Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 13

Bhaibheri Rinotii Nezvekushanda?

“Unoona munhu anoziva basa rake here? Achamira pamberi pemadzimambo; haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.”

Zvirevo 22:29

“Anoba ngaachirega kubazve; asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechekupawo anoshayiwa.”

VaEfeso 4:28

“Hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti . . . munhu wese adye nekunwa uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba. Icho chipo chaMwari.”

Muparidzi 3:12, 13