Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 1

Mwari Ndiani?

“Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”

Pisarema 83:18

“Zivai kuti Jehovha ndiMwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake.”

Pisarema 100:3

“Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; hapana wandinopa kukudzwa kwangu, uye handipi kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”

Isaya 42:8

“Munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa.”

VaRoma 10:13

“Imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari.”

VaHebheru 3:4

“Simudzai maziso enyu mutarise kudenga. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye uya anobudisa uto razvo muuwandu hwazvo; anozvishevedza zvese nemazita azvo. Nekuda kwesimba rake guru kwazvo uye simba rake rinoshamisa, hapana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.”

Isaya 40:26