvichienderana netsika. Bhaibheri haritauri haro kuti vanhu vanofanira kuita zvipi panyaya idzi vasati varoorana.

b Semuenzaniso, imwe nyaya iri mubhuku rinonzi Marriage & Family Review yakataura “nezveongororo nhatu dzakaitwa (pavanhu vava nemakore 25 kusvika ku50 vakachata) dzekutsvaga kuti zvinhu zvipi zvinoita kuti vanhu vachembedzane.” Inoti pakaonekwa kuti kana “vakaroorana vaine maonero akafanana panyaya dzekunamata, vachipinda chechi imwe chete uye vachitenda zvinhu zvakafanana, kazhinji zvinoita kuti vachembedzane.”—Volume 38, issue 1, peji 88 (2005)