Mapisarema 46:1-11

  • “Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera”

    • Mabasa aMwari anoshamisa (8)

    • Mwari anogumisa hondo munyika yese (9)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Mutinhimira weAramoti.* 46  Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu.+ Ndiye rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.+   Ndokusaka tisingazotyi, kunyange nyika ichichinja,Kunyange makomo achizununguka achinyura mukati megungwa,+   Kunyange mvura yaro ikaita ruzha ichipupuma,+Kunyange makomo akazununguka nekuda kwekusagadzikana kwaro. (Sera)   Pane rwizi rune hova dzinoita kuti guta raMwari rifare,+Tebhenekeri huru tsvene yeWekumusorosoro.   Mwari ari muguta racho;+ harigoni kupidigurwa. Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.+   Marudzi aiita mheremhere, uye madzimambo akapidigurwa;Akakwidza inzwi rake, uye nyika yakanyunguduka.+   Jehovha wemauto anesu;+Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yekupotera.* (Sera)   Uyai muone mabasa aJehovha,Maitiro aakaita zvinhu zvinokatyamadza panyika.   Ari kugumisa hondo munyika yese.+ Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo;Anopisa ngoro dzehondo* nemoto. 10  “Bvumai uye zivai kuti ndini Mwari. Ndichakwidziridzwa pakati pemarudzi;+Ndichakwidziridzwa munyika.”+ 11  Jehovha wemauto anesu;+Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yekupotera.+ (Sera)

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anopisa nhoo.”