Mapisarema 31:1-24

  • Kupotera kuna Jehovha

    • “Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu” (5)

    • “Jehovha, Mwari anoda chokwadi” (5)

    • Mwari akanaka zvikuru (19)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 31  Ndakapotera kwamuri, haiwa Jehovha.+ Itai kuti ndisanyadziswa.+ Ndinunurei nekuti makarurama.+   Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.* Kurumidzai kundinunura.+ Ivai nzvimbo yangu yekupotera iri pagomo,Nzvimbo yakasimba inondiponesa.+   Nekuti muri ibwe rangu nenhare yangu;+Muchanditungamirira uye muchandiratidza nzira nekuda kwezita renyu.+   Muchandibvisa mumambure avakanditeya nawo pandisingaoni,+Nekuti muri nhare yangu.+   Ndinoisa mweya wangu* muruoko rwenyu.+ Makandidzikinura, haiwa Jehovha, Mwari anotaura chokwadi.*+   Ndinovenga vaya vakazvipira kuzvidhori zvisingabatsiri, zvisina maturo,Asi kana ndiri ini, ndinovimba naJehovha.   Ndichafara zvikuru nerudo rwenyu rusingachinji,Nekuti makaona kutambudzika kwangu;+Munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.*   Hamuna kundiisa muruoko rwemuvengi,Asi munoita kuti ndimire munzvimbo isina njodzi.*   Ndinzwireiwo nyasha Jehovha, nekuti ndiri kutambudzika. Kurwadziwa zvakanyanya kwaita kuti maziso angu ashaye simba,+ nemuviri wangu wese.+ 10  Upenyu hwangu huri kupera neshungu+Uye makore angu ari kupera nekugomera.+ Simba rangu riri kupera nemhaka yechivi changu;Mapfupa angu ari kupera simba.+ 11  Ndinotukwa nevavengi vangu,+Kunyanya vavakidzani vangu. Uye ndava kutyiwa nevanhu vekuziva;Pavanondiona paruzhinji, vanonditiza.+ 12  Handisisiri mumwoyo mavo* uye ndakanganwika, sekunge ndakafa;Ndava kunge mudziyo wakaputsika; 13  Ndakanzwa mashoko akaipa akawanda ari kutaurwa nevanhu;Ndakakombwa nezvinotyisa.+ Pavanondiunganira vese pamwe chete,Vanoronga kuti vaparadze upenyu hwangu.*+ 14  Asi ini ndinovimba nemi, haiwa Jehovha.+ Ndinoti: “Ndimi Mwari wangu.”+ 15  Mazuva angu ari muruoko rwenyu. Ndinunurei paruoko rwevavengi vangu nepavanhu vari kunditambudza.+ 16  Itai kuti chiso chenyu chipenye pamushumiri wenyu.+ Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji. 17  Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa pandinodana kwamuri.+ Vakaipa ngavanyadziswe;+Ngavanyararidzwe muGuva.*+ 18  Miromo yenhema ngaishayiwe chekutaura,+Miromo inotaura nezvevakarurama ichizvikudza, ichizvitutumadza uye ichizvidza. 19  Kunaka kwenyu kwakakura zvechokwadi!+ Makakuchengetera vaya vanokutyai,+Uye makakuratidza pamberi pevanhu vese, muchiitira vaya vanopotera kwamuri.+ 20  Muchavavanza munzvimbo yenyu yakavanda+Kuti vasarongerwa zvakaipa nevanhu;Muchavaviga mutende renyuKuti vasarwiswa zveutsinye.*+ 21  Jehovha ngaarumbidzwe,Nekuti akandiratidza rudo rusingachinji+ nenzira inoshamisa muguta rakakombwa.+ 22  Kana ndiri ini, ndakatanga kutya ndikati: “Ndichaparara pamberi penyu.”+ Asi makanzwa kuteterera kwangu pandaichema kwamuri kuti mundibatsire.+ 23  Idai Jehovha, imi mese vakavimbika kwaari!+ Jehovha anochengetedza vakatendeka,+Asi anonyatsotsiva munhu wese anoratidza kuzvikudza.+ 24  Shingai, uye mwoyo yenyu ngaisimbe,+Imi mese muri kumirira Jehovha.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Kotamai mundinzwewo.”
Kana kuti “simba rangu reupenyu.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Mwari akatendeka.”
Kana kuti “zvinonetsa mweya wangu.”
Kana kuti “munzvimbo yakakura.”
Kana kuti “mupfungwa dzavo.”
Kana kuti “mweya wangu.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Kuti vanhu vasakakavadzana navo.”