Mapisarema 10:1-18

  • Jehovha, mubatsiri wemunhu asina mubatsiri

    • Akaipa anozvikudza achiti: “Hakuna Mwari” (4)

    • Asina mubatsiri anotendeukira kuna Jehovha (14)

    • “Jehovha ndiMambo nariini” (16)

ל [Lamed] 10  Haiwa Jehovha, munomirirei nechekure? Munozvivanzirei munguva dzekutambudzika?+   Munhu akaipa anozvikudza achidzingirira munhu asina mubatsiri,+Asi achabatwa nemazano ake aakaronga.+   Nekuti munhu akaipa anozvirumbidza pamusoro peruchiva rwake+Uye anorumbidza munhu ane makaro;*נ [Nun]Haaremekedzi Jehovha.   Nekuzvikudza kwake, munhu akaipa haaedzi kuongorora zvinhu;Mupfungwa dzake anongoti: “Hakuna Mwari.”+   Nzira dzake dzinoramba dzichibudirira,+Asi haatombonzwisisi mitongo yenyu;+Anozvidza vavengi vake vese.   Anoti mumwoyo make: “Handisi kuzombozununguswa;*Kwezvizvarwa nezvizvarwaHandisi kuzoona dambudziko.”+ פ [Pe]   Muromo wake uzere nekutuka, kunyepa, nekutyisidzira;+Pasi perurimi rwake pakazara matambudziko nekukuvadza.+   Anogaririra akahwandira pedyo nemisha;Ari paakahwanda anouraya munhu asina mhosva.+ ע [Ayin] Maziso ake ari kutsvaga munhu wekuuraya.+   Anomirira ari paakahwanda seshumba iri panzvimbo painohwandira iri.+ Anomirira kubata munhu asina mubatsiri. Paanodhonza mambure ake achiavhara,+ anobata munhu asina mubatsiri. 10  Waanenge abata anokurirwa uye anowisirwa pasi;Uye vasina simba vanowira mumaoko ake.* 11  Anoti mumwoyo make: “Mwari akanganwa.+ Atendeudza chiso chake. Haatombooni zviri kuitika.”+ ק [Qoph] 12  Simukai, haiwa Jehovha.+ Simudzai ruoko rwenyu,+ haiwa Mwari. Regai kukanganwa vasina mubatsiri.+ 13  Nei munhu akaipa asina kuremekedza Mwari? Anoti mumwoyo make: “Hamuzoiti kuti ndizvidavirire.” ר [Resh] 14  Asi panoitika nhamo nematambudziko munozviona. Munotarisa moisa nyaya dzacho mumaoko enyu.+ Munhu anotambudzwa anotendeukira kwamuri;+Ndimi mubatsiri wenherera.+ ש [Shin] 15  Tyorai ruoko rwemunhu akaipa neane utsinye,+Kuti pamunozotsvaga uipi hwake,Hamuzohuonizve. 16  Jehovha ndiMambo nariini nariini.+ Marudzi aparara panyika.+ ת [Taw] 17  Asi muchanzwa chikumbiro chevanyoro, haiwa Jehovha.+ Muchasimbisa mwoyo yavo+ monyatsovateerera.+ 18  Muchatonga zvakarurama nyaya dzenherera nedzevaya vakadzvinyirirwa,+Zvekuti munhuwo zvake wepanyika haazovatyisi zvakare.+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “Munhu ane makaro anozvirumbidza.”
Kana kuti “kuzombodzedzereka.”
Kana kuti “munzara dzake dzakasimba.”