Mapisarema 83:1-18

  • Munyengetero pakutarisana nevavengi

    • “Haiwa Mwari, musanyarara” (1)

    • Vavengi vakaita semasora anobaya anotorwa nechamupupuri (13)

    • Zita raMwari ndiJehovha (18)

Rwiyo. Pisarema raAsafi.+ 83  Haiwa Mwari, musanyarara;+Musaramba makangoti zii kana kuramba makamira, haiwa imi Mwari.   Nekuti onai! vavengi venyu vari kuita zhowezhowe;+ Vaya vanokuvengai vari kuzvikudza.*   Vanonyengera vachironga pachivande kuitira vanhu venyu zvakaipa;Vanorangana zvakaipa pamusoro pevanhu venyu vamunokoshesa.*   Vanoti: “Uyai, ngatiparadzei rudzi rwavo rwese,+Kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.”   Vanoisa misoro pamwe chete vachironga zano;*Vakaita sungano yekurwisana nemi,+   Ivo vemumatende eEdhomu uye vaIshmaeri, Moabhi+ uye vaHagri,+   Gebhari naAmoni+ naAmareki,Firistiya+ pamwe chete nevagari vekuTire.+   Asiriya+ yakabatanawo navo;Vanotsigira vanakomana* vaRoti.+ (Sera)   Vaitei zvamakaita Midhiyani,+Zvamakaita Sisera naJabhini parukova rweKishoni.+ 10  Vakaparadzwa paEndori;+Vakava mupfudze wenyika. 11  Itai kuti vakuru vakuru vavo vave saOrebhu naZeebhu+Uye machinda avo ave* saZebha naZarimuna,+ 12  Nekuti vakati: “Ngatitorei nyika inogara Mwari.” 13  Haiwa Mwari wangu, itai kuti vave semasora anobaya anotorwa nechamupupuri,+Semashanga ari kupeperetswa nemhepo. 14  Sezvinoita moto unopisa sango,Serimi remoto rinopisa makomo,+ 15  Vadzingirirei nedutu renyu rakasimba+Uye vavhundutsei nechamupupuri chenyu.+ 16  Zadzai* zviso zvavo nenyadzi,Kuti vatsvage zita renyu, haiwa Jehovha. 17  Ngavanyadziswe uye ngavavhundutswe nekusingaperi;Ngavashaye pekupinda uye ngavaparare; 18  Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha,+Imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vari kusimudza misoro yavo.”
ChiHeb., “vamakavanza.”
ChiHeb., “Vanorangana nemwoyo mumwe.”
ChiHeb., “Vava ruoko rwevanakomana.”
Kana kuti “vatungamiriri vavo vave.”
Kana kuti “Fukidzai.”