Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 17

Bhaibheri Ringabatsira Sei Mhuri Yako?

VARUME/VANABABA

“Varume vanofanirawo kuita saizvozvo, vachida madzimai avo semiviri yavo. Murume anoda mudzimai wake anozvida, nekuti hapana murume akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta . . . Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita.”

VaEfeso 5:28, 29, 33

“Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.”

VaEfeso 6:4

MADZIMAI

“Mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.”

VaEfeso 5:33

“Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, sezvo zviri izvo zvakakodzera munaShe.”

VaKorose 3:18

VANA

“Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nekuti izvi zvakarurama. ‘Kudza baba vako naamai vako.’ Uyu ndiwo murayiro wekutanga une vimbiso yekuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’”

VaEfeso 6:1-3

“Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese, nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru.”

VaKorose 3:20