Mapisarema 55:1-23

  • Munyengetero kana watengeswa neshamwari

    • Kushorwa neshamwari yepedyo (12-14)

    • “Kanda mutoro wako pana Jehovha” (22)

Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi. 55  Teereraiwo munyengetero wangu Mwari,+Uye musarega kunzwa chikumbiro changu chekunzwirwa tsitsi.*+   Nditeererei mundipindure.+ Kunetseka kwangu kuri kundishayisa zororo,+Uye ndiri kushungurudzika   Nemhaka yezviri kutaurwa nemuvengiUye kundiomesera kuri kuita vakaipa. Nekuti vanoramba vachitutira matambudziko pandiri,Uye vanoramba vachindivenga vakatsamwa.+   Mwoyo wangu uri kushungurudzika,+Uye kutyisa kwerufu kuri kundipedza simba.+   Kutya nekudedera zviri pandiri,Uye kubvunda kwakandibata.   Ndinongoti: “Dai ndaiva nemapapiro senjiva! Ndaibhururuka ndonogara kwakachengeteka.   Onai! Ndaitizira kure kure.+ Ndainogara murenje.+ (Sera)   Ndaimhanyira kunzvimbo yekuhwanda,Iri kure nemhepo inovhuvhuta, kure nedutu.”   Vavhiringidzei, haiwa Jehovha, uye vhiringidzai zvirongwa zvavo,*+Nekuti ndakaona mhirizhonga uye kupesana muguta. 10  Vanotenderera masvingo aro siku nesikati;Mukati maro mune kurwadzisana nematambudziko.+ 11  Mukati maro makaparara;Udzvinyiriri uye unyengeri hazviperi mumusika maro.+ 12  Nekuti haasi muvengi ari kundizvidza;+Zvimwe ndingadai ndakatsungirira. Haisi mhandu yakandipandukira;Zvimwe ndingadai ndakamuhwanda. 13  Asi ndiwe, munhu akafanana neni,+Shamwari yangu yandinonyatsoziva.+ 14  Taiva shamwari dzepedyo;Taiwanzofamba tichipinda mumba maMwari tiri pamwe chete neruzhinji. 15  Ngavaparadzwe!+ Ngavadzike muGuva* vari vapenyu;Nekuti uipi hunogara pakati pavo uye mukati mavo. 16  Kana ndiri ini ndichashevedzera kuna Mwari,Uye Jehovha achandiponesa.+ 17  Manheru nemangwanani nemasikati, ndinonetseka uye ndinogomera,+Uye anonzwa inzwi rangu.+ 18  Achandinunura* ondipa* rugare pavanhu vari kundirwisa,Nekuti vanhu vakawanda vari kundirwisa.+ 19  Mwari, uyo anogara pachigaro cheumambo kubvira kare,+Achanzwa ovapindura.+ (Sera) Vaya vasina kutya MwariVacharamba kuchinja.+ 20  Akarwisa* vaya vane rugare naye;+Akaputsa sungano yake.+ 21  Mashoko ake anotsvedzerera kupfuura ruomba,+Asi mumwoyo make mune kukakavara. Mashoko ake manyoro kupfuura mafuta,Asi iwo mapakatwa akavhomorwa.+ 22  Kanda mutoro wako pana Jehovha,+Iye achakutsigira.+ Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.*+ 23  Asi imi, haiwa Mwari, muchavaisa mugomba rakadzikadzika.+ Vaya vane mhosva yekudeura ropa nevanonyengera havazorarami hafu yemazuva avo.+ Asi kana ndiri ini ndichavimba nemi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Uye musavanda pandinonyengetera ndichikumbira rubatsiro.”
ChiHeb., “vhiringidzai ndimi dzavo.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiHeb., “Achandidzikinura.”
Kana kuti “opa mweya wangu.”
Kureva, uya aimbova shamwari ataurwa pavhesi ne.
Kana kuti “adzedzereke; azununguke.”